Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 40

Tingaita Sei Kuti Tive Vanhu Vakachena Kuna Mwari?

Tingaita Sei Kuti Tive Vanhu Vakachena Kuna Mwari?

Fungidzira amai vachigadzirira mwana wavo kuti aende kuchikoro. Vanova nechokwadi kuti ageza uye kuti hembe dzake dzakashambidzika. Izvi zvinoita kuti arambe aine utano uye vamwe vanobva vaona kuti vabereki vake vari kumuchengeta zvakanaka. Baba vedu vane rudo Jehovha, vanodawo kuti tive vanhu vane tsika dzakachena uye vane utsanana. Kuva vanhu vakachena kunotibatsira isu pachedu, uye kunoita kuti Mwari akudzwe.

1. Tingaita sei kuti tive neutsanana?

Jehovha anotiudza kuti: “Munofanira kuva vatsvene.” (1 Petro 1:16) Kuti tive vanhu vatsvene, tinofanira kuva netsika dzakachena uye utsanana. Tinoita izvi nekugara tichigeza, kuwacha mbatya dzedu, kuchengeta misha yedu nemota dzedu zvakachena uye zvakarongeka. Tinogona kubatsirawo pakuita kuti Imba yeUmambo igare yakachena. Kana tikava neutsanana, tinoita kuti Jehovha akudzwe.—2 VaKorinde 6:3, 4.

2. Kuti tive vakachena, tinofanira kusiya maitiro api?

Bhaibheri rinotikurudzira kuti tizvichenese “pazvinhu zvese zvinosvibisa nyama nemweya.” (2 VaKorinde 7:1) Saka tinoedza kusiyana nezvinhu zvese zvinogona kukuvadza muviri wedu kana kuti pfungwa dzedu. Zvatinofunga zvinofanira kufadza Jehovha, saka tinoedza zvese zvatinogona kuti tisafunge zvinhu zvisina kunaka. (Pisarema 104:34) Tinoedzawo kutaura mashoko akachena.—Verengai VaKorose 3:8.

Ndezvipi zvimwe zvinogona kusvibisa miviri yedu kana kuti tsika dzedu? Zvimwe zvinhu zvakadai sefodya, nemamwe madhiragi zvinogona kusvibisa miviri yedu. Saka tinosiyana nezvinhu zvakadaro. Izvi zvinoita kuti tive neutano hwakanaka uye tinenge tichiratidza kuti tinoremekedza chipo cheupenyu. Tinoedzawo kuva netsika dzakachena nekusiyana nemaitiro akadai sebonhora uye kuona zvinhu zvinonyadzisira. (Pisarema 119:37; VaEfeso 5:5) Kukurira tsika idzi kunogona kuoma, asi Jehovha anogona kutibatsira.—Verengai Isaya 41:13.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora kuti kuva neutsanana kunokudza sei Jehovha uye ona kuti ungakurira sei maitiro asina kuchena.

3. Utsanana hunokudza Jehovha

Tinogona kunzwisisa kuti Jehovha anoona sei utsanana kana tikaongorora mirayiro yaakapa vaIsraeri. Verengai Eksodho 19:10 uye 30:17-19, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Mavhesi aya anoratidza kuti Jehovha anoona sei nyaya yeutsanana?

  • Ungaita sei kuti ugare uine utsanana?

Kugara zvinhu zvako zvese zvakachena ibasa chairo. Asi tinogona kuzviita pasinei nekuti tinogara kupi kana kuti tiri vanhu vanowana here kana kuti vanoshayiwa. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Kugara tiine zvinhu zvakachena kunobatsira sei kuti vanhu varemekedze basa redu rekuparidza?

4. Kukurira maitiro asina kuchena

Jehovha anogona kutibatsira kukurira chero tsika ipi zvayo isina kuchena

Kana uchiputa kana kuti uchiita zvemadhiragi, unogona kunge uchitoziva kuti zvakaoma sei kuzvirega. Chii chingakubatsira? Funga kuti kuzviita kunokuvadza zvakadii. Verengai Mateu 22:37-39, mobva makurukura kuti kuputa kana kuti kuita zvemadhiragi kunokanganisa sei . . .

  • ushamwari hwako naJehovha.

  • mhuri yako nevamwe vari pedyo newe.

Ita zvekutoronga kuti ungakurira sei maitiro asina kuchena. a Ngationei VHIDHIYO.

Verengai VaFiripi 4:13, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kuva nepurogiramu yekunyengetera, kudzidza Bhaibheri, uye kupinda misangano kunogona kubatsira sei munhu kukurira maitiro asina kuchena?

5. Rwisa pfungwa nemaitiro zvisina kuchena

Verengai VaKorose 3:5, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Tinoziva sei kuti kuona zvinonyadzisira, kutumira mameseji anonyadzisira, uye bonhora hazvina kuchena kuna Jehovha?

  • Jehovha anenge achitiomesera here kana achitarisira kuti tive netsika dzakachena? Nei uchidaro?

Ona kuti ungarwisa sei pfungwa dzisina kuchena. Ngationei VHIDHIYO.

Jesu akashandisa mufananidzo wairatidza kuti tinofanira kutotora matanho akasimba kuti tirambe tiine tsika dzakachena. Verengai Mateu 5:29, 30, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kunyange zvazvo Jesu akanga asingarevi kuti tinofanira kuzvikuvadza, airatidza kuti pane zvatinofanira kutoita. Idanho ripi rakasimba ringaitwa nemunhu kuti asafunga zvinhu zvisina kuchena? b

Kana uri kurwisa kuti ukurire pfungwa dzisina kuchena, Jehovha anofadzwa nezvauri kuedza kuita. Verengai Pisarema 103:13, 14, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kana uri kurwisana neimwe tsika isina kuchena, rugwaro urwu rungakubatsira sei kuti urambe uchirwisa?

Kana zvikambokukunda mumwe musi hazvirevi kuti watokundikana!

Zviri nyore kufunga kuti, ‘Ndakundikana saka hazvibatsiri kuti ndirambe ndichiedza.’ Asi ziva kuti kana munhu ari kumhanya munhangemutange akadonha, hazvirevi kuti atokundikana uye hazvirevi kuti anofanira kudzokera paatangira. Saka newewo hazvirevi kuti watokundikana kana zvikaitika kuti waita tsika yawakanga watosiya. Uye hazvireviwo kuti zvese zvawakaita kumashure pakuirwisa hazvisisina basa. Izvi zvinoitika kumunhu wese uye zvinoratidza kuti uri kutorwisa. Usadzokera shure! Uchibatsirwa naJehovha, unogona kukurira tsika isina kuchena.

VAMWE VANOTI: “Zvatova muropa. Handichakwanisa kuzvisiya.”

  • Ungabatsira munhu akadaro nerugwaro rupi kuti umuratidze kuti anogona kukurira tsika isina kuchena achibatsirwa naJehovha?

PFUPISO

Kana tichigara miviri yedu, pfungwa dzedu, uye tsika dzedu zvakachena, tinofadza Jehovha.

Kudzokorora

  • Nei zvichikosha kuti tigare takachena?

  • Tingaita sei kuti tive neutsanana?

  • Ungaita sei kuti pfungwa dzako netsika dzako zvigare zvakachena?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Zvinhu zvipi zvisina kuoma zvaunogona kuita kuti uve neutsanana kunyange kana uri munhu anoshayiwa?

Utano Uye Utsanana—Kugeza Maoko (3:01)

Ona matanho aunogona kutora kuti usiye kuputa.

“Zvaungaita Kuti Urege Kusvuta” (Mukai!, July 2010)

Ongorora kuti kuona zvinonyadzisira kunokuvadza zvakadini.

“Zvinonyadzisira—Hazvikuvadzi Here?” (Nharireyomurindi, August 1, 2013)

Verenga nezvemumwe murume akanga akapindwa muropa nekuona zvinonyadzisira akazokurira dambudziko racho.

“Kuti Ndizokunda, Ndakatombokundikana Kakawanda” (Nharireyomurindi Nhamba 4 2016)

a Magazini ine musoro unoti, “Zvaungaita Kuti Urege Kusvuta,” iri pachikamu chakanzi, “Wedzera Pane Zvawadzidza” inotsanangura matanho anogona kutorwa nemunhu kuti akurire zvinhu zvakamupinda muropa.

b Kana uchida kubatsirwa kusiya tsika yekuita bonhora, ona nyaya inoti, “Ndingakurira Sei Tsika Yokuita Bonhora?” mubhuku rinonzi, Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku  1, chitsauko 25.