Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 42

Bhaibheri Rinotii Nezvenyaya Yekupinda Muwanano Kana Kuti Kugara Wakadaro?

Bhaibheri Rinotii Nezvenyaya Yekupinda Muwanano Kana Kuti Kugara Wakadaro?

Mune dzimwe nyika, vanhu vanofunga kuti hazviiti kuti munhu afare muupenyu kana asina kuroora kana kuroorwa. Asi kune vanhu vari muwanano vasingafari, uye kune vanhu vanofara asi vasina kuroora kana kuroorwa. Chokwadi ndechekuti Bhaibheri rinoti zvese zviri zviviri, kupinda muwanano kana kugara wakadaro, zvipo.

1. Ndezvipi zvimwe zvakanakira kusaroora kana kusaroorwa?

Bhaibheri rinoti: “Uya [anoroora] achaita zvakanaka, asi uya asingaroori achatoita zvakanaka kupfuura ipapo.” (Verengai 1 VaKorinde 7:32, 33, 38.) Zvinorevei kuti munhu asina kuroora kana kuroorwa “achatoita zvakanaka kupfuura ipapo”? VaKristu vasiri muwanano vanenge vasina murume kana mudzimai wekuchengeta. Saka vane nguva yakawanda yavanenge vakasununguka kuita zvavanofarira. Vamwe vanogona kuwedzera ushumiri hwavo nedzimwe nzira dzinonakidza, dzakadai sekuenda kunoparidza mashoko akanaka kune dzimwe nyika. Uyewo vane nguva yakawanda yekuswedera pedyo naJehovha.

2. Kuroorana zviri pamutemo kunobatsira sei?

Kuroora kana kuroorwa kune zvakwakanakirawo. Bhaibheri rinoti “vaviri vari nani kupfuura mumwe chete.” (Muparidzi 4:9) Izvi zvakatonyanya kudaro kana vaKristu vachishandisa zvinotaurwa neBhaibheri muwanano yavo. Vanhu pavanoroorana zviri pamutemo vanoita mhiko yekuti vachadanana, vacharemekedzana uye vachachengetana. Izvi zvinoita kuti vagadzikane kupfuura vaya vanongogara vese vasina kuchata. Kana wanano yakasimba, nevana vanorerwawo zvakanaka.

3. Jehovha anoona sei wanano?

Jehovha paakachatisa vanhu vaviri vekutanga, akati: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumudzimai wake.” (Genesisi 2:24) Jehovha anoda kuti murume nemudzimai vadanane uye varambe vari pamwe chete kweupenyu hwavo hwese. Anongobvumira kuti varambane kana mumwe wavo aita upombwe. Pakadaro Jehovha anopa anenge atadzirwa wacho kodzero yekusarudza kana achida kuramba ari muwanano kana kuti kudimbura muchato. a (Mateu 19:9) Jehovha haabvumiri kuti vaKristu vaite barika.—1 Timoti 3:2.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza zvaungaita kuti ufare uye ufadzewo Jehovha, pasinei nekuti uri muwanano here kana kuti kwete.

4. Shandisa zvakanaka chipo chekusaroora kana kusaroorwa

Jesu aiona kusaroora kana kusaroorwa sechipo. (Mateu 19:11, 12) Verengai Mateu 4:23, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Jesu akashandisa sei chipo chekusaroora pakushumira Baba vake uye kubatsirawo vamwe?

VaKristu vasina kuroora kana kuroorwa vanogona kunakidzwa nekushandisa chipo chavo sezvakaitwa naJesu. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Ndezvipi zvakanakira kusaroora kana kusaroorwa?

Waizviziva here?

Bhaibheri haritauri kuti munhu anofanira kupinda muwanano ava nemakore mangani. Asi rinokurudzira kuti munhu ambomira kusvikira “apfuura makore ekuyaruka,” nekuti mumakore aya chishuwo chekuda zvebonde chinenge chakasimba zvekuti chinogona kutadzisa munhu kusarudza nekuchenjera.—1 VaKorinde 7:36.

5. Ngwarira pakusarudza

Nyaya yekusarudza wekuroorana naye inokosha zvikuru muupenyu hwemunhu. Verengai Mateu 19:4-6, 9, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Nei muKristu asingafaniri kumhanyira kuva nemba?

Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti uzive zvaunofanira kutarisa pamunhu wekuroora kana kuroorwa naye. Chikuru chaunofanira kutarisa ndechekuti anoda Jehovha here. b Verengai 1 VaKorinde 7:39 uye 2 VaKorinde 6:14 mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Nei tichifanira kuroora kana kuroorwa nemuKristu chete?

  • Unofunga kuti Jehovha anonzwa sei kana tikaroora kana kuroorwa nemunhu asingamudi?

Kana zvipfuwo zviviri zvakasiyana zvachose zvikabopwa pamwe chete, zvinorwadziwa. Ndizvo zvinoitikawo kana muKristu akaroora munhu asingatendi; vachava nematambudziko akawanda

6. Ona wanano sezvainoitwa naJehovha

Munguva dzevaIsraeri, vamwe varume vairamba madzimai avo vachingotsvaga zvakavanakira ivo. Verengai Maraki 2:13, 14, 16, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Nei Jehovha achivenga vanhu vanorambana nezvikonzero zvisingataurwi muBhaibheri?

Upombwe nekurambana zvinorwadzisa anenge atadzirwa wacho pamwe nevana

Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Kana murume wako kana kuti mudzimai wako asingatendi, ungaitei kuti mufare mumba menyu?

7. Shandisa zvinotaurwa neBhaibheri nezvewanano

Kune vamwe ringatova basa chairo kuti vasvike pakurarama vachitevedzera zvinotaurwa naJehovha nezvewanano. c Asi Jehovha anokomborera zvatinoedza kuita. Ngationei VHIDHIYO.

Verengai VaHebheru 13:4, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Unofunga kuti mitemo yaJehovha pamusoro pewanano haitiomeseri here? Nei uchidaro?

Jehovha anotarisira kuti vaKristu vanyorese wanano dzavo kana kuti vadimbure michato yavo zviri pamutemo, sezvo kunyorwa nekudzimwa kwenyaya dzakadaro kuchiitwa nehurumende munyika dzakawanda. Verengai Tito 3:1, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kana wakaroora kana kuti wakaroorwa une chokwadi kuti wanano yako inozivikanwa nehurumende zviri pamutemo here?

MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Zvekuchata zvine basa rei? Ko kungogara mese kwakaipei?”

  • Ungamupindura uchitii?

PFUPISO

Kupinda muwanano kana kugara wakadaro, zvese zvipo zvinobva kuna Jehovha. Zvese zvinogona kuita kuti munhu afare uye agutsikane kana achiita kuda kwaJehovha.

Kudzokorora

  • Munhu angashandisa sei zvakanaka nguva yaanenge asati aroora kana kuroorwa?

  • Nei Bhaibheri richiti tiroore kana kuroorwa nemuKristu chete?

  • Ndechipi chikonzero chimwe chete chinowanika muMagwaro chinobvumidza vanhu kudimbura muchato?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Chii chinenge chichirehwa kana zvichinzi roora kana kuti roorwa “munaShe chete”?

“Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” (Nharireyomurindi, July 1, 2004)

Ona mitambo miviri inogona kukubatsira kungwarira pakusarudza zvekuita panyaya yekufambidzana nemunhu neyekuroora kana kuroorwa.

Kugadzirira Kupinda Muwanano (11:53)

Inzwa kuti nei imwe hama ichifunga kuti zvayakapiwa naJehovha zvinokosha kupfuura zvese zvayakarasikirwa nazvo.

Ndaifunga Kuti Aizodzidzawo Bhaibheri (1:56)

Ndezvipi zvinofanira kufungwa nemunhu asati asarudza kudimbura muchato kana kuti kuparadzana nemumwe wake?

“Kudza ‘Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari’” (Nharireyomurindi, December 2018)

a Ona Mashoko Ekuwedzera 4 anotaura nezvekuparadzana kwemurume nemudzimai pasina upombwe hwaitwa.

b Mune dzimwe nyika, vabereki ndivo vanosarudzira vana vavo munhu wekuroorana naye. Pakadaro vabereki havafaniri kuisa pfungwa dzavo pakuti munhu wacho ane mari kana kuti ane mukurumbira here, asi vanofanira kutarisa kuti anoda Jehovha here.

c Kana uri kugara nemumwe munhu musina kuchata, zviri kwauri kusarudza kuti moparadzana here kana kuti monyoresa wanano yenyu.