Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 17

Kutaura Zvinonzwisiswa Nevanhu

Kutaura Zvinonzwisiswa Nevanhu

1 VaKorinde 14:9

PFUPISO YECHIDZIDZO: Batsira vateereri kuti vanzwisise zvauri kutaura.

MAITIRWO AZVO:

  • Nyatsodzidza nyaya yauchataura. Ziva nyaya yako kuti ukwanise kuitsanangura zvakajeka nemashoko ako.

  • Taura mitsara mipfupi nezvirevo zviri nyore kunzwisisa. Hazvirambidzwi hazvo kutaura mitsara yakareba, asi paunenge uchitaura pfungwa huru shandisa zvirevo zvipfupi nemitsara mipfupi.

  • Tsanangura mashoko asingazivikanwi. Edza kusashandisa mashoko asingazivikanwi nevateereri. Kana kuri kuti wataura shoko risingazivikanwi, kana mumwe munhu wemuBhaibheri asingazivikanwi, kana tsika yekare kana kuti mayererwo aiitwa zvinhu kare, tsanangura kuti vanhu vazvinzwisise.