Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 19

Kutaura Zvinobaya Mwoyo

Kutaura Zvinobaya Mwoyo

Zvirevo 3:1

PFUPISO YECHIDZIDZO: Batsira vateereri kuti vaone kukosha kwezvavanenge vadzidza uye kuti vazvishandise.

MAITIRWO AZVO:

  • Batsira vateereri kuti vazviongorore. Bvunza mibvunzo isingadi mhinduro kuti ubatsire vateereri kuti vazviongorore.

  • Batsira vateereri kuti vaite zvinhu nechinangwa chakanaka. Kurudzira vateereri kuti vaongorore kuti nei vachiita mabasa akanaka. Vabatsire kuti vave nechinangwa chakanakisisa chekuita zvinhu; ngavaite zvinhu nekuti vanoda Jehovha, nevanhu, nezvinodzidziswa neBhaibheri. Vabatsire kuti vafunge, pane kungovaudza zvekuita. Usavanyadzise, asi ita kuti vasare vakurudzirwa, vava kuda kuita zvese zvavanogona.

  • Ita kuti vafunge nezvaJehovha. Varatidze kuti mirayiro yaMwari nezvimwe zvinodzidziswa neBhaibheri, zvinotiratidza sei zvakaita Mwari uye kutida kwaanoita. Batsira vateereri vako kuti vafunge kuti Jehovha anonzwa sei nezvavanoita uye kuti vade kumufadza.