Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 138

Runako Rwevachena Musoro

Runako Rwevachena Musoro

(Zvirevo 16:31)

  1. 1. Tine vakakwegura,

    Vakura kwazvo.

    Vari kutsungirira,

    Uye kushinga.

    Vanoshayiwa simba;

    Vamwe kufirwa.

    Baba, vasimbisei

    Tariro yavo.

    (KORASI)

    Baba, yeukai

    Kutenda kwavo.

    Muvasimbisewo;

    Muti, “Mazvita!”

  2. 2. Jehovha anoona

    Vakatendeka,

    Vaya vachena bvudzi

    Sevakanaka.

    Vaivawo vadiki,

    Tizviyeuke.

    Vakaita zvizhinji

    Vachine simba.

    (KORASI)

    Baba, yeukai

    Kutenda kwavo.

    Muvasimbisewo;

    Muti, “Mazvita!”