Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 1

“Jehovha Mwari Wako Ndiye Waunofanira Kunamata”

“Jehovha Mwari Wako Ndiye Waunofanira Kunamata”

MATEU 4:10

ZVATICHADZIDZA: Nei kunamata kwakachena kuchifanira kudzorerwa?

1, 2. Jesu akasvika sei pakuva murenje reJudhiya muna 29 C.E., uye chii chakaitika kwaari ari imomo? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

IGORE ra29 C.E., uye Jesu ari murenje reJudhiya, nechekuchamhembe kweGungwa Rakafa. Kunofanira kunge kuri kupera kwemwedzi waOctober kana kutanga kwemwedzi waNovember. Mweya mutsvene wakamuita kuti aende kunzvimbo iyi pashure pekunge abhabhatidzwa uye azodzwa. Murenje iri, rakazara matombo nemakoronga, Jesu aita mazuva 40 achitsanya, achinyengetera, uye achidzamisa pfungwa. Zvimwe panguva iyi, Jehovha atombotaura neMwanakomana wake achimugadzirira zvichaitika kumberi.

2 Iye zvino, Jesu paapedzwa simba nenzara, Satani anomuvinga. Zvinozoitika zvinobudisa pachena nyaya inokosha kumunhu wese anoda kunamata kwakachena, kusanganisira iwe.

“Kana Uri Mwanakomana waMwari . . .”

3, 4. (a) Satani akatanga miedzo yake miviri yekutanga nemashoko api, uye anofanira kunge aida kuti Jesu afungei? (b) Satani anoshandisa sei mazano aya mazuva ano?

3 Verenga Mateu 4:1-7. Satani akatanga miedzo yake miviri yekutanga nemashoko ekuhwandira Jesu ekuti, “Kana uri mwanakomana waMwari.” Satani akanga asina chokwadi kuti Jesu Mwanakomana waMwari here? Aiwa. Ngirozi iyoyo yakapanduka yainyatsoziva kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari wedangwe. (VaK. 1:15) Zviri pachena kuti Satani aizivawo mashoko akataurwa naJehovha ari kudenga pakabhabhatidzwa Jesu ekuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mat. 3:17) Zvimwe Satani aida kuti Jesu atange kufunga kuti Baba vake havana kuvimbika uye kuti havana basa naye. Pamuedzo wekutanga wekuti achinje matombo kuti ave chingwa, Satani aiita seari kuti: ‘Zvauri Mwanakomana waMwari, nei Baba vako vasiri kukupa zvekudya murenje rino musina chekubata?’ Pamuedzo wechipiri wekuti azviwisire pasi kubva parusvingo rwetemberi, Satani aiita seari kubvunza Jesu kuti: ‘Sezvo uri Mwanakomana waMwari, unonyatsova nechokwadi chekuti Baba vako vanogona kukudzivirira here?’

4 Idzi ndidzo nzira dzinoshandiswawo naSatani mazuva ano. (2 VaK. 2:11) Muedzi anomirira kuti vanamati vechokwadi vapere simba kana kuti vaore mwoyo, obva avaedza uye anowanzozviita nenzira dzisiri nyore kuona. (2 VaK. 11:14) Anoedza kutinyengedza kuti tifunge kuti Jehovha haambofi akatida kana kutifarira. Muedzi anodawo kuti tifunge kuti Jehovha haana kuvimbika, kana kuti haazombozadzisi zvaakavimbisa muShoko rake. Asi idzodzo inhema dzakaipa kwazvo. (Joh. 8:44) Tingaitei kuti tisadzibvuma?

5. Jesu akapindura sei miedzo miviri yekutanga?

5 Ona kuti Jesu akapindura sei miedzo miviri yekutanga. Ainyatsoziva kuti Baba vake vaimuda, uye ainyatsovimba navo. Pakare ipapo akapindura Satani achishandisa Shoko raBaba vake rakafemerwa. Jesu akasarudza magwaro akanga aine zita raJehovha. (Dheut. 6:16; 8:3) Hapana imwe nzira iri nani yaigona kuratidzwa neMwanakomana waMwari kuti aivimba naBaba vake inopfuura kushandisa zita ravo! Zita iri rakasiyana nemamwe ese uye rinoratidza kuti hapana chinotadzisa Jehovha kuzadzisa zvese zvaakavimbisa. *

6, 7. Tingakurira sei miedzo yaSatani yaanounza kwatiri zvisiri nyore kuona?

6 Tinogona kukurira miedzo yaSatani yaanounza nenzira dzisiri pachena nekuvimba nezvinotaurwa muShoko raJehovha uye kufungisisa zvinorehwa nezita rake. Magwaro anotaura kuti Jehovha anoda vanhu vake, kusanganisira vaya vakaora mwoyo, uye ane hanya navo. Kana tichiona mashoko iwayo seari kutaurirwa isu pachedu, tinogona kuramba nhema dzaSatani dzekuti Jehovha haambofi akatida kana kutifarira. (Pis. 34:18; 1 Pet. 5:8) Uye kana tikayeuka kuti Jehovha anogara achiita zvinoenderana nezvinorehwa nezita rake, tinova nechivimbo chakazara muna Jehovha, uyo anozadzisa zvese zvaanovimbisa.—Zvir. 3:5, 6.

7 Asi chinangwa chaSatani chinenge chiri chei chaizvo? Anenge achida kuti tiite sei? Mhinduro yacho yakabuda pachena pamuedzo wake wechitatu waakashandisa pana Jesu.

“Pfugama Wongondinamata Kamwe Chete”

8. Pamuedzo wechitatu, Satani akaratidza sei pane nyaya yake chaipo?

8 Verenga Mateu 4:8-11. Pamuedzo wechitatu, Satani akasiya zvekuhwanda-hwanda achibva anyatsoratidza pachena zvaaida. Satani akaita kuti Jesu aone “umambo hwese hwenyika nekubwinya kwahwo,” (zvichida achiita zvekumupa chiratidzo), asi haana kuita kuti aone zvinhu zvakaipa zvaiva mahuri. Akabva audza Jesu kuti: “Ndichakupa zvinhu zvese izvi kana ukapfugama wongondinamata kamwe chete.” * Saka nyaya yake chaiyo yakanga iri pakuda kunamatwa! Satani aida kuti Jesu asiye Baba vake oona Muedzi samwari wake. Satani aiita seaida kurerutsira Jesu. Mashoko ake aireva kuti Jesu aigona kuva mambo ova muridzi wepfuma yenyika yese asina kumbotanga atambura. Paisava nechikonzero chekuti apfekedzwe korona yeminzwa, arohwe zvakasimba, kana kufira padanda rekutambudzirwa. Jesu aitoziva kuti Satani ndiye mutongi wehurumende dzepanyika. Dai aisaziva, waisazonzi muedzo! (Joh. 12:31; 1 Joh. 5:19) Satani haaimborega kupa chero chii zvacho kuti aite kuti Jesu asiye kunamata Baba vake zvakachena.

9. (a) Satani anonyatsoda chii kuvanamati vechokwadi, uye anotiedza sei? (b) Kunamata kwedu kunosanganisirei? (Ona bhokisi rakanzi ““Chii Chinonzi Kunamata?”)

9 Mazuva ano, Satani anodawo chaizvo kuti timunamate nenzira dziri pachena kana kuti dzisiri. Sezvo ari iye “mwari wenyika ino,” ndiye anonamatwa nezvitendero zvese zvenhema zviri muBhabhironi Guru. (2 VaK. 4:4) Asi nemhaka yekuti haagutsikani nemabhiriyoni evanhu vanomunamata, anoda kunyengedza vanamati vechokwadi kuti vaite zvisingadiwi naMwari. Anoedza kutikwezva kuti titsvage pfuma nezvinzvimbo munyika yake pane kuti tirarame upenyu hwechiKristu, uhwo hungangoita kuti ‘titambure nekuti tinenge tichiita zvakarurama.’ (1 Pet. 3:14) Kana tikakurirwa nemuedzo wekuti tisiye kunamata kwakachena tobatana nenyika yaSatani, tinenge tichitopfugamira Satani nekumunamata, tichimuita mwari wedu. Tingakunda sei muedzo iwoyo?

10. Jesu akapindura sei muedzo wechitatu, uye nei akadaro?

10 Cherechedza kuti Jesu akapindura sei pamuedzo wechitatu. Achiratidza kuti ainge akavimbika zvakazara kuna Jehovha, akakurumidza kudzinga Muedzi achiti: “Ibva, Satani!” Sezvaakaita pamiedzo miviri yekutanga, Jesu akabva ashandisa rugwaro rune zita raMwari ruri muna Dheuteronomi runoti: “Zvakanyorwa kuti: ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.’” (Mat. 4:10; Dheut. 6:13) Saka Jesu akaramba kukwezvwa nebasa raigona kumupa mukurumbira wenguva pfupi uye upenyu huri nyore husina matambudziko. Aiziva kuti Baba vake chete ndivo vanofanira kunamatwa uye kuti kungonamata Satani kunyange “kamwe chete” kwaitoreva kuzviisa pasi peutongi hwake. Jesu akaramba zvakasimba kuti Muedzi ave mwari wake. Paakaona kuti zvaaida zvainge zvaramba, “Dhiyabhorosi akabva amusiya.” *

“IBVA, SATANI!” (Ona ndima  10)

11. Tingakurira sei Satani nemiedzo yake?

11 Tinogona kukurira Satani nemiedzo iri munyika yake yakaipa nekuti, kungofanana naJesu, tinokwanisa kuzvisarudzira tega zvatinoda. Kukwanisa kusarudza chipo chinokosha chatakapiwa naJehovha. Saka hapana kana munhu mumwe chete anogona kutimanikidza kuti tisiye kunamata kwakachena, kunyange Satani chaiye nesimba raainaro rekuedza. Patinoramba ‘tichirwisa [Satani] takasimba pakutenda,’ tinenge tichitoita setiri kuti: “Ibva, Satani!” (1 Pet. 5:9) Yeuka kuti Satani akazosiya Jesu pashure pekunge aramba zvakasimba kuita zvaaida. Isuwo Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Rwisanai naDhiyabhorosi, uye achakutizai.”—Jak. 4:7.

Tinogona kusarudza kuramba miedzo yenyika yaSatani (Ona ndima 11, 19)

Muvengi Wekunamata Kwakachena

12. MuEdheni, Satani akaratidza sei kuti ndiye muvengi wekunamata kwakachena?

12 Muedzo wechitatu wakaratidza kuti Satani ndiye muvengi uya wekutanga wekunamata kwakachena. Izvi tinozviona pane zvakaitika mumunda weEdheni zviuru zvemakore zvakanga zvapfuura. Ipapo ndipo pakatanga Satani kuratidza kuti anovenga kuona vanhu vachinamata Jehovha. Paakanyengera Evha, uyo akazonyengetedzawo Adhamu kuti asateerera murayiro waJehovha, Satani akavaita kuti vaite zvaanoda uye vave pasi peutongi hwake. (Verenga Genesisi 3:1-5; 2 VaK. 11:3; Zvak. 12:9) Akabva atova mwari wavo, uye vakanga vatova vanamati vake, kunyange zvazvo vangave vaisanyatsoziva kuti ndiani ainge avatsausa. Uyewo, Satani paakafurira vanhu kuti vapanduke muEdheni, ainge achitoratidza kuti Jehovha haana kodzero yekutonga, uye aitorwisa kunamata kwakachena. Nei tichidaro?

13. Kunamata kwakachena kwakabatana sei nenyaya yekodzero yekutonga?

13 Nyaya yekodzero yekutonga yakabatana nekunamata kwakachena. Changamire wechokwadi chete, uya “akasika zvinhu zvese,” ndiye akakodzera kunamatwa. (Zvak. 4:11) Jehovha paakasika Adhamu naEvha vasina chivi achibva avaisa mumunda weEdheni, chinangwa chake chaiva chekuti nyika yese izopedzisira yazara nevanhu vasina chivi vanomunamata vachizvidira, uye zvakachena zvichibva pamwoyo wakachena. (Gen. 1:28) Chakaita kuti Satani apandukire utongi hwaJehovha ndechekuti aida kuitirwa zvakakodzera kuitirwa Changamire Ishe Jehovha chete, kunova kunamatwa.—Jak. 1:14, 15.

14. Satani akabudirira here pakurwisa kunamata kwakachena? Tsanangura.

14 Satani akabudirira here pakurwisa kunamata kwakachena? Akakwanisa kuita kuti Adhamu naEvha vasiye Mwari. Kubvira ipapo, Satani ari kuramba achirwisa kunamata kwakachena, achiita zvese zvaanogona kuti vanhu vakawanda vasiye Jehovha Mwari. ChiKristu chisati chatanga, Satani akanga asingazorori kuedza vanamati vaJehovha. Panguva yevaKristu vekutanga, akaita kuti vanhu vatsauke pakutenda izvo zvakakanganisa ungano yechiKristu, uye zvakaita kuti kunamata kwakachena kuite sekwatoparara. (Mat. 13:24-30, 36-43; Mab. 20:29, 30) Pashure pekufa kwevaapostora, vanhu vaMwari vakatapwa kwenguva yakareba neBhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvese zvenhema. Asi Satani haana kubudirira pakuita kuti chinangwa chaMwari panyaya yekunamata kwakachena chikundikane. Hapana chinogona kutadzisa Mwari kuzadzisa chinangwa chake. (Isa. 46:10; 55:8-11) Chinangwa chake chakabatana nezita rake, uye anogara achiita zvinoenderana nezvinorehwa nezita rake. Jehovha ndiMwari asingakundikani kuzadzisa zvaanovimbisa!

Mutsigiri Akasimba Wekunamata Kwakachena

15. Jehovha akaita sei nevapanduki muEdheni achitora matanho ekuti chinangwa chake chizadziswe?

15 MuEdheni, Jehovha haana kunonoka kupa mutongo kuvapanduki uye kuita urongwa hwekuti chinangwa chake chizadziswe. (Verenga Genesisi 3:14-19.) Adhamu naEvha vasati vatombobudiswa mumunda weEdheni, Jehovha akapa mutongo vapanduki vacho vatatu, achitanga neainge atanga kutadza wacho, Satani, akazoenda pana Evha, ndokuzopedzisira naAdhamu. Achitaura naSatani, chisikwa chemweya chisingaoneki chakanga chatanga kupanduka uku, Jehovha akataura kuti kwaizouya “mwana” aizogadzirisa matambudziko akakonzerwa nekupanduka kwacho. “Mwana” iyeye akavimbiswa aizoita basa rinokosha pakuzadzisa chinangwa chaJehovha panyaya yekunamata kwakachena.

16. Pashure pekupanduka kwakaitika muEdheni, zvii zvakaitwa naJehovha kuti azadzise chinangwa chake?

16 Pashure pekupanduka kwakaitwa muEdheni, Jehovha akaramba achishanda kuti azadzise chinangwa chake. Akaita urongwa hwekuti vanhu vane chivi vakwanise kumunamata sezvaanoda, sezvatichaona muchitsauko chinotevera. (VaH. 11:4–12:1) Akafemerawo vanyori veBhaibheri vakawanda vanosanganisira Isaya, Jeremiya, naEzekieri kuti vanyore uprofita hunofadza hune chekuita nekudzorerwa kwekunamata kwakachena. Kudzorerwa uku inyaya inotaurwa zvakanyanya muBhaibheri. Uprofita hwese ihwohwo huchazadziswa ‘nemwana’ akavimbiswa, uyo akazozivikanwa kuti ndiJesu Kristu. (VaG. 3:16) Jesu ndiye Mutsigiri akasimba wekunamata kwakachena, sezvinoratidzwa pachena nemhinduro yaakapa pamuedzo wechitatu. Jesu ndiye akasarudzwa naJehovha kuti azadzise uprofita hune chekuita nekudzorerwa kwekunamata kwakachena. (Zvak. 19:10) Aizonunura vanhu vaMwari kubva muutapwa hwekunamata kwenhema, odzorera kunamata kwakachena.

Uchaitei?

17. Nei tichida chaizvo uprofita hweBhaibheri hune chekuita nekudzorerwa kwekunamata kwakachena?

17 Zvinofadza uye zvinosimbisa kutenda kuongorora uprofita hweBhaibheri hune chekuita nekudzorerwa kwekunamata kwakachena. Tinoda chaizvo uprofita ihwohwo nekuti tinotarisira kuzorarama panguva yekuti Changamire Ishe Jehovha anenge ava kunamatwa zvakachena nezvisikwa zvese zviri kudenga nepanyika. Uprofita ihwohwo hunoitawo kuti tive netariro, nekuti hune vimbiso dzakawanda dzinobaya mwoyo dziri muShoko raMwari. Ndiani wedu asiri kutarisira kuona kuzadziswa kwezvakavimbiswa naJehovha, kusanganisira kuona nyika yese ichiitwa paradhiso, kumutswa kwehama dzedu dzakafa, uye kurarama nekusingaperi pasina urwere?—Isa. 33:24; 35:5, 6; Zvak. 20:12, 13; 21:3, 4.

18. Tichaongororei mubhuku rino?

18 Mubhuku rino, tichaongorora uprofita hunofadza huri mubhuku reBhaibheri raEzekieri. Hwakawanda hwacho hune chekuita nekudzorerwa kwekunamata kwakachena. Tichakurukura kuti uprofita hwaEzekieri hwakabatana sei nehumwe uprofita uye kuti huchazadziswa sei pachishandiswa Kristu, tozoona kuti isu tinopinda papi.—Ona bhokisi rakanzi “Mamiriro Akaita Bhuku raEzekieri.”

19. Wava neshungu dzekuitei, uye chii chinoita kuti udaro?

19 Murenje reJudhiya muna 29 C.E., Jesu akakunda paaiedzwa naSatani kuti asiye kunamata kwakachena. Ko isu tichakundawo here? Satani ava kutowedzera kuisa simba rake rese pakutikwezva kuti tisiye kunamata kwechokwadi. (Zvak. 12:12, 17) Bhuku rino ngaritibatsire kuwedzera shungu dzedu dzekurwisa Muedzi iyeye akaipa. Uye dai zvatinotaura nezvatinoita zvikaratidza kuti tinobvumirana zvizere nemashoko aya ekuti, “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata.” Kana tikadaro, tichava netariro yekuona Jehovha achizadzisa chinangwa chake chikuru chekuti vese vari kudenga nepanyika vabatane pakunamata kwakachena, nemwoyo wakachena, zvinova ndizvo zvakamukodzera chaizvo!

^ ndima 5 Vamwe vanoti zita rekuti Jehovha rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Rinonyatsoenderana nezvinoitwa naJehovha seMusiki uye nekuzadzisa kwaanoita zvinangwa zvake.

^ ndima 8 Nezvemashoko akataurwa naSatani, rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti: “Sezvakaitika pamuedzo wekutanga wakatadza kukurirwa naAdhamu naEvha . . . , nyaya iri pakusarudza kuti munhu anoda kuita kuda kwaSatani here kana kuti kuda kwaMwari. Izvi zvinoreva kuti munhu anenge achitonamata waanenge ada kuteerera. Satani anozvikudza achizvitora samwari, panzvimbo paMwari wechokwadi.”

^ ndima 10 MuEvhangeri yaRuka, miedzo iyi haina kunyorwa ichitevedzana semaitikiro ayakaita, asi Mateu akanyora semaitikiro azvakanyatsoita. Ona zvikonzero zvinoita kuti tidaro. (1) Mateu paanenge ava kutaura muedzo wechipiri, anotanga neshoko rekuti “akabva,” achiratidza kuti uyu ndiwo muedzo wakatevera wekutanga. (2) Zvine musoro kuti titi miedzo miviri yakanga isiri pachena, iyo yakatangwa nemashoko ekuti, “Kana uri mwanakomana waMwari,” yaizoteverwa nemuedzo uri pachena wekuti atyore murayiro wekutanga. (Eks. 20:2, 3) (3) Mashoko aJesu ekuti “Ibva, Satani!” anofanira kunge akazotaurwa pashure pemuedzo wechitatu uye wekupedzisira.—Mat. 4:5, 10, 11.