Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Gungano rinokosha rakaitwa muna 1919 rakaratidza pachena kuti vanhu vaMwari vakanga vazosunungurwa muBhabhironi Guru

BHOKISI REKUDZIDZISA 9B

Nei Tichiti Zvakaitika Muna 1919?

Nei Tichiti Zvakaitika Muna 1919?

Nei tichiti vanhu vaMwari vakasunungurwa muutapwa hweBhabhironi Guru muna 1919? Uprofita hweBhaibheri uye zvinhu zvakaitika kare zvinotibatsira kuti tisvike pamhedziso iyoyo.

Uprofita hweBhaibheri uye zvakaitika kare zvinoratidza zvakajeka kuti Jesu akatanga kutonga saMambo kudenga muna 1914, zvichiratidza kuti mazuva ekupedzisira enyika yaSatani akanga atanga. Jesu akatanga kuitei paakava Mambo? Akabva angosunungura vashumiri vake vepanyika kubva muutapwa hweBhabhironi Guru here? Akagadza “muranda akatendeka, akangwara” muna 1914 achibva atanga basa guru rekukohwa here?—Mat. 24:45.

Pane uchapupu hunoratidza kuti haana kuita izvozvo. Yeuka kuti muapostora Petro akafemerwa kunyora kuti kutonga ‘kwaizotanga neimba yaMwari.’ (1 Pet. 4:17) Muprofita Maraki akaprofitawo kuti nguva yaizosvika yekuti Jehovha auye kuimba yake yekunamatira aine “nhume yesungano,” Mwanakomana waMwari. (Mar. 3:1-5) Iyi yaizova nguva yekunatswa nekuedzwa. Zvakaitika zvinoenderana nezvakataurwa muuprofita uhwu here?

Hongu! Kubvira mugore ra1914 kusvika pakutanga kwegore ra1919, yaiva nguva yemiedzo yakaoma nekunatswa kweVadzidzi veBhaibheri, sekuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Muna 1914 vanhu vaMwari vakawanda vakaora mwoyo pavakaona nyika yaSatani isina kuguma sezvavaitarisira. Izvi zvakatowedzera muna 1916 pakafa Charles T. Russell, uyo aitungamirira vanhu vaMwari. Pane vamwe vainyanya kuda Hama Russell zvekuti vakatanga kupikisa zvakasimba Joseph F. Rutherford, uyo akanga ava kutungamirira. Kusawirirana kwakapotsa kwaparadza sangano muna 1917. Zvadaro, muna 1918, matare edzimhosva, zvichida achikuchidzirwa nevafundisi vemachechi, akapomera Hama Rutherford nevamwe 7 vavaishanda navo mhosva yavaisava nayo, akavakanda mujeri. Mahofisi makuru aiva muBrooklyn akavharwa. Zviri pachena kuti panguva iyi vanhu vaMwari vakanga vasati vasunungurwa muBhabhironi Guru!

Asi chii chakazoitika muna 1919? Zvinhu zvakachinja nekukurumidza. Gore ra1919 richangotanga, Hama Rutherford nevamwe vavo vakabudiswa mujeri. Vakabva vatotanga kuita basa! Munguva pfupi pfupi, vakaronga gungano raikosha chaizvo, uye vakaitawo urongwa hwekubudisa magazini itsva yainzi The Golden Age, (yava kunzi Mukai!). Magazini iyi yakanga yakagadzirwa kuti ishandiswe pamishandirapamwe yekuparidzira paruzhinji. Uyewo muungano imwe neimwe makagadzwa mutariri aizoronga basa rekuparidza nekukurudzira ungano kuriita. Gore rimwe chete iroro, kwakabudiswa Bulletin (yava kunzi Musangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa), kuti ibatsire pakuita basa rekuparidza zvakarongeka.

Chii chakanga chaitika? Zviri pachena kuti Kristu akanga asunungura vanhu vake muutapwa hweBhabhironi Guru. Akanga agadza muranda wake akatendeka, akangwara. Basa rekukohwa rakanga ratanga. Kubvira gore iroro ra1919, basa riri kuenderera mberi zvinoshamisa.