Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 10C

Kubatsirwa Kwatinoitwa Kuti Tisimuke

Kubatsirwa Kwatinoitwa Kuti Tisimuke

TINOGONA kusimbiswa nekufungisisa chidzidzo chatinowana pachiratidzo chinoshamisa chiri pana Ezekieri 37:1-14, uye chidzidzo ichi tinogona kuchishandisa mumamiriro ezvinhu atinenge tiri. Chidzidzo chipi ichocho?

Dzimwe nguva, tinomboomerwa nenhamo dzeupenyu uye miedzo zvekuti tinopera simba, uye tinonzwa tava kuda kukanda mapfumo pasi. Asi panguva dzakadaro tinogona kusimbiswa kana tikafungisisa tsanangudzo yakajeka yechiratidzo chaEzekieri chekudzorerwa kwezvinhu zvese. Nei tichidaro? Muuprofita uhwu tinodzidza kuti Mwari ane simba rekumutsa mapfupa akafa anokwanisa kutipa simba ratinoda kuti tikurire matambudziko, kunyange aya atingaona sekuti haakundike.—Verenga Pisarema 18:29; VaF. 4:13.

Tinogona kuyeuka kuti mazana emakore Ezekieri asati avako, muprofita Mozisi akataura kuti Jehovha ane simba uye chido chekurishandisa pakubatsira vanhu vake. Mozisi akanyora kuti: “Mwari inzvimbo yekupotera kubvira kare kare, maoko ake asingagumi ari pasi pako.” (Dheut. 33:27) Zvechokwadi tinogona kuva nechivimbo chekuti kana tikatarisa kuna Mwari wedu patinosangana nematambudziko, Jehovha achaisa maoko ake pasi pedu, otisimudza zvinyoronyoro, otibatsira kusimuka.—Ezek. 37:10.