Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 6

Kuratidza Kushanda Kunoita Rugwaro

Kuratidza Kushanda Kunoita Rugwaro

Johani 10:33-36

PFUPISO YECHIDZIDZO: Usangoverenga rugwaro wobva waenda pane imwe pfungwa. Iva nechokwadi chekuti vateereri vanyatsoona kuti rugwaro rwawaverenga ruri kubatana sei nepfungwa yauri kutaura.

MAITIRWO AZVO:

  • Ita kuti vanhu vaone mashoko anokosha. Kana waverenga rugwaro, ita kuti vateereri vaone mashoko anonyatsotsigira pfungwa yauri kutaura. Unogona kuita izvi kuburikidza nekudzokorora mashoko acho kana kuti kubvunza mubvunzo unoita kuti vateereri vaone pane mashoko anokosha.

  • Simbisa pfungwa yauri kuda kuti vateereri vanzwe. Kana ukataura chinangwa chauri kuda kuverengera rugwaro, tsanangura kuti mashoko ari murugwaro rwacho anobudisa sei chinangwa chacho.

  • Ita kuti zvirambe zviri nyore. Usatsanangura zvinhu zvisinei nepfungwa huru yauri kutaura nezvayo. Zvichienderana nezvinotozivikanwa nevateereri vako panyaya yacho, funga kuti unofanira kutsanangura zvakawanda sei kuti ujekese pfungwa yauri kukurukura.