Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 16

‘Isa Chiratidzo Pahuma Dzevanhu’

‘Isa Chiratidzo Pahuma Dzevanhu’

EZEKIERI 9:4

ZVATICHADZIDZA: Vanhu vakatendeka vemumazuva aEzekieri vakaiswa sei chiratidzo uye zvichazoitikawo sei mazuva ano?

1-3. (a) Chii chaita kuti Ezekieri ashaye remuromo, uye anoudzwei nezveJerusarema? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

EZEKIERI haasisina kana remuromo! Achangobva kuona chiratidzo chezvinhu zvinosemesa zviri kuitwa patemberi muJerusarema nevaJudha vakapanduka. * VaJudha ivavo vasvibisa pacho panonzi ndiwo muzinda wekunamata kwakachena muIsraeri. Asi temberi haisiriyo iri kungosvibiswa yega. Nyika yese yeJudha yazara nemhirizhonga uye haichagadzirisiki. Agumburwa nezviri kuitwa nevanhu vake vaakasarudza, Jehovha anoudza Ezekieri kuti: “Ndicharatidza hasha dzangu.”—Ezek. 8:17, 18.

2 Ezekieri anofanira kunge ari kurwadziwa chaizvo paanonzwa kuti Jerusarema netemberi yaro yaimbova tsvene zvatsamwirwa naJehovha uye kuti zvichaparadzwa! Zviri pachena kuti Ezekieri anozvibvunza kuti: ‘Ko chii chichaitika kuvanhu vakatendeka vari muguta racho? Vachasiyiwa pachaurayiwa vamwe here? Kana vachisiyiwa, zvichaitika sei?’ Hazvitombotori nguva Ezekieri asati awana mhinduro. Achingobva kunzwa mutongo unotyisa wapiwa Jerusarema, anobva anzwawo inzwi richishevedza vaya vaizotumwa naJehovha kuti varange guta. (Ezek. 9:1) Paanoenderera mberi achiona chiratidzo chacho, mwoyo wake unozodzikama paanozonzwa kuti haasi munhu wese achaparadzwa. Vanhu vakatendeka vachapona!

3 Isuwo patiri kutarisana nekuguma kwenyika ino yakaipa, tinogona kunetseka kuti ndiani achapona pachaparadzwa nyika ino. Saka ngatimbokurukurai kuti: (1) Ezekieri akazoona chii muchiratidzo ichi? (2) Chiratidzo chacho chakazadziswa sei mumazuva aakararama? (3) Chichazadziswa sei mazuva ano?

“Shevedzai Vaya Vacharanga Guta”

4. Rondedzera zvakaonekwa naEzekieri uye zvaakanzwa muchiratidzo chake.

4 Ezekieri anozoona chii uye anonzwei muchiratidzo chacho? (Verenga Ezekieri 9:1-11.) Anoona varume 7 ‘vaibva nechekugedhi rekumusoro rakatarisa kuchamhembe,’ zvimwe raiva pedyo nechiratidzo chegodo kana kuti pedyo nevakadzi vaichema mwari ainzi Tamuzi. (Ezek. 8:3, 14) Varume ava 7 vakapinda muchivanze chemukati chetemberi, vakamira pedyo neatari yemhangura. Asi varume ivavo vainge vasina kuuya kuzopa chibayiro. Jehovha akanga asisagamuchiri zvibayiro zvaipiwa patemberi iyi. Varume 6 pavanomwe ava vakamira “mumwe nemumwe akabata chombo chekuputsa nacho.” Murume wechi7 akanga akanyatsosiyana nevamwe vese. Akanga akapfeka nguo yejira, asina chombo, asi “aine nyanga yeingi yemunyori” kana kuti, maererano nemashoko emuzasi, “mudziyo wekuisira ingi wemunyori.”

5, 6. Tingati kudii nezvevaya vakaiswa chiratidzo? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

5 Murume aiva nenyanga yeingi aifanira kuzoitei? Akapiwa basa rinokosha naJehovha pachake: “Pfuura nemuguta, imo muJerusarema, uise chiratidzo pahuma dzevanhu vari kuchema nekugomera pamusoro pezvinhu zvese zvinosemesa zviri kuitwa muguta.” Zvimwe Ezekieri akabva angofunga zvakaitwa nevabereki vechiIsraeri pavakasasa ropa pamusoro pemasuo edzimba dzavo nepamagwatidziro emasuo avo sechiratidzo, kuti matangwe avo asaurayiwa. (Eks. 12:7, 22, 23) Ko chiratidzo chaiiswa vanhu pahuma nemurume aiva nenyanga yeingi chaishanda basa rakafanana nairoro here? Chaiva chekuti munhu anacho azopona paiparadzwa Jerusarema here?

6 Tinowana mhinduro yakajeka tikafunga kuti chii chaitariswa kuti munhu aiswe chiratidzo chacho. Chaifanira kuiswa pahuma dzevaya ‘vaichema nekugomera’ pamusoro pezvinhu zvinosemesa ‘zvaiitwa muguta.’ Saka izvi zvinotiudzei nezvevaya vakaiswa chiratidzo? Chimwe chacho ndechekuti vairwadziwa chaizvo mumwoyo nekuda kwekunamata zvidhori kwaiitwa patemberi, mhirizhonga, unzenza, uye uori zvakanga zvazara muJerusarema. (Ezek. 22:9-12) Uyewo vanofanira kunge vakatonyatsoratidza kuti vaiona sei zvaiitika. Zviri pachena kuti mashoko nezviito zvevanhu ivavo vakatendeka zvairatidza pachena kuti vaisemeswa nezvakanga zvichiitika uye vakanga vakazvipira kutsigira kunamata kwakachena. Netsitsi dzake, Jehovha aizoponesa vanhu ava vakatendeka.

7, 8. Varume vaiva nezvombo zvekuputsa nazvo vaifanira kuita basa ravo sei, uye zvakazofamba sei?

7 Saka varume ava 6 vaiva nezvombo zvekuparadza vaifanira kuita basa ravo sei? Ezekieri akanzwa Jehovha achivaudza kuti: Teverai murume ane nyanga yeingi uye urayai munhu wese kunze kwevanenge vaiswa chiratidzo pahuma dzavo. Jehovha akavaudza kuti: “Munofanira kutangira panzvimbo yangu tsvene.” (Ezek. 9:6) Vaifanira kutangira panzvimbo yaimboonekwa setsvene mumaziso aJehovha, patemberi, pamwoyo chaipo peJerusarema. Vaifanira kutanga kuurayiwa ndivo “vakuru 70 veimba yaIsraeri vakanga vakamira pamberi payo,” vachipisira rusenzi kuna vanamwari venhema.—Ezek. 8:11, 12; 9:6.

8 Zvakazofamba sei? Ezekieri paakaramba akatarisa uye achiteerera, akazonzwa murume uya aiva nenyanga yeingi achidzoka kuna Jehovha neshoko rekuti: “Ndaita zvese zvamandirayira.” (Ezek. 9:11) Asi tinosara tichizvibvunza kuti: ‘Zvinhu zvakazofambira sei vagari vemuJerusarema? Pane vanhu vakatendeka vakapona parakaparadzwa here?’

Chiratidzo Ichi Chakazadziswa Sei Mumazuva aEzekieri?

9, 10. Ndevapi vamwe vakatendeka vakapona pakaparadzwa Jerusarema, uye tingatii nezvavo?

9 Verenga 2 Makoronike 36:17-20. Uprofita hwaEzekieri hwakazadziswa pakaparadzwa Jerusarema netemberi yaro muna 607 B.C.E nevaBhabhironi. VaBhabhironi vakashandiswa ‘sekapu iri muruoko rwaJehovha,’ pakudurura hasha dzake achiranga Jerusarema rakanga risina kutendeka. (Jer. 51:7) VaBhabhironi vakaparadza munhu wese here? Aiwa. Chiratidzo chaEzekieri chakanga chagara chataura kuti vamwe vaisazourayiwa nevaBhabhironi.—Gen. 18:22-33; 2 Pet. 2:9.

10 Vanhu vakatendeka vakati kuti vakapona, kusanganisira vaRekabhi, Ebhedhi-mereki muItiopiya, muprofita Jeremiya, nemunyori wake, Bharuki. (Jer. 35:1-19; 39:15-18; 45:1-5) Kubva pane zvataona muchiratidzo chaEzekieri, tinogona kuti vanhu ava vanofanira kunge ‘vaichema nekugomera pamusoro pezvinhu zvese zvinosemesa’ zvaiitwa muJerusarema. (Ezek. 9:4) Jerusarema risati raparadzwa, vanofanira kunge vakaratidza pachena kuti vaivenga uipi uye kuti vakazvipira zvakazara kunamata zvakachena. Izvozvo ndozvakavaponesa.

11. Ndivanaani vaimiririrwa nevarume 6 vaiva nezvombo zvekuputsa nazvo uye murume aiva nenyanga yeingi yemunyori?

11 Vanhu ivavo vakatendeka vakatoiswa chiratidzo pahuma zvechokwadi here? Hapana zvakanyorwa zvinoratidza kuti mumwe munhu, kunyange Ezekieri pachake kana mumwe muprofita, akatenderera muJerusarema achiisa zviratidzo pahuma dzevanhu vakatendeka. Saka zviri pachena kuti chiratidzo chaEzekieri chairatidza zvinhu zvaiitika kudenga, zvisingaonekwi nevanhu. Murume aiva nenyanga yeingi yemunyori, nevarume 6 vaiva nezvombo zvekuputsa nazvo vanotaurwa muchiratidzo ichi vaimiririra ngirozi dzaJehovha dzakatendeka, idzo dzinogara dzakagadzirira kuita kuda kwake. (Pis. 103:20, 21) Zviri pachena kuti Jehovha akashandisa ngirozi dzake kuti dzipe mutongo wake kuJerusarema risina kutendeka. Ngirozi dzacho dzaizoita sedziri kuisa chiratidzo pahuma dzevanhu vaizopona padzaiita kuti mutongo uyu usabata munhu wese.

Chiratidzo chaEzekieri Chichazadziswa Sei Mazuva Ano?

12, 13. (a) Chii chakaita kuti Jehovha adurure hasha dzake paJerusarema, uye nei tichifanira kutarisira kuti achaitawo izvozvo mazuva ano? (b) Jerusarema risina kutendeka rinomiririra chiKristu chenhema here? Tsanangura. (Ona bhokisi rakanzi “Jerusarema Rinomiririra chiKristu Chenhema Here?”)

12 Mazuva ano, takatarisana nemutongo waMwari usina waungaenzaniswa nawo, “kutambudzika kukuru kusati kwamboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazomboitikizve.” (Mat. 24:21) Patiri kumirira chiitiko ichi chinokosha, pane mibvunzo inogona kumuka: Munhu wese achaparadzwa here kana kuti pane vachasiyiwa? Pane nzira ichashandiswa naJehovha kuisa chiratidzo pavanamati vake vechokwadi here? Kana kuti tingati, uprofita hwaEzekieri hwemurume ane nyanga yeingi huchazadziswazve mazuva ano here? Mhinduro yemibvunzo yese iyi ndihongu. Nei tichidaro? Kuti tione chikonzero chacho ngatimbodzokerei kuchiratidzo chaEzekieri.

13 Unoyeuka here zvakaita kuti Jehovha adurure hasha dzake paJerusarema? Tarisa zvakare pana Ezekieri 9:8, 9. (Verenga.) Ezekieri paaityira kuti ‘vaIsraeri vese vakasara vaizoparadzwa’ pamwe chete neguta racho, Jehovha akamuudza zvinhu zvina zvakaita kuti ape mutongo iwoyo. Chekutanga, “kukanganisa” kwevanhu vacho kwainge “kwakakura zvisingaiti.” * Chechipiri, nyika yeJudha yainge “yazadzwa nekudeura ropa.” Chechitatu, Jerusarema, guta guru remuumambo hweJudha rainge “razara neuori.” Chechina, vanhu vairamba vachiita zvakaipa nekuti vaizvisimbisa vachiti Jehovha “haasi kuona” mabasa avo akaipa. Mashoko iwayo haatsanangurewo zvaita nyika ino yakazara nevanhu vane tsika dzakaora, vanoita zvemhirizhonga, vane uori, uye vasingadi Mwari here? Chokwadi, sezvo Jehovha ‘asingachinji,’ zvakaita kuti anzwe hasha mumazuva aEzekieri ndizvo zvichaitawo kuti anzwe hasha mazuva ano. (Jak. 1:17; Mar. 3:6) Saka tinofanira kutarisira kuti varume 6 vane zvombo zvekuputsa nazvo nemurume ane nyanga yeingi vane basa ravachaita mazuva ano!

Varume 6 vane zvombo zvekuputsa nazvo vava pedyo kuita basa ravo (Ona ndima 12, 13)

14, 15. Ndezvipi zvimwe zvakamboitika zvinoratidza kuti Jehovha anoyambira vanhu kuparadzwa kusati kwauya?

14 Asi chiratidzo chaEzekieri chinozadziswa sei mazuva ano? Kana tikatarisa kuti chakazadziswa sei kare, tinogona kuona zvatingatarisira iye zvino uye mune ramangwana. Ona zvimwe zviri muuprofita hwaEzekieri zvakatozadziswa kare nezvimwe zvichazadziswa mune ramangwana.

15 Jehovha anoyambira vanhu kuparadzwa kusati kwauya. Sezvatakaona muChitsauko 11 chebhuku rino, Jehovha akapa Ezekieri basa rekuva “murindi weimba yaIsraeri.” (Ezek. 3:17-19) Kubvira muna 613 B.C.E., Ezekieri akayambira vaIsraeri zvakajeka nezvekuparadzwa kwaizouya. Vamwe vaprofita, kusanganisira Isaya naJeremiya, vakayambirawo nezvedambudziko raizouya muJerusarema. (Isa. 39:6, 7; Jer. 25:8, 9, 11) Mazuva ano, Jehovha ari kushandisa Kristu pakuita kuti vamwe vashumiri vake vakazodzwa vashomanana vape veimba, vanamati vake vakachena, zvavanoda pakunamata uyewo kuti vayambire vamwe nezvekutambudzika kukuru kwava pedyo.—Mat. 24:45.

16. Isu vanhu vaJehovha ndisu tinoisa chiratidzo pane vaya vachapona here? Tsanangura.

16 Vanhu vaJehovha havasirivo vanoisa chiratidzo pavanhu vachapona. Yeuka kuti Ezekieri haana kuudzwa kuti iye pachake atenderere muJerusarema achiisa chiratidzo pavanhu vaizopona. Saizvozvowo, vanhu vaJehovha mazuva ano havana kupiwa basa rekuisa chiratidzo pane vaya vakakodzera kupona. Asi sevanhu veimba, takapiwa basa rekuparidza. Tinoratidza kuti tinokoshesa basa iri patinoshingaira kuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari nekuita zvese zvatinogona kuyambira vanhu kuti kuguma kwenyika ino kuri kuramba kuchiswedera pedyo. (Mat. 24:14; 28:18-20) Saka tinobatsirawo pakuita kuti vanhu vane mwoyo yakarurama vagamuchire kunamata kwakachena.—1 Tim. 4:16.

17. Munhu anofanira kuitei iye zvino kuti azokwanisawo kuiswa chiratidzo mune ramangwana?

17 Kuti vapone pakuparadzwa kuri kuuya, vanhu vanofanira kuratidza kutenda kwavo iye zvino. Sezvatamboona, vaya vakapona pakaparadzwa Jerusarema muna 607 B.C.E. vakanga vagara varatidza kuti vaivenga zvakaipa uye kuti vainge vakazvipira kunamata zvakachena. Ndizvo zvazvakaitawo mazuva ano. Kuparadzwa kusati kwauya, munhu anofanira kunge ‘achichema nekugomera,’ kunetseka chaizvo mumwoyo make, nemhaka yeuipi hwenyika ino. Uye vanhu vakadaro vanofanira kuratidza nemashoko nezviito kuti vakazvipira kunamata zvakachena, pane kuvanza pavamire. Vangazviita sei? Vanofanira kuteerera mashoko ari kuparidzwa iye zvino, kuramba vachipfeka unhu hwakaita sehwaKristu, kubhabhatidzwa vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha, uye kuramba vakavimbika vachitsigira hama dzaKristu. (Ezek. 9:4; Mat. 25:34-40; VaEf. 4:22-24; 1 Pet. 3:21) Vaya chete vari kuita izvi iye zvino uye vachange vachinamata zvakachena panozosvika kutambudzika kukuru, ndivo vachakwanisa kuiswa chiratidzo chekuti vapone.

18. (a) Jesu achaisa chiratidzo pane vanhu vakakodzera riini, uye achazviita sei? (b) Vakazodzwa vakatendeka vanofanirawo kuiswa chiratidzo here? Tsanangura.

18 Jesu ndiye achaisa vanhu vakakodzera chiratidzo. Mumazuva aEzekieri, ngirozi ndidzo dzakaisa chiratidzo pavanhu vakatendeka kuti vazopona. Mazuva ano, murume ane nyanga yeingi yemunyori anomiririra Jesu Kristu ‘paachauya achibwinya’ seMutongi wemarudzi ese. (Mat. 25:31-33) Izvi zvichaitika pakutambudzika kukuru, pashure pekuparadzwa kwezvitendero zvenhema. * Panguva iyoyo inokosha, Amagedhoni yasara nenguva pfupi kuti itange, Jesu achatonga vanhu, vamwe achivati makwai, vamwe achivati imbudzi. Vaya ‘veboka guru’ vachaiswa chiratidzo chinoita kuti vanzi makwai, ‘voenda . . . kuupenyu husingaperi.’ (Zvak. 7:9-14; Mat. 25:34-40, 46) Ko vakazodzwa vakatendeka vachaiswawo chiratidzo here? Havafaniri havo kuiswa chiratidzo kuti vapone paAmagedhoni asi vachaiswa chisimbiso chavo chekupedzisira vasati vafa kana kuti kutambudzika kukuru kusati kwatanga. Zvadaro, vachazomutswa voenda kudenga Amagedhoni isati yatanga.—Zvak. 7:1-3.

19. Ndivanaani vachabatana naJesu pakuparadza nyika ino? (Ona bhokisi rakanzi “Kuchema Nekugomera, Kuiswa Chiratidzo, Kuputsa—Zvichaitika Riini uye Zvichaitika Sei?”)

19 Mambo wekudenga, Jesu Kristu, neuto rake rekudenga vachaparadza nyika ino. Muchiratidzo chaEzekieri, varume 6 vaiva nezvombo zvekuputsa nazvo vakatozotanga kuparadza pashure pekunge murume aiva nenguo yejira apedza basa rake rekuisa zviratidzo pahuma dzevanhu. (Ezek. 9:4-7) Saizvozvowo, kuparadzwa kuri kuuya kuchatozotanga kana Jesu atonga vanhu vemarudzi ese uye aisa chiratidzo pavanhu vakaita semakwai kuti vazopona. Zvadaro, pahondo yeAmagedhoni, Jesu achatungamirira uto rake, iro richasanganisira ngirozi tsvene nevaachatonga navo 144 000, pakurwisa nyika ino yakaipa, voiparadza zvachose vachinunura vanhu vanonamata zvakachena kuti vapinde munyika itsva yakarurama.—Zvak. 16:14-16; 19:11-21.

20. Zvidzidzo zvipi zvinosimbisa zvatawana muchiratidzo chaEzekieri chemurume aiva nenyanga yeingi yemunyori?

20 Tinotenda chaizvo zvidzidzo zvinosimbisa zvatinowana pachiratidzo chaEzekieri chemurume aiva nenyanga yeingi yemunyori! Tinogona kuva nechivimbo chakazara chekuti Jehovha haazomboparadzi vanhu vakarurama pamwe chete nevakaipa. (Pis. 97:10) Tinoziva zvatinofanira kuita iye zvino kuti tizoiswa chiratidzo chekuti tipone. Sevanamati vaJehovha, tine chido chakasimba chekuita zvese zvatinogona pakuzivisa mashoko akanaka kune vaya vari kuchema nekugomera pamusoro pezvinhu zvakaipa zviri munyika yaSatani uye kuyambira vanhu nezvekuguma kuri kuuya. Saka tinogona kuva nechikomborero chekubatsira vaya vane “chido chekuwana upenyu husingaperi” kuti vabatane nesu pakunamata zvakachena zvoita kuti naivowo vazokwanisa kuiswa chiratidzo chekuti vapone vachipinda munyika itsva yaMwari yakarurama.—Mab. 13:48.

^ ndima 1 Chiratidzo chaEzekieri chezvinhu zvinosemesa zviri kuitika patemberi chakakurukurwa muChitsauko 5 chebhuku rino.

^ ndima 13 Rimwe bhuku rinoti shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “kukanganisa” rinogona kuva nepfungwa yechinhu chinopesana nezvinonzi ndizvo zvakarurama. Rimwewo bhuku rinoti shoko iri “rinoshandiswa chaizvo panyaya dzekunamata, uye kazhinji rinenge richitaura nezvemhosva kana zvivi zvinoitwa nemunhu achitadzira Mwari.”

^ ndima 18 Kunenge kuti kuparadzwa kweBhabhironi Guru hakurevi kuurayiwa kwevanhu vese vari muzvitendero zvenhema. Panguva iyoyo, kunyange vamwe vafundisi vanogona kusiya chitendero chenhema votanga kutaura kuti havana kumbobvira vabatana nacho.—Zek. 13:3-6.