Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 30

Hama Neshamwari Dzako Dzakafa Dzinogona Kuraramazve!

Hama Neshamwari Dzako Dzakafa Dzinogona Kuraramazve!

Kufirwa kunorwadza uye kunoshungurudza. Ndokusaka Bhaibheri richiti rufu muvengi. (1 VaKorinde 15:26) Muchidzidzo 27, wakadzidza kuti Jehovha achakunda muvengi iyeye. Asi chii chichaitika kuvanhu vakatofa kare? Muchidzidzo chino uchadzidza nezveimwe vimbiso yaJehovha inofadza, yekuti achamutsa zviuru nezviuru zvevanhu vakafa kuti vazorarama nekusingaperi pasi pano vachifara. Pafunge! Zvingaitika here izvozvo? Vachamutswa kuti vararame kudenga here kana kuti pasi pano?

1. Jehovha achaitirei hama neshamwari dzedu dzakafa?

Jehovha ane chido chakasimba chekumutsa vakafa. Mumwe murume aiva nekutenda ainzi Jobho aiva nechokwadi chekuti Jehovha aisazomukanganwa kana afa. Akati kuna Mwari: “Muchashevedza, uye ndichakupindurai [ndiri muguva].”—Verengai Jobho 14:13-15.

2. Tinoziva sei kuti vakafa vanogona kumutswa?

Jesu paaiva panyika, Mwari akamupa simba rekumutsa vakafa. Jesu akamutsa musikana aiva nemakore 12 uye mwanakomana weimwe chirikadzi. (Mako 5:41, 42; Ruka 7:12-15) Shamwari yaJesu yainzi Razaro yakazofawo. Kunyange zvazvo Razaro akanga atova nemazuva mana ari muguva, Jesu akamumutsa. Jesu akatanga anyengetera kuna Mwari, achibva ashevedzera kuti: “Razaro, buda! Murume wacho akanga akafa akabuda” muguva ari mupenyu! (Johani 11:43, 44) Fungidzira kufara kwakaita hama neshamwari dzaRazaro!

3. Pane tariro here yekuti hama neshamwari dzako dzakafa dzichamutswa?

Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Kuchava nekumuka” kwevakafa. (Mabasa 24:15) Vanhu vakamutswa naJesu vainge vasina kuenda kudenga. (Johani 3:13) Vakatofara pavakamuka vari pano panyika. Munguva pfupi iri kutevera Jesu achaita zvimwe chete izvozvo paachamutsa zviuru nezviuru zvevanhu, kuti zvirarame zvichifara muparadhiso pano panyika. Jesu akati “vese vari mumakuva evanoyeukwa” vachamutswa kusanganisira vaya vatisingatombozivi kuti vakamborarama, asi vachiri kuyeukwa naMwari.—Johani 5:28, 29.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora uchapupu huri muBhaibheri hunoratidza kuti zvinokwanisika kuti vakafa vamuke, uye kuti vachamuka. Dzidza kuti kumutswa kwevakafa kungakunyaradza sei uye kungaita sei kuti uve netariro.

4. Jesu akaratidza kuti anogona kumutsa vakafa

Nyatsoongorora zvakaitwa naJesu achiitira shamwari yake Razaro. Verengai Johani 11:14, 38-44, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Tinoziva sei kuti Razaro ainge afa zvechokwadi?—Ona vhesi 39.

  • Kudai Razaro akanga aenda kudenga, unofunga kuti zvakanga zvakanaka here kuti Jesu amudzose panyika?

Ngationei VHIDHIYO.

5. Vanhu vakawanda vachamutswa!

Verengai Pisarema 37:29, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Zviuru nezviuru zvichamutswa zvichararama kupi?

Jesu achamutsa vanhu vakawanda, kwete vaya vaingonamata Jehovha chete. Verengai Mabasa 24:15, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Ndiani wauri kuda kuzoona amutswa?

Chimbozvifunga: Jesu anokwanisa kumutsa munhu akafa semamutsiro anongoita baba mwana wavo akarara

6. Rumuko runogona kukunyaradza uye kukupa tariro

Nyaya yemuBhaibheri yemwanasikana waJairosi yakanyaradza uye yakasimbisa vanhu vakawanda vakafirwa. Verengai nyaya yacho pana Ruka 8:40-42, 49-56.

Paakanga ava kuda kumutsa mwanasikana waJairosi, Jesu akatanga audza Jairosi kuti: “Usatya hako, ingova nekutenda chete.” (Ona vhesi 50.) Tariro yekuti vakafa vachamutswa ingakubatsira sei . . .

  • kana wafirwa?

  • kana watarisana nerufu?

Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

  • Vabereki vaPhelicity vari kunyaradzwa uye vari kusimbiswa sei netariro yerumuko?

VAMWE VANOTI: “Nyaya yekuti vanhu vakafa vachamutswa yakaoma kubvuma.”

  • Ko iwe unoti kudii?

  • Rugwaro rupi rwaungashandisa kuratidza mumwe munhu kuti vakafa vachamutswa?

PFUPISO

Bhaibheri rinovimbisa kuti zviuru nezviuru zvevanhu vakafa zvichamutswa. Jehovha anoda kuti vave vapenyu zvakare uye akapa Jesu simba rekuvamutsa.

Kudzokorora

  • Chii chinokuratidza kuti Jehovha naJesu vane chido chekumutsa vakafa?

  • Zviuru nezviuru zvevanhu vachamutswa zvichararama kudenga here kana kuti panyika? Nei uchidaro?

  • Chii chinoita kuti uve nechokwadi chekuti hama neshamwari dzako dzakafa dzichararamazve?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ona zvaunogona kuita kuti utsungirire kana wafirwa.

“Mazano Ekubatsira Vakafirwa” (Mukai! Nhamba 3 2018)

Mazano ari muBhaibheri anogona kunyatsobatsira vaya vanenge vafirwa here?

Paunofirwa Nehama Yako (5:06)

Vana vangaita sei kuti vatsungirire kana vafirwa?

Rudzikinuro (2:07)

Pane vamwe vachamutswa kuti vararame kudenga here? Kune vamwe vasiri kuzomutswa here?

“Zvinorevei Kuti Vakafa Vachamutswa?” (Nyaya iri paIndaneti)