Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 7

Marudzi ‘Achaziva Kuti Ndini Jehovha’

Marudzi ‘Achaziva Kuti Ndini Jehovha’

EZEKIERI 25:17

ZVATICHADZIDZA: Zvatinodzidza pane zvaiitika pakati pevaIsraeri nemamwe marudzi aishora zita raJehovha

1, 2. (a) Israeri yakanga yakaita segwai riri rega pakati pemhumhi pakudini? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.) (b) VaIsraeri nemadzimambo avo vakabvumira kuti chii chiitike?

ISRAERI yakanga yava nemazana emakore ichinge gwai riri pakati pemhumhi. VaAmoni, vaMoabhi, nevaEdhomu vaionesa Israeri nhamo nechekumabvazuva kwayo. VaFiristiya, vavengi veIsraeri vemakore, vakanga vakadzika midzi nechekumavirira kwayo. Nechekuchamhembe kwaiva neguta reTire, muzinda mukuru, wakapfuma wezvekutengeserana. Kumaodzanyemba kwaive neIjipiti, yaitongwa namambo aitorwa samwari, Farao.

2 VaIsraeri pavaivimba naJehovha, aivadzivirira pavavengi vavo. Asi nguva nenguva vanhu vake nemadzimambo avo vaibvuma kusvibiswa nemarudzi akanga akavapoteredza. Mambo Ahabhi ndiye mumwe wevatongi vakadaro vaifuririka. Ahabhi akatonga madzinza gumi eIsraeri panguva yaitongwa Judha naMambo Jehoshafati. Akaroora mwana wamambo weSidhoni, mambo aitonga guta rakanga rakabudirira reTire. Mukadzi iyeye, ainzi Jezebheri, aishingairira kunamatwa kwaBhaari muIsraeri uye akaita kuti murume wake asvibise kunamata kwakachena kupfuura ani naani akamutangira.—1 Madz. 16:30-33; 18:4, 19.

3, 4. (a) Iye zvino Ezekieri anotanga kuprofita nezvechii? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

3 Jehovha akanga ayambira vanhu vake nezvezvaizoitika kwavari kana vakamusiya. Iye zvino akanga asisakwanise kuramba achivaitira mwoyo murefu. (Jer. 21:7, 10; Ezek. 5:7-9) Muna 609 B.C.E., uto reBhabhironi rakadzoka kuNyika Yakapikirwa kechitatu. Akanga ava kutosvika makore gumi kubvira parakapedzisira kurwisa nyika iyi. Rwendo rwuno, vaizoputsa masvingo eJerusarema, voparadza vese vaipandukira Nebhukadhinezari. Guta parakangokombwa, uye zvese zvaizoitika zvisingafadzi zvakanga zvaprofitwa naEzekieri pazvakatanga kuzadziswa, muprofita wacho anotanga kuprofita nezvemarudzi akapoteredza Nyika Yakapikirwa.

Marudzi aishora zita raJehovha aisazongosiyiwa asina kurangwa

4 Jehovha akaratidza Ezekieri kuti vavengi veJudha vaizofara paizoparadzwa Jerusarema uye kuti vaizoshungurudza vainge vapukunyuka. Asi marudzi aishora zita raMwari uye aitambudza kana kuti kusvibisa vanhu vake aisazongosiyiwa asina kurangwa. Tinodzidzei pane zvakaitika pakati pevaIsraeri nemarudzi iwayo? Uye kuprofita kwakaita Ezekieri nezvemarudzi iwayo kunotipa sei tariro?

Veukama ‘Vakatsvinyira Israeri Zvisingaiti’

5, 6. Ukama hupi hwaivapo pakati pevaAmoni nevaIsraeri?

5 VaAmoni, vaMoabhi, uye vaEdhomu vanogona kutonzi vaiva hama dzevaIsraeri. Pasinei neukama hwavo nemadzinza avo akabva kumwe chete, marudzi aya akaita nguva refu achidzvinyirira vanhu vaMwari uye ‘achivatsvinyira zvisingaiti.’—Ezek. 25:6.

6 Chimbofunga nezvevaAmoni.  Vakabva nekuna Roti nemwanasikana wake mudiki, uye Roti aiva mwana wemukoma waAbrahamu. (Gen. 19:38) Mutauro wavo wainge wakada kufanana nechiHebheru zvekuti vanhu vaMwari vanogona kunge vaiunzwisisa. Sezvo vaiva neukama, Jehovha akaudza vaIsraeri kuti vasarwisa vaAmoni. (Dheut. 2:19) Asi mumazuva eVatongi, vaAmoni vakabatana naEgroni, Mambo wevaMoabhi pakudzvinyirira vaIsraeri. (Vat. 3:12-15, 27-30) Uye pakazoitwa Sauro mambo, vaAmoni vakarwisa vaIsraeri. (1 Sam. 11:1-4) Uye mumazuva aMambo Jehoshafati, vakabatana zvakare nevaMoabhi kuti varwise Nyika Yakapikirwa.—2 Mak. 20:1, 2.

7. VaMoabhi vaibata sei hama dzavo, vaIsraeri?

7 VaMoabhi vaibvawo kuna Roti asi nekumwanasikana wake mukuru. (Gen. 19:36, 37) Jehovha akaudza vaIsraeri kuti vasarwisana nevaMoabhi. (Dheut. 2:9) Asi vaMoabhi havana kuitirawo vaIsraeri zvavaiitirwa. Pane kuti vabatsire hama dzavo dzakanga dzichitiza uranda kuIjipiti, vakatoedza kutadzisa vaIsraeri kupinda muNyika Yakapikirwa. Bharaki, Mambo weMoabhi, akakumbira Bharami kuti atuke vaIsraeri, uye Bharami akadzidzisa Bharaki kuti angaita sei kuti akwezve varume vechiIsraeri kuti vaite unzenza uye vanamate zvidhori. (Num. 22:1-8; 25:1-9; Zvak. 2:14) VaMoabhi vakaramba vachidzvinyirira hama dzavo kwemazana emakore, kusvikira kumazuva akararama Ezekieri.—2 Madz. 24:1, 2.

8. Nei Jehovha akataura kuti vaEdhomu vaiva hama dzevaIsraeri, asi vaEdhomu vakabata sei vaIsraeri?

8 VaEdhomu vaibva kuna Isau, mukoma waJakobho. Sezvo madzinza avo akabva kumwe chete, Jehovha akatotaura nezvevaEdhomu nevaIsraeri achiti vakanga vari hama nehama. (Dheut. 2:1-5; 23:7, 8) Kunyange zvakadaro, vaEdhomu vaipikisa vaIsraeri kubvira pakabuda vaIsraeri muIjipiti kusvikira pakaparadzwa Jerusarema muna 607 B.C.E. (Num. 20:14, 18; Ezek. 25:12) Pakaparadzwa Jerusarema, vaEdhomu vakafara nekutambura kwaiita vaIsraeri, uye vaitokuza vaBhabhironi pavaiparadza Jerusarema, vachitobata vanenge vatiza vachivadzorera kumuvengi.—Pis. 137:7; Obha. 11, 14.

9, 10. (a) Chii chakaitika kuvaAmoni, vaMoabhi, nevaEdhomu? (b) Chii chinoratidza kuti havasi vese vaibva mumarudzi iwayo vaidzvinyirira vaIsraeri?

9 Jehovha haana kurega kuranga marudzi ese iwayo aiva neukama nevaIsraeri nekuda kweutsinye hwavaiitira vanhu vake. Akati: “Ndichapa . . . vaAmoni kuvanhu Vekumabvazuva kuti vaAmoni vasayeukwa pakati pemarudzi.” Akatiwo: “Ndichaita zvandakatongera vaMoabhi, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.” (Ezek. 25:10, 11) Makore mashanu pashure pekunge Jerusarema raparadzwa, uprofita uhwu hwakatanga kuzadziswa vaBhabhironi pavakakunda vaAmoni nevaMoabhi. Achitaura nezveEdhomu, Jehovha akati ‘aizoparadza vanhu nezvipfuwo’ uye kuti ‘aizoiita dongo.’ (Ezek. 25:13) Sezvakagara zvataurwa, vaAmoni, vaMoabhi nevaEdhomu vakazopedzisira vaparara zvachose.—Jer. 9:25, 26; 48:42; 49:17, 18.

10 Asi havasi vanhu vese vemarudzi iwayo vaiitira vanhu vaMwari utsinye. Semuenzaniso, Zereki muAmoni naltima muMoabhi, vaiva pakati pevarwi vaMambo Dhavhidhi vaiva nesimba. (1 Mak. 11:26, 39, 46; 12:1) Uye Rute muMoabhi akazova mushumiri waJehovha akavimbika.—Rute 1:4, 16, 17.

Usambobvuma kufurirwa kana pachinhu chidikidiki

11. Zvidzidzo zvipi zvatinowana pane zvaiitika pakati pevaIsraeri nemarudzi iwayo?

11 Zvidzidzo zvipi zvatinowana pane zvaiitika pakati pevaIsraeri nemarudzi iwayo? Chekutanga, vaIsraeri pavaivarairwa, tsika dzinosvibisa dzaiitwa nehama dzavo pakunamata dzaipedzisira dzavapinda, dzakadai sedzaiitwa pakunamata mwari wevaMoabhi ainzi Bhaari wePeori namwari wevaAmoni ainzi Moreki. (Num. 25:1-3; 1 Madz. 11:7) Zvinhu zvakadaro zvinogona kuitika kwatiri. Hama dzedu dzisiri Zvapupu dzinogona kutiita kuti tisakoshesa zvatinotenda. Semuenzaniso, vanogona kutadza kunzwisisa kuti nei tisingapembereri Isita, tisingapanani zvipo nevamwe paKrisimasi, kana kuita dzimwe tsika dzakakurumbira dzakabatana nekunamata kwenhema. Vachifunga kuti vari kuita zvakanaka, vanogona kuda kutifurira kuti tisiye zvatinotenda kunyange kwekanguva kadiki. Zvinokosha chaizvo kuti tisambofa takabvuma kuita zvavanenge vachitiudza panyaya idzi! Sezvatinoona pane zvakaitika kuvaIsraeri, kungobvuma kufurirwa pachinhu chidikidiki kunogona kupedzisira kwatipinza mutsekwende.

12, 13. Ndivanaani vanogona kutipikisa, uye chii chinogona kuitika kana tikaramba takavimbika?

12 Pane chimwe chatinodzidza pane zvakaitika pakati pevaIsraeri nemarudzi aya. Hama dzedu dzisiri Zvapupu dzinogona kutipikisa zvakanyanya. Jesu akatiyambira kuti dzimwe nguva mashoko atinoparidza aizoita “kuti pave nekupesana, pakati pemwanakomana nababa vake, mwanasikana naamai vake.” (Mat. 10:35, 36) Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vasatanga kupopotedzana nehama dzavo, uye isuwo hatitsvagi kunetsana nehama dzedu dzisiri Zvapupu. Asi tinogona kungopikiswa uye izvozvo hazvifaniri kutishamisa.—2 Tim. 3:12.

13 Kunyange kana hama dzedu dzisingatipikisi, hatifaniri kudzirega dzichiva nesimba patiri kupfuura Jehovha. Nei tisingafaniri kudaro? Nekuti Jehovha ndiye akakodzera kuva nenzvimbo yekutanga mumwoyo medu. (Verenga Mateu 10:37.) Uyewo kana tikaramba takavimbika kuna Jehovha, dzimwe hama dzedu dzinogona kuita saZereki, Itima, naRute dzobatana nesu pakunamata kwakachena. (1 Tim. 4:16) Dzichabva dzavawo nemufaro unobva pakushumira Mwari mumwe chete wechokwadi, uye unobva pakudiwa nekudzivirirwa naye.

Jehovha Akaranga Vavengi Vake ‘Akatsamwa’

14, 15. VaFiristiya vaibata sei vaIsraeri?

14 VaFiristiya vakanga vatama vachibva kuchitsuwa cheKrete vachienda kunyika yakazovimbiswa naJehovha kuti aizopa Abrahamu nevazukuru vake. Abrahamu naIsaka vakatombodyidzana nevanhu ava. (Gen. 21:29-32; 26:1) VaIsraeri pavakazopinda muNyika Yakapikirwa, vaFiristiya vainge vatova rudzi rukuru rwaiva neuto rakasimba. Vainamata vanamwari venhema vakadai saBhaari-zebhubhu naDhagoni. (1 Sam. 5:1-4; 2 Madz. 1:2, 3) Dzimwe nguva vaIsraeri vaibatana navo pakunamata vanamwari ava.—Vat. 10:6.

15 Kusatendeka kwevaIsraeri kwakaita kuti Jehovha abvumire vaFiristiya kuti vatonge vanhu vake kwemakore akawanda. (Vat. 10:7, 8; Ezek. 25:15) Vakaisira vaIsraeri mitemo yaivadzvinyirira * uye vakauraya vakawanda vavo. (1 Sam. 4:10) Asi vaIsraeri pavaipfidza vodzoka kuna Jehovha, aivanunura. Akaita kuti pave nevarume vakadai saSamsoni, Sauro, naDhavhidhi kuti anunure vanhu vake. (Vat. 13:5, 24; 1 Sam. 9:15-17; 18:6, 7) Uye sezvakagara zvataurwa naEzekieri, Mwari akazoranga vaFiristiya ‘akatsamwa’ paakaita kuti vaBhabhironi varwise nyika yavo, uye nekufamba kwenguva vaGiriki vakazorwisawo vaFiristiya.—Ezek. 25:15-17.

16, 17. Tinodzidzei pane zvakaitika pakati pevaIsraeri nevaFiristiya?

16 Zvidzidzo zvipi zvatinowana pane zvakaitika pakati pevaIsraeri nevaFiristiya? Vanhu vaJehovha mazuva ano vakapikiswa nedzimwe nyika dzine simba kupfuura dzimwe dzese. Kusiyana nevaIsraeri, takaramba takavimbika kuna Jehovha nemwoyo wese. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva zvinogona kuita sekuti vavengi vekunamata kwechokwadi vari kukunda. Semuenzaniso, makore ekuma1900 achangotanga, hurumende yeUnited States yakaedza kumisa basa raiitwa nevanhu vaJehovha kuburikidza nekutongera vatungamiriri vavo makore 20 mujeri. Nguva yehondo yenyika yechipiri, vaNazi vekuGermany vakaedza kuparadza vanhu vaMwari, vakaita kuti zviuru zvikandwe mujeri uye vakauraya mazana avo. Pakapera hondo iyoyo, Soviet Union yakaita makore ichitambudza Zvapupu zvaJehovha, ichiendesa hama dzedu kumisasa yevasungwa kana kune dzimwe nzvimbo dzaiva kure chaizvo.

17 Hurumende dzinogona kuramba dzichirambidza basa redu rekuparidza, kuisa vanhu vaMwari mumajeri, kana kutouraya vamwe vedu. Zvinhu izvi zvinofanira kutityisa kana kutiita kuti tirase kutenda here? Aiwa! Jehovha achachengetedza vanhu vake vakavimbika. (Verenga Mateu 10:28-31.) Takatoona hurumende dzine simba uye dzaidzvinyirira dzichiparara, asi vanhu vaJehovha vachiramba vachiwanda. Munguva pfupi iri kuuya, hurumende dzese dzevanhu dzichaita sezvakaita vaFiristiya, kumanikidzwa ‘kuziva’ Jehovha. Uye dzichange dzisisiko zvachose sezvakangoitawo vaFiristiya!

‘Pfuma Zhinji’ Haina Kwayakasvika Pakuvadzivirira

18. Tire yaizivikanwa nei?

18 Guta reTire * raiva muzinda mukuru wezvekutengeserana wakanga wakapfuma zvikuru makare kare. Nechekumavirira kwaiva nezvikepe zvaro zvaienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzaiva kumhiri kweGungwa reMedhitereniyeni. Nechekumabvazuva, kwaivawo nemigwagwa yaiita kuti Tire idyidzane nenyika dziri kure. Kwemazana emakore guta iri rakaunganidza pfuma yaibva kunzvimbo idzi dzaiva kure. Vanhu varo vaitengesa zvinhu nekuitawo mamwe mabasa vakasvika pakupfuma zvekuti vaitozviona semachinda.—Isa. 23:8.

19, 20. Musiyano upi uripo pakati pevagari veTire neveGibhiyoni?

19 Paitonga Mambo Dhavhidhi uye Soromoni, Israeri yaiwirirana neTire, iyo yakaunza zvinhu zvekuvakisa uye vanhu vane unyanzvi kuti vabatsire pakuvaka imba yaDhavhidhi uye temberi yaSoromoni. (2 Mak. 2:1, 3, 7-16) Tire yakadyidzana nevaIsraeri panguva yavainyatsonamata nemazvo. (1 Madz. 3:10-12; 10:4-9) Funga nezvemukana waiva nezviuru zvevanhu veTire wekusvika pakudzidza nezvekunamata kwakachena, kuziva Jehovha, uye kuzvionera vega kuti kushumira Mwari wechokwadi kunobatsira zvakadini!

20 Asi pasinei nemukana iwoyo, vagari veTire vakaramba vachinyanya kukoshesa pfuma. Havana kutevedzera zvakaitwa nevagari veguta raiva nesimba revaKenani rainzi Gibhiyoni, avo vakangoita zvekunzwa nezvemabasa makuru aJehovha, vachibva vasarudza kumunamata. (Josh. 9:2, 3, 22–10:2) Vagari veTire vakatopedzisira vava kupikisa vanhu vaMwari, vakatotengesa vamwe vavo kuti vave varanda.—Pis. 83:2, 7; Joe. 3:4, 6; Amo. 1:9.

Hatidi kumboona pfuma kunge madziro anotidzivirira

21, 22. Chii chakaitika kuTire, uye nei zvakaitika?

21 Achishandisa Ezekieri, Jehovha akaudza vanhu ivavo vaipikisa vanhu vake kuti: “Ndiri kukurwisa iwe Tire, uye ndichaunza marudzi mazhinji kuti akurwise, segungwa riri kuunza mafungu aro. Vachaparadza masvingo eTire voputsa shongwe dzayo, uye ndichatsvaira ivhu rayo ndoisiya iri ruware runopenya.” (Ezek. 26:1-5) Vagari veTire vaivimba nepfuma yavo kuti ivadzivirire, sekudzivirira kwaiitawo masvingo ainge akareba mamita 46 aipoteredza guta ravo repachitsuwa. Vaifanira kuteerera mashoko aSoromoni ekuti: “Pfuma yemupfumi yakaita seguta rakakomberedzwa nemasvingo; mupfungwa dzake anoiona yakaita semadziro anomudzivirira.”—Zvir. 18:11.

22 Pakazozadziswa uprofita hwaEzekieri nevaBhabhironi nevaGiriki, vagari vemuTire ndopavakazoona kuti kudzivirirwa kwavaiitwa nepfuma yavo nemasvingo avo kwaingova mupfungwa dzavo chete. Vaparadza Jerusarema, vaBhabhironi vakazoita makore 13 vakakomba guta reTire. (Ezek. 29:17, 18) Mugore ra332 B.C.E., Alexander akazadzisa chikamu chinokosha cheuprofita hwaEzekieri. * Uto rake rakakukura matongo eguta reTire raiva pamhenderekedzo yegungwa richikanda mumvura matombo acho, matanda, nevhu kuti rigadzire mugwagwa wekupinda muguta raiva pachitsuwa. (Ezek. 26:4, 12) Alexander akaputsa masvingo eguta, akaripamba, akauraya zviuru zvemasoja aro nevagari varo, uye akatengesa makumi ezviuru senhapwa. Vagari veTire vakamanikidzwa kuziva Jehovha pavakazvidemba vachiona kuti ‘pfuma zhinji’ haina kwayakasvika pakuvadzivirira.—Ezek. 27:33, 34.

Kunyange zvazvo guta reTire raiita serakadzivirirwa, rakaparadzwa sezvakagara zvataurwa naEzekieri (Ona ndima 22)

23. Chidzidzo chipi chatinowana kuvagari veTire?

23 Chidzidzo chipi chatinowana kuvagari veTire? Hatitombofaniri kubvumira kuti “simba rinonyengera repfuma” riite kuti tivimbe nezvinhu zvatiinazvo, tichizviona semadziro anodzivirira. (Mat. 13:22) Hatikwanisi “kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” (Verenga Mateu 6:24.) Vanhu vanoshumira Jehovha nemweya wese ndivo chete vakadzivirirwa zvechokwadi. (Mat. 6:31-33; Joh. 10:27-29) Uprofita hwekuguma kwenyika ino huchanyatsozadziswa zvakakwana sekuzadziswa kwakaitwa uprofita hwaitaura nezveTire. Panguva iyoyo, vaya vanovimba nepfuma vachamanikidzwa kuziva Jehovha paachaparadza masangano ezvekutengeserana ane makaro, uye anongoita zvakaanakira.

Umambo Hune Simba Hwakafananidzwa ‘Neshanga’

24-26. (a) Nei Jehovha akati Ijipiti yaiva “shanga”? (b) Zedhekiya akaratidza sei kusateerera Jehovha, uye chii chakazoitika kwaari?

24 Kubvira kare, Josefa asati atombovako kusvikira pakaparadzwa Jerusarema nevaBhabhironi, Ijipiti yaiva nesimba panharaunda yeNyika Yakapikirwa. Sezvo Ijipiti yakanga yava nenguva iine simba, zvinofanira kunge zvakaita kuti ione sekuti yadzika midzi, semuti wava nemakore. Asi ichienzaniswa naJehovha, yainge isina kusimba kungofanana nezvakaita “shanga.”—Ezek. 29:6.

25 Mambo akanga apanduka, Zedhekiya, haana kuona Ijipiti saizvozvo. Jehovha akaita kuti muprofita Jeremiya audze Zedhekiya kuti azviise pasi pamambo weBhabhironi. (Jer. 27:12) Zedhekiya akatoita mhiko achishandisa zita raJehovha yekuti aisazopandukira Nebhukadhinezari. Asi akazorega kuteerera Jehovha, akatyora mhiko yaainge aita, uye akakumbira kubatsirwa neIjipiti pakurwisa vaBhabhironi. (2 Mak. 36:13; Ezek. 17:12-20) Asi vaIsraeri vakavimba nesimba reIjipiti vakazvipinza mudambudziko. (Ezek. 29:7) Ijipiti inogona kunge yaioneka seine simba kungofanana ‘nezimhuka remugungwa.’ (Ezek. 29:3, 4) Asi Jehovha akati aizoibata semabatirwo aiitwa makarwe muna Nire, kureva kuti aizoiisa zvirauro mushaya, oidhonza kuti aiparadze. Akazviita paakatuma vaBhabhironi kunokunda nyika yacho.—Ezek. 29:9-12, 19.

26 Chii chakazoitika kuna Zedhekiya asina kutendeka? Sezvo “jinda rakaipa” iri rakapandukira Jehovha, Ezekieri akataura kuti raizobviswa korona uye umambo hwaro hwaizoguma. Asi Ezekieri akapawo vanhu tariro. (Ezek. 21:25-27) Jehovha akamufemera kuti ataure kuti korona yeZedhekiya yaizotorwa nemumwe “ane kodzero yepamutemo” aizobva mudzinza rake. Muchitsauko chinotevera tichaona kuti ndiani iyeye.

27. Chidzidzo chipi chatinowana pane zvakaitika pakati pevaIsraeri nevaIjipiti?

27 Chidzidzo chipi chatinowana pane zvakaitika pakati pevaIsraeri nevaIjipiti? Vanhu vaJehovha mazuva ano havafaniri kuvimba nehurumende dzevanhu vachifunga kuti dzichavadzivirira zvinoenda kure. Tinofanira kuramba ‘tisiri venyika,’ kunyange mupfungwa dzedu. (Joh. 15:19; Jak. 4:4) Hurumende dzingaita sedzakasimba, asi kungofanana neIjipiti, dzakaita seshanga. Tinenge tatadza kuona zviri kure kana tikavimba nevanhu venyama pane kuvimba naMwari Wemasimbaose, Changamire wezvinhu zvese!—Verenga Pisarema 146:3-6.

Hatifaniri kupindira mune zvematongerwo enyika kunyange patinenge tisingaonekwi nevamwe (Ona ndima 27)

Marudzi ‘Achaziva’

28-30. Musiyano upi uripo pakati ‘pekuziva’ Jehovha kuchaita marudzi nekuziva Jehovha kwatinoita?

28 Mubhuku raEzekieri, Jehovha anotaura kakawanda mashoko ekuti “vachaziva kuti ndini Jehovha.” (Ezek. 25:17) Mashoko iwayo akazadziswa mazuva ekare Jehovha paakapa mutongo kuvavengi vevanhu vake. Asi achazadziswa zvakakura mumazuva atiri kurarama. Achazadziswa sei?

29 Kungofanana nevanhu vaMwari vakararama kare, takapoteredzwa nemarudzi anotiona sevanhu vasina chinovadzivirira, segwai riri rega. (Ezek. 38:10-13) Sezvichakurukurwa muchitsauko 17 ne18 chebhuku rino, munguva pfupi iri kutevera marudzi achabatana pakurwisa vanhu vaMwari zvakasimba. Asi ipapo ndopavachazonyatsoziva chinonzi simba rechokwadi. Vachamanikidzwa kuziva Jehovha, kuti ndiye Changamire, paachavaparadza paAmagedhoni.—Zvak. 16:16; 19:17-21.

30 Asi isu Jehovha achatichengetedza, uye achatikomborera. Nei tichidaro? Nekuti tiri kushandisa mukana uripo iye zvino kuratidza kuti tinoziva Jehovha kuburikidza nekuvimba naye, kumuteerera, uye kumunamata zvakachena sezvaanofanira kuitwa.—Verenga Ezekieri 28:26.

^ ndima 15 Semuenzaniso, vaFiristiya vakarambidza kuti muIsraeri muve nemunhu aipfura simbi. VaIsraeri vaitofanira kuenda kuvaFiristiya kuti vanorodzesa zvavaishandisa pakurima uye vaibhadhariswa mari yaienderana neyaipiwa munhu pashure pekunge ashanda mazuva akati kuti.—1 Sam. 13:19-22.

^ ndima 18 Guta rekutangatanga reTire rinofanira kunge raiva pakachitsuwa kaiva nematombo pedyo nemhenderekedzo yegungwa, makiromita anenge 50 nechekuchamhembe kweGomo reKameri. Nekufamba kwenguva, chimwe chikamu cheguta iri chakavakwa pedyo negungwa. Zita rechiHebheru reguta iri rekuti, Sur, rinoreva kuti “Dombo.”

^ ndima 22 Isaya, Jeremiya, Joeri, Amosi, naZekariya vakaprofitawo nezveguta reTire uye zvese zvavakaprofita zvakazadziswa.—Isa. 23:1-8; Jer. 25:15, 22, 27; Joe. 3:4; Amo. 1:10; Zek. 9:3, 4.