Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 12

Kufarira Vanhu Nekuvanzwira Tsitsi

Kufarira Vanhu Nekuvanzwira Tsitsi

1 VaTesaronika 2:7, 8

PFUPISO YECHIDZIDZO: Ratidza kuti unoda vateereri uye kuti unoda kuvabatsira.

MAITIRWO AZVO:

  • Funga nezvevateereri vako. Kuti ugadzirire mwoyo wako, funga matambudziko avari kusangana nawo. Fungidzira kuti vari kunzwa sei.

  • Nyatsosarudza mashoko ako. Taura zvinoita kuti vateereri vazorodzwe, vanyaradzwe, uye vakurudzirwe. Usataura mashoko anogona kuvagumbura, uye usatsoropodza vanhu vasingatendi kana kuti dzidziso dzavanokoshesa.

  • Ratidza kuti unoda vateereri. Inzwi rako nezvaunoita nhengo dzemuviri ngazviratidze kuti unoda vateereri. Fungawo nezvechiso chako; nyemwerera kakawanda.