Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mashoko Kune Vachapinda

Mashoko Kune Vachapinda

VARINDIRI Varindiri varipo kuti vakubatsirei. Nyatsotevedzerai zvavanokuudzai panyaya yepekupaka motokari, kudzora vanhu, kuchengetera vamwe pekugara, nezvimwewo.

KUBHABHATIDZWA Nzvimbo yekugara yakachengeterwa vachabhabhatidzwa ichava munhandare pakatarisana nechikuva asi kana pakaita zvachinja muchaziviswa nguva ichiripo. Vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kunge vagara munzvimbo yavakachengeterwa hurukuro yekubhabhatidzwa isati yatanga musi weMugovera mangwanani. Mumwe nemumwe anofanira kuuya netauro nehembe dzekubhabhatidzwa nadzo dzine mwero.

MARI Pakashandiswa mari yakati wandei kuti pave neurongwa hwekuti pave nepekugara pakakwana, gudzanzwi, michina yekuonesa mavhidhiyo nezvimwe zvakawanda zvinoita kuti tinakidzwe nekupinda gungano uye tibatsirwe kuswedera pedyo naJehovha. Mari yezvipo yamunopa inobatsira kubhadhara zvinhu izvi uyewo kutsigira basa remunyika yese. Kuti zvikuitirei nyore, mabhokisi emari yezvipo akanyorwa zvakajeka anowanikwa kwese kwese panzvimbo inenge ichiitirwa gungano. Mari yese yezvipo inoongwa chaizvo. Dare Rinotungamirira rinoda kukuongai nekupa kwamunoita muchitsigira zvinhu zvine chekuita neUmambo.

FIRST AID Tapota yeukai kuti NDEYEKURAPA ZVINENGE ZVANGOMUKIRA IPAPO CHETE.

ZVAKARASIKA NEZVAKAWANIKWA Zvinhu zvese zvinenge zvawanikwa zvinofanira kuendeswa kuDhipatimendi Rezvakarasika Nezvakawanikwa. Kana paine chamunenge marasa, endai kudhipatimendi iri munoona kana kuine zvinhu zvenyu. Vana vanenge varasika vanofanira kuendeswa kudhipatimendi iri. Asi sezvo kurasika kwevana kuchikonzera matambudziko akawanda, zvakanaka kuti tigare takachengeta vana vedu.

PEKUGARA Fungaiwo vamwe. Yeukai kuti munogona kuchengetera pekugara vaya vamungave muchifamba navo, vamabva navo kumba kana kuti vamuri kudzidza navo Bhaibheri. Musaisa zvinhu panzvimbo dzamusiri kubatira vamwe.

BASA REKUZVIPIRA Kana muchida kuzvipira kubatsira pabasa rine chekuita negungano, tinokukumbirai kuti muende kuDhipatimendi reMashoko Nerevanoda Kuzvipira.

MUSANGANO UNOKOSHA

CHIKORO CHEVAZIVISI VEMASHOKO EUMAMBO Mapiyona ane makore ari pakati pe23 ne65 anoda kuwedzera ushumiri hwawo anokokwa kuti azopinda musangano wevanoda kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo musi weSvondo masikati. Nzvimbo ichaitirwa musangano uyu uye nguva yacho zvichaziviswa.

Rakarongwa neDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha