Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 19A

Nzizi Dzemakomborero Anobva Kuna Jehovha

Nzizi Dzemakomborero Anobva Kuna Jehovha

Ona dzimwe ndima dzeBhaibheri dzinoshandisa mashoko ekuti “rwizi” uye “mvura” kuratidza makomborero anoyerera achibva kuna Jehovha. Patinodziverenga dzese pamwe chete, tinokurudzirwa chaizvo kuziva nzira dzinoshandiswa naJehovha kutikomborera. Nei tichidaro?

JOERI 3:18 Uprofita uhwu hunoratidza chitubu chemvura chichibva panzvimbo tsvene yepatemberi. Mvura yacho inoyerera ichinodiridza “Bani reMibayamhondoro.” Saka Joeri naEzekieri vakaona rwizi ruchiunza upenyu kunzvimbo yakanga isina upenyu. Mumwe nemumwe wavo akaona rwizi ruchibva mumba maJehovha kana kuti mutemberi.

ZEKARIYA 14:8 Muprofita Zekariya anoona “mvura mhenyu” ichiyerera ichibva muguta reJerusarema. Hafu yemvura yacho inoyerera ichinodira mugungwa rekumabvazuva, kana kuti muGungwa Rakafa, uye imwe hafu yacho inonodira mugungwa rekumavirira, kana kuti Gungwa reMedhitereniyeni. Jerusarema raiva “guta raMambo mukuru,” Jehovha Mwari. (Mat. 5:35) Kutaurwa kwakaitwa guta iroro naZekariya kunotiyeuchidza nezvekutonga kuchaita Jehovha nyika yese mune ramangwana. Tava nenguva yakareba tichinzwisisa kuti mvura inotaurwa muuprofita uhwu inoratidza kuti muParadhiso, Jehovha achakomborera mapoka maviri evanhu vakatendeka, vaya vachapona pakutambudzika kukuru, uye vaya vachazomutswa.

ZVAKAZARURWA 22:1, 2 Muapostora Johani anoona rwizi rwakada kufanana nerwakaonekwa naEzekieri. Asi panongova nekamusiyano kadikidiki. Rwizi rwacho harwusi kubva mutemberi, asi pachigaro cheumambo chaJehovha. Saka kungofanana nechiratidzo chaZekariya, chiratidzo ichi chinenge chinotaura nezvemakomborero achaunzwa nekutonga kwaMwari mumakore 1 000.

Pasinei nekamusiyano aka, makomborero anobva pakutonga kwaJehovha neaya anoratidzwa nerwizi rwakaonekwa naEzekieri, ese anobva kuna Jehovha uye anoyerera serwizi achienda kuvanhu vese vakatendeka.

PISAREMA 46:4 Cherechedza kuti ndima iyi inoita seinotaura nezvenyaya dzacho mbiri, yekunamata neyeutongi. Pano, tinoona rwizi rwuri kuunza mufaro ‘muguta raMwari,’ iro rinomiririra Umambo uye utongi, uyewo ‘kutebhenekeri huru tsvene yeWekumusorosoro,’ iyo inomiririra kunamata kwakachena.

Ndima idzi dzese dzinotipa chivimbo chekuti Jehovha achakomborera vanhu vakatendeka munzira mbiri. Yekutanga, tichabatsirwa nekusingaperi neutongi hwake, uye yechipiri, tichabatsirwa neurongwa hwake hwekunamata kwakachena. Saka iye zvino ngatiitei zvese zvatinogona kuti tirambe tichitsvaga ‘mvura mhenyu’ inobva kuna Jehovha Mwari neMwanakomana wake, yavanotipa kuti tirarame nekusingaperi!—Jer. 2:13; Joh. 4:10.