Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 07

Jehovha ndiMwari Akaita Sei?

Jehovha ndiMwari Akaita Sei?

Paunofunga nezvaJehovha Mwari, chii chinouya mupfungwa dzako? Unofunga nezveukuru hwake here, asiwo uchifunga kuti ari kure newe senyeredzi dziri kudenga? Kana kuti unofunga kuti anongova nesimba chete asi asina basa nevanhu, sedutu rine mhepo nemabhanan’ana. Jehovha akambonyatsoita sei? Jehovha ari kushandisa Shoko rake Bhaibheri kukuudza zvaari uye kuti anokuda zvakadini.

1. Nei tisingakwanisi kuona Mwari?

“Mwari mweya.” (Johani 4:24.) Jehovha haana muviri wenyama neropa. Anogara kudenga kwatisingakwanisi kuona.

2. Jehovha ndiMwari akaita sei?

Kunyange zvazvo Jehovha asingaoneki, tinogona kumuziva uye kumuda sezvatinoita munhu chaiye watinoona. Bhaibheri rinoti: “Jehovha anoda kutonga zvakarurama, uye haazosiyi vanhu vake vakavimbika.” (Pisarema 37:28) “Ane tsitsi huru uye ane ngoni,” zvikurukuru kune vaya vanenge vachitambura. (Jakobho 5:11) “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakasuruvara.” (Pisarema 34:18) Waizviziva here kuti zvatinoita zvinogona kuita kuti afare kana kuti asuwe? Munhu anoita zvakaipa anorwadzisa Jehovha. (Pisarema 78:40, 41) Asi munhu anoita zvakanaka anomufadza.—Verengai Zvirevo 27:11.

3. Jehovha anoratidza sei kuti anotida?

Chikuru chatinoona pana Jehovha, rudo rwake. Bhaibheri rinototi, “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Tinoona rudo rwaJehovha patinoverenga Bhaibheri uye patinofunga nezvezvinhu zvaakasika. (Verengai Mabasa 14:17.) Chimbofunga masikiro aakatiita. Akatisika tichikwanisa kuyevedzwa nekuona mavara akanaka, kunzwa mimhanzi inonakidza, uye kuravidza zvekudya zvinonaka. Anoda kuti tinakidzwe neupenyu.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza kuti Jehovha anoshandisa chii kuti aite zvinhu zvinoshamisa. Wozoona kuti anoratidza sei kuti ndiMwari akanaka.

4. Mweya mutsvene isimba raMwari raanoshandisa

Jehovha anoshandisa mweya wake mutsvene sekushandisa kwatinoita maoko edu kuita basa. Bhaibheri rinoratidza kuti mweya mutsvene hausi munhu, asi isimba raMwari raanoshandisa kuita zvaanenge achida. Verengai Ruka 11:13 uye Mabasa 2:17, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Mwari ‘anodurura’ mweya wake mutsvene, pane vaya vanomukumbira. Saka unofunga kuti mweya mutsvene munhu here kana kuti isimba raMwari raanoshandisa? Nei uchidaro?

Jehovha anoshandisa mweya wake mutsvene kuita zvinhu zvinoshamisa. Verengai Pisarema 33:6 uye 2 Petro 1:20, 21, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Jehovha akashandisa mweya wake mutsvene kuita zvimwe zvinhu zvakaita sezvipi?

5. Jehovha ndiMwari anobata vanhu zvakanaka

Mozisi aiva mushumiri waMwari akatendeka, asi aida kunyatsoziva Musiki wake. Saka Mozisi akati kwaari: “Ndizivisei nzira dzenyu, kuti ndikuzivei.” (Eksodho 33:13) Jehovha akabva apindura Mozisi achimuudza kuti ndiMwari akaita sei. Verengai Eksodho 34:4-6, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Jehovha akatsanangura sei zvaari kuna Mozisi?

  • Ndezvipi zvaunonyanya kufarira pana Jehovha?

6. Jehovha anoda vanhu

VaHebheru vainamata Mwari asi vaiva varanda muIjipiti. Jehovha ainzwa sei pavaitambura? Teererai kuverengwa kweBhaibheri pana Eksodho 3:1-10 muchitarisawo muBhaibheri renyu panenge pachiverengwa pacho, kana kuti itai zvekuverenga mega. Kana mapedza, kurukurai muchishandisa mibvunzo inozotevera.

  • Sezvawanzwa munyaya iyi, Mwari anonzwa sei paanoona vanhu vachitambura?—Ona vhesi 7 ne8.

  • Unofunga kuti Mwari anoda uye anokwanisa kubatsira vanhu here? Nei uchidaro?

7. Tinogona kudzidza nezvaJehovha kubva pazvinhu zvaakasika

Jehovha anotiratidza kuti ndiMwari akaita sei achishandisa zvinhu zvaakasika. Onai VHIDHIYO. Kana mapedza kuiona, verengai VaRoma 1:20, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera.

  • Tinodzidzei nezvaJehovha kubva pazvinhu zvaakasika?

VAMWE VANOTI: “Mwari isimba riri pese pese.”

  • Ko iwe unoti kudii?

  • Nei wadaro?

PFUPISO

Jehovha mweya, uye chinhu chikuru chaanoratidza kupfuura zvimwe zvese rudo.

Kudzokorora

  • Nei tisingakwanisi kuona Jehovha?

  • Mweya mutsvene chii?

  • Jehovha ndiMwari akaita sei?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Dzidza nezvezvinhu 4 zvinonyanya kuratidzwa naJehovha kuti uwedzere kumuziva.

“Mwari Ane Unhu Hwakaita Sei?” (Nharireyomurindi Nhamba 1 2019)

Ona uchapupu hunoratidza kuti Jehovha haasi pese pese.

“Mwari Ari Pese Pese Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ona kuti nei Bhaibheri richiti mweya mutsvene maoko aMwari.

“Chii Chinonzi Mweya Mutsvene?” (Nyaya iri paIndaneti)

Mumwe murume asingaoni aiomerwa nekubvuma kuti Mwari anomuda. Ona kuti chii chakaita kuti azochinja mafungiro ake.

“Iye Zvino Ndinofunga Kuti Ndava Kukwanisa Kubatsirawo Vamwe” (Nharireyomurindi, October 1, 2015)