Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 151

Achashevedza

Achashevedza

(Jobho 14:13-15)

  1. 1. Upenyu hwakaita semhute,

    Raramei hwapera.

    Pasina nguva tinenge tafa,

    Sare yava misodzi.

    Afa angararamazve here?

    Mwari anovimbisa:

    (KORASI)

    Adana; vachapindura.

    Iye achavamutsa

    Nekuti achasuwa

    Basa raakaita.

    Tendai musashamiswa,

    Mwari achatimutsa.

    Torarama narini,

    Ndiye akatiita.

  2. 2. Shamwari dzake nyange dzikafa,

    Mwari haakanganwi.

    Dzese anotodzirangarira,

    Iye achadzimutsa.

    Tozoona upenyu chaihwo:

    Imo muParadhiso.

    (KORASI)

    Adana; vachapindura.

    Iye achavamutsa

    Nekuti achasuwa

    Basa raakaita.

    Tendai musashamiswa,

    Mwari achatimutsa.

    Torarama narini,

    Ndiye akatiita.