Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 21A

‘Munofanira Kupa Mupiro Uyu’

‘Munofanira Kupa Mupiro Uyu’

EZEKIERI 48:8

Ngatifambei naEzekieri paari kuongorora nzvimbo yakasarudzwa naJehovha kuti ive mupiro wake. Ine nharaunda shanu. Inharaunda dzipi uye dzaishandiswa pakuitei?

A. “Mupiro”

Inharaunda yaizoshandiswa paurongwa hwekutungamirira.

EZEK. 48:8

B. “Mupiro Wacho Wese”

Inharaunda yaizoshandiswa nevapristi, vaRevhi, uye ndiyo yaizova neguta. Uyewo vanhu vemadzinza ese 12, vanopinda munharaunda iyi kuti vanamate Jehovha uye vatsigire urongwa hweutungamiriri.

EZEK. 48:20

C. “Nharaunda Yejinda”

“Nzvimbo yacho ndiyo ichava nhaka yaro muIsraeri.” “Ichava mugove wejinda racho.”

EZEK. 45:7, 8; 48:21, 22

D. “Mupiro Mutsvene”

Iyi inharaunda yaiva nechekumusoro uye yakasiyiwa kuti ive “yevaRevhi.” “Nharaunda yacho itsvene.” Nharaunda yaiva nechepakati yaiva ‘mupiro mutsvene waizopiwa vapristi.’ Yaiva ‘nedzimba dzavo uye nzvimbo tsvene yaiva netemberi.’

EZEK. 45:1-5; 48:9-14

E. “Nzvimbo Inenge Yasara”

“Ichava yeimba yese yaIsraeri” uye “ichashandiswa neveruzhinji muguta, iine dzimba nemafuro.”

EZEK. 45:6; 48:15-19