Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 10B

“Mapfupa Akaoma” Uye ‘Zvapupu Zviviri’—Zvakafanana Uye Zvakasiyana Papi?

“Mapfupa Akaoma” Uye ‘Zvapupu Zviviri’—Zvakafanana Uye Zvakasiyana Papi?

MUGORE ra1919 makazadziswa uprofita huviri hwakada kufanana: humwe hwacho ‘ndehwemapfupa akaoma’ uye humwe ‘ndehwezvapupu zviviri.’ Chiratidzo ‘chemapfupa akaoma’ chaitaura zvaizoitika kwenguva yakareba (yakazooneka kuti yaisvika mazana emakore), uye yakazoguma nekumutswa kweboka rakakura revanhu vaMwari. (Ezek. 37:2-4; Zvak. 11:1-3, 7-13) Uprofita ‘hwezvapupu zviviri’ hunotsanangura nguva pfupi (yakazadziswa kubvira pakupera kwa1914 kusvikira pakutanga kwa1919) yakazoguma nekumutswa kweboka diki revashumiri vaMwari. Uprofita hwacho hwese hwaimiririra kumutswa kwekufananidzira, uye hwakazadziswa makore ano muna 1919 Jehovha paakaita kuti vashumiri vake vakazodzwa ‘vasimuke,’ vachibuda muutapwa hweBhabhironi Guru, vachipinda muungano yainge yadzorerwa.—Ezek. 37:10.

Asi pane musiyano unokosha uripo pakuzadziswa kweuprofita uhwu huviri. Uprofita ‘hwemapfupa akaoma’ hunomiririra kumutswa kwevaKristu vese vakazodzwa. Asi uprofita ‘hwezvapupu zviviri,’ hunomiririra kumutswa kwevamwe vaKristu vakazodzwa, vaya chete vaitungamirira sangano uye vakagadzwa ‘semuranda akatendeka, akangwara.’—Mat. 24:45; Zvak. 11:6. *

“Bani Rakanga . . . Rizere Nemapfupa”​—Ezek. 37:1

  1. PASHURE PA100 C.E.

    Kubvira mumakore ekuma100 C.E. zvichienda mberi ungano yevaKristu vakazodzwa yakamboita seyaurayiwa, “bani” rikazara “nemapfupa.”

  2. KUTANGA KWA1919

    1919: “Mapfupa akaoma” akava neupenyu Jehovha paakaita kuti vakazodzwa vese vabude muBhabhironi Guru vachipinda muungano yainge yadzorerwa

‘Zvapupu Zviviri’—Zvak. 11:3

  1. 1914 AVA KUNOPERA

    kuparidza ‘vakapfeka masaga’

    1914: ‘Zvapupu zviviri’ zvakaparidza “zvakapfeka masaga” kwemakore matatu nehafu. Pakapera makore iwayo, zvakaita sezvaurayiwa

  2. kufa kwekufananidzira

  3. KUTANGA KWA1919

    1919: “Zvapupu zviviri” zvakava zvipenyu pakagadzwa boka diki rehama dzakazodzwa dzaitungamirira kuti rishumire ‘semuranda akatendeka, akangwara’

^ ndima 4 Ona Nharireyomurindi yaMarch 2016, “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi.”