Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 08

Unogona Kuva Shamwari yaJehovha

Unogona Kuva Shamwari yaJehovha

Jehovha anoda kuti uwedzere kumuziva. Zvakanakirei kuti uwedzere kumuziva? Paunoramba uchidzidza nezvake, uye mabatiro aanoita vanhu, nezvinangwa zvake, uchabva wawedzerawo kuda kuva shamwari yake. Unofunga kuti zvingaita here kuti uve shamwari yaMwari? (Verengai Pisarema 25:14.) Ungaita sei kuti uve shamwari yake? Bhaibheri rinopindura mibvunzo iyoyo uye rinoratidza kuti kuva shamwari yaJehovha kunokosha kupfuura kuva shamwari yemumwe munhu upi zvake.

1. Jehovha ari kukukumbira kuti uite sei?

“Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Izvi zvinorevei? Jehovha ari kukukumbira kuti uve shamwari yake. Vamwe vanoona zvichivaomera kufungidzira kuti vangaita ushamwari nemunhu wavasingaoni, ndoda achitozova Mwari pachake. Asi muShoko rake Bhaibheri, Jehovha anotiudza zvese zvaari kuti tikwanise kuswedera pedyo naye. Patinoverenga zvatinoudzwa naJehovha muBhaibheri, ushamwari hwedu naye hunosimba, kunyange zvazvo tisina kumbobvira tamuona.

2. Nei Jehovha ari Shamwari yakanaka kupfuura dzimwe dzese?

Hapana munhu anokuda kupfuura zvaunoitwa naJehovha. Anoda kuti ufare, uye kuti uende kwaari pese paunoda kubatsirwa. Unogona ‘kukanda zvese zvinokudya mwoyo paari, nekuti iye ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Jehovha akagadzirira kutsigira, kunyaradza, uye kuteerera zvichemo zveshamwari dzake.—Verengai Pisarema 94:18, 19.

3. Jehovha anoda shamwari dzakaita sei?

Jehovha anoda vanhu vese, “asi ishamwari yepedyo yevakarurama.” (Zvirevo 3:32) Jehovha anoda kuti vese vaanoshamwaridzana navo vaedze kuita zvaanovaudza kuti ndizvo zvakanaka uye kuti varege zvaanovaudza kuti zvakaipa. Vamwe vanogona kufunga kuti havangambofi vakakwanisa kutevedzera zvinonzi naJehovha zvakanaka uye zvakaipa. Asi Jehovha anotinzwisisa. Anotambira munhu wese anoratidza kuti anomuda zvechokwadi uye anoedza nepese paanogona kuti amufadze.—Pisarema 147:11; Mabasa 10:34, 35.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza zvimwe zvaungaita kuti uve shamwari yaJehovha, uye ona kuti nei ari iye Shamwari yakanaka kupfuura dzimwe dzese.

4. Abrahamu aiva shamwari yaJehovha

Nyaya yemuBhaibheri yaAbrahamu (uyo anonziwo Abramu) inotibatsira kunzwisisa kuti zvinorevei kuva shamwari yaMwari. Verengai nezvaAbrahamu pana Genesisi 12:1-4, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Jehovha akaudza Abrahamu kuti aitei?

  • Jehovha akamuvimbisei?

  • Abrahamu akaita sei paakaudzwa zvaaifanira kuita naJehovha?

5. Jehovha anoda kuti shamwari dzake dziitei?

Pane zvatinowanzotarisira kushamwari dzedu.

  • Zvinhu zvipi zvaunoda kuti shamwari dzako dzikuitire?

Verengai 1 Johani 5:3, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Jehovha anoda kuti shamwari dzake dziitei?

Kuti titeerere Jehovha, dzimwe nguva tinotofanira kugadzirisa maitiro edu. Verengai Isaya 48:17, 18, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Nei Jehovha achida kuti munhu achinje mararamiro ake kana achida kuva shamwari yake?

Shamwari yakanaka inotiudza zvinhu zvinoita kuti tisapinda munjodzi uye zvinotibatsira. Ndizvo zvinoitwawo naJehovha kushamwari dzake

6. Kubatsira kunoita Jehovha shamwari dzake

Jehovha anobatsira shamwari dzake padzinosangana nematambudziko. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Jehovha akabatsira sei mukadzi ari muvhidhiyo iyi kukurira zvinhu zvakaipa zvaaifunga?

Verengai Isaya 41:10, 13, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Jehovha anovimbisa kuti achaitirei shamwari dzake dzese?

  • Unofunga kuti Jehovha angava shamwari yakanaka here? Nei uchidaro?

Shamwari yepedyo inokubatsira paunenge uchida rubatsiro. Jehovha achakubatsirawo paunenge uchida kubatsirwa

7. Kuti tive shamwari dzaJehovha tinofanira kutaura naye uye kuteerera zvaanotaura

Kukurukura kunosimbisa ushamwari. Verengai Pisarema 86:6, 11, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Tingataura sei naJehovha?

  • Ko iye anotaura sei nesu?

Tinotaura naJehovha patinonyengetera; iye anotaura nesu achishandisa Bhaibheri

VAMWE VANOTI: “Hazviite kuti munhu ave pedyo naMwari.”

  • Ungashandisa rugwaro rupi kuratidza munhu kuti zvinoita kuti tive shamwari dzaMwari?

PFUPISO

Jehovha anoda kuva Shamwari yako, uye achakubatsira kuti uswedere pedyo naye.

Kudzokorora

  • Jehovha anobatsira sei shamwari dzake?

  • Nei Jehovha achida kuti munhu achinje mararamiro ake kana achida kuva shamwari yake?

  • Unofunga kuti Jehovha anoomesera shamwari dzake here? Nei uchidaro?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Kuva shamwari yaMwari kunogona kukubatsira sei muupenyu hwako?

“Jehovha—Mwari Akakodzera Kuzivikanwa” (Nharireyomurindi, February 15, 2003)

Verenga nezvemumwe mukadzi unzwe kuti ushamwari hwake naJehovha hwakamuponesa sei.

“Ndakanga Ndisingadi Kufa!” (Nharireyomurindi Nhamba 1 2017)

Inzwa kuti vechidiki vanoona sei nyaya yekuva shamwari yaJehovha.

Zvinorevei Kuva Shamwari yaMwari? (1:46)