Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 130

Kanganwira Vamwe

Kanganwira Vamwe

(Pisarema 86:5)

  1. 1. Nerudo Jehovha

    Akapa Mwana wake

    Tikanganwirwewo zvivi,

    Uye rufu rubviswe.

    Kana tikanyatsopfidza,

    Anotikanganwira.

    Nekuda kwechibayiro,

    Tinoregererwawo.

  2. 2. Otinzwira ngoni

    Tikamutevedzera

    Patinokanganwirana,

    Tichinzwirana tsitsi.

    Ngatishiviriranewo,

    Tisingambovengani;

    Tichikudza hama dzedu,

    Tichiratidza rudo.

  3. 3. Ngoni dzakanaka

    Tese ngative nadzo.

    Hatizovi nechigumbu,

    Kana kuvenga vamwe.

    Tatevedzera Jehovha

    Ane rudo rukuru,

    Tichanyatsokanganwira;

    SaMwari wekudenga.