Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 19

Zvapupu zvaJehovha vaKristu Vechokwadi Here?

Zvapupu zvaJehovha vaKristu Vechokwadi Here?

Isu Zvapupu zvaJehovha tinotenda zvakasimba kuti tiri vaKristu vechokwadi. Nei tichidaro? Chimboongorora kuti tinotora papi zvatinotenda uye kuti takawana kupi zita redu rinotisiyanisa nevamwe, woonawo maratidziro atinoita kuti tinodanana.

1. Tinotora pai zvatinotenda?

Jesu akati: “Shoko [raMwari] ichokwadi.” (Johani 17:17) Zvapupu zvaJehovha zvagara zvichitora zvazvinotenda muShoko raMwari sezvaiita Jesu. Cherechedza kwakabva nesangano redu ririko mazuva ano. Makore ekuma1800 ava kunopera, vamwe varume vakatanga kunyatsodzidza Bhaibheri vari pamwe chete, vachiongorora zvarinotaura. Vaitenda zvavaidzidza muBhaibheri, pasinei nekuti zvavaiwana zvainge zvakasiyana nezvaidzidziswa nemachechi. Vakabva vatanga kuudzawo vamwe zvavaiwana muBhaibheri. a

2. Nei tichinzi Zvapupu zvaJehovha?

Jehovha anodana vanhu vanomunamata kuti zvapupu zvake nekuti vanotaura chokwadi nezvake. (VaHebheru 11:4–12:1) Akatomboudza vanhu vake vaimunamata kare kuti: “Imi muri zvapupu zvangu.” (Verengai Isaya 43:10.) Jesu anonzi “Chapupu Chakatendeka.” (Zvakazarurwa 1:5) Saka muna 1931 takatanga kushandisa zita rekuti Zvapupu zvaJehovha. Tinodada nezita iroro.

3. Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera sei Jesu pakuratidza rudo?

Jesu aida vadzidzi vake chaizvo zvekuti aitovaona sevanhu vemumhuri make. (Verengai Mako 3:35.) Ndizvo zvinoita Zvapupu zvaJehovha. Vakabatana semhuri imwe chete pasi rese. Ndokusaka tichishevedzana kuti hama nehanzvadzi. (Firimoni 1, 2) Tinoteererawo murayiro wekuti: “Idai sangano rese rehama.” (1 Petro 2:17) Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza rudo urwu nenzira dzakawanda, dzakadai sekubatsirana pasi rese kana paine vamwe vanenge vawirwa nedambudziko.

WEDZERA KUONGORORA

Nyatsoongorora kwakabva neZvapupu zvaJehovha, uone zvimwe zvinoratidza kuti tiri vaKristu vechokwadi.

VaKristu vechokwadi vanotora zvavanotenda muBhaibheri uye vanozviudzawo vamwe

4. Zvatinotenda zvinobva muBhaibheri

Jehovha akagara ataura kuti chokwadi chiri muBhaibheri chaizojeka. Verengai Dhanieri 12:4 nemashoko emuzasi, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Chii chakanzi ‘chaizowanda’ pakati pevanhu vaMwari pavaizoramba vachiongorora Bhaibheri?

Ngatimboonai zvaiitwa nerimwe boka revarume pavaidzidza Bhaibheri. Mumwe wavo ainzi Charles Russell. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

  • Charles Russell nevamwe vake vaiita sei pavaidzidza Bhaibheri?

Waizviziva here?

Dzimwe nguva tinombogadziridza manzwisisiro atinoita mamwe mavhesi ari muBhaibheri. Chii chinoita kuti tidaro? Sezvinoita kunze kunoita kuchijeka zvishoma nezvishoma zuva parinenge richikwira, Mwari anojekesawo kunzwisiswa kunoitwa Shoko rake zvishoma nezvishoma. (Verengai Zvirevo 4:18.) Saka kunyange zvazvo Bhaibheri risingachinji, patinowedzera kunzwisisa mamwe mavhesi, tinobva tagadzirisawo zvatinodzidzisa.

5. Mararamiro edu anoenderana nezita redu

Nei takatanga kushandisa zita rekuti Zvapupu zvaJehovha? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Nei zvakakodzera kuti tinzi Zvapupu zvaJehovha?

Nei Jehovha akasarudza kuti vanhu vave Zvapupu zvake? Vaizoratidza kuti ndiye Mwari wechokwadi, sezvo paine nhema dzakawanda dzinotaurwa nezvake. Ngationei dzimwe nhema dzacho.

Mamwe machechi anodzidzisa kuti vanhu vanofanira kushandisa zvifananidzo pakunamata Mwari. Asi kuti uone chokwadi, verengai Revhitiko 26:1, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Chokwadi ndechipi? Jehovha anonzwa sei nezvekushandisa zvifananidzo?

Vamwe vafundisi vanodzidzisa kuti Jesu ndiMwari. Asi kuti uone chokwadi, verengai Johani 20:17, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Chokwadi ndechipi? Mwari naJesu munhu mumwe chete here?

  • Unonzwa sei nekutuma kwakaita Jehovha Zvapupu zvake kuti zviparidze chokwadi pamusoro pake neMwanakomana wake?

6. Tinodanana

Bhaibheri rinofananidza vaKristu nenhengo dzakasiyana-siyana dzemuviri wemunhu. Verengai 1 VaKorinde 12:25, 26, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • VaKristu vechokwadi vanofanira kuita sei kana vamwe vavanonamata navo vakasangana nematambudziko?

  • Wakaoneiwo pakudanana kunoita Zvapupu zvaJehovha?

Zvapupu zvaJehovha pazvinowirwa nedambudziko mune imwe nyika, vamwe vavo pasi rese vanokurumidza kupindira kuti vavabatsire. Kuti tione zvimwe zvakamboitika ngationei VHIDHIYO, tozokurukura mubvunzo unotevera.

  • Kubatsirana kunoita Zvapupu zvaJehovha panoitika njodzi kunonyatsoratidza sei kuti vane rudo?

VaKristu vechokwadi vanobatsirana

VAMWE VANOTI: “Zvapupu zvaJehovha ichechi itsva.”

  • Jehovha akatanga riini kushevedza vanhu vanomunamata kuti zvapupu?

PFUPISO

Zvapupu zvaJehovha vaKristu vechokwadi. Tiri mhuri yakabatana pasi rese uye tinotora zvatinotenda muBhaibheri, tichiparidzawo chokwadi nezvaJehovha.

Kudzokorora

  • Nei takatanga kushandisa zita rekuti Zvapupu zvaJehovha?

  • Tinobata sei vamwe vatinonamata navo?

  • Unofunga kuti Zvapupu zvaJehovha vaKristu vechokwadi here?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Dzidza zvakawanda nezvekwakabva nesangano redu.

Jehovah’s Witnesses—Faith in Action, Part 1: Out of Darkness (1:00:53)

Ona kuti Zvapupu zvaJehovha zvakafumura sei dzidziso dzenhema.

Vanhu vaMwari Vanokudza Zita Rake (7:08)

Inzwa mhinduro dzemibvunzo inowanzobvunzwa pamusoro peZvapupu zvaJehovha.

“Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha” (nyaya dziri paIndaneti)

Stephen aivenga vanhu vasiri verudzi rwake zvekusvika pakuvarwisa. Verenga unzwe kuti chii chakamubatsira kuti achinje.

“Upenyu Hwangu Hwaibva Pakuipa Huchienda Pakuipisisa” (Nharireyomurindi, July 1, 2015)

a Magazini yatinonyanya kubudisa inonzi Nharireyomurindi, iyo yakatanga kubuda muna 1879 iri kubatsira vanhu kuziva chokwadi chiri muBhaibheri.