Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 5

Kuverenga Nemazvo

Kuverenga Nemazvo

1 Timoti 4:13

PFUPISO YECHIDZIDZO: Verenga zviri papepa sezvazviri.

MAITIRWO AZVO:

  • Nyatsogadzirira. Funga kuti mashoko acho akanyorerwei. Dzidzira kuverenga mashoko akati wandei panguva imwe chete pane kungoverenga shoko rimwe chete. Usaisa zvisipo, kana kusiya mamwe mashoko, kana kuchinjanisa shoko nerimwe. Tevedzera nyora dzese dzemutauro.

  • Taura shoko rimwe nerimwe nemazvo. Kana usingazivi kuti shoko rinotaurwa sei, ritarise muduramanzwi, teerera nyaya yacho kana yakarekodhwa, kana kuti kumbira mumwe munhu anoverenga nemazvo kuti akubatsire.

  • Taura zvakajeka. Dudza mashoko sezvaari, wakasimudza musoro uye uchinyatsovhura muromo. Edza kududza shoko usingaridimburire.