Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 43

MuKristu Anofanira Kuona Sei Nyaya Yekunwa?

MuKristu Anofanira Kuona Sei Nyaya Yekunwa?

Pasi rese, vanhu vane maonero akasiyana-siyana panyaya dzekunwa. Vamwe vanofarira zvavo kumbonwira-nwira nehama neshamwari. Vamwe vanosarudza kusatombonwa zvachose. Vamwewo vanobva vadutira zvekusvika pakudhakwa. Bhaibheri rinombotii nenyaya yekunwa?

1. Kunwa kwakaipa here?

Bhaibheri haritauri kuti kunwa kwakaipa. Parinotaura nezvezvipo zvatakapiwa naMwari rinototaura nezvewaini richiti “inoita kuti mwoyo wemunhu ufare.” (Pisarema 104:14, 15) Bhaibheri rinotaura nezvevarume nevakadzi vakatendeka vainwa waini.—1 Timoti 5:23.

2. Bhaibheri rinotii kune vaya vanosarudza kunwa?

Jehovha anoshora kunwisa uye udhakwa. (VaGaratiya 5:21) Shoko rake rinoti: “Usava pakati pevaya vanonwisa waini.” (Zvirevo 23:20) Saka kana tikasarudza kunwa, kunyange patisingaonekwi nevanhu, hatifaniri kunwa zvekuti tinenge tisisafunge zvakanaka, kana kuti tisisagone kudzora mashoko nezviito zvedu kana kukanganisa utano hwedu. Kana tichiona zvichitinetsa kuzvidzora, zviri nani kurega kunwa kwacho.

3. Tingaremekedza sei zvinosarudzwa nevamwe panyaya yekunwa?

Panyaya yekuti munhu onwa here kana kuti orega, mumwe nemumwe anofanira kuzvisarudzira. Hatifaniri kutonga munhu anosarudza kunwa zvake zvine mwero, uye hatifaniri kumanikidza munhu kuti anwe iye asingadi. (VaRoma 14:10) Tinosarudza kusanwa kana kunwa kwedu kuchikanganisa vamwe. (Verengai VaRoma 14:21.) Hatitsvagi “zvinobatsira [isu] chete, asiwo zvinobatsira mumwe.”—Verengai 1 VaKorinde 10:23, 24.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora mazano eBhaibheri anogona kukubatsira kusarudza kuti unganwa doro here kana kuti kwete, uye kuti, kana ukasarudza kunwa, unofanira kunwa zvakadii. Dzidzawo zvaungaita kana uine dambudziko rekunwisa.

4. Sarudza kuti wonwa here kana kuti kwete

Jesu aiona sei nyaya yekunwa? Kuti uwane mhinduro yacho ona kuti chishamiso chake chekutanga chaiva chei. Verengai Johani 2:1-11, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Chishamiso ichi chinoratidza kuti Jesu anoona sei zvinwiwa zvakadai sewaini uye vanhu vanosarudza kuzvinwa?

  • Sezvo Jesu asina kuti kunwa kwakaipa, muKristu anofanira kuona sei munhu anosarudza kunwa?

Asi hazvirevi kuti kana doro risingarambidzwi, muKristu anofanira kungonwa. Anofanira kuziva kuti pane pamwe pekuti akanwa, anenge aratidza kusachenjera. Verengai Zvirevo 22:3, mobva makurukura kuti zvingasarudzwa nemunhu panyaya yekunwa zvinobatana papi nemamiriro ezvinhu anotevera:

  • Uchada kutyaira motokari kana kushandisa mumwe muchina unogona kukuvadza.

  • Wakazvitakura.

  • Wakaudzwa nachiremba kuti usanwa.

  • Unoona zvichikuomera kuziva pekugumira.

  • Mutemo wemunyika maunogara haukubvumiri kunwa.

  • Une mumwe munhu asingadi zvake kunwa nekuti anoziva kuti paaimbonwa kare zvaimuomera kuzvidzora.

Ungapa vanhu doro pamuchato pako kana kuti pamabiko pako here? Kuti uone kuti ungazvifambise sei, ngationei VHIDHIYO.

Verengai VaRoma 13:13 uye 1 VaKorinde 10:31, 32. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Zano iri ringakubatsira sei kusarudza zvinofadza Jehovha?

MuKristu mumwe nemumwe anosarudza ega kana achida kunwa kana kuti kusanwa. Kunyange kana achimbonwa, pane dzimwe nguva dzaanogona kusarudza kusanwa

5. Sarudza kuti uchanwa zvakadii

Kana ukasarudza kuti unoda kunwa yeuka kuti: Kunyange zvazvo Jehovha asingarambidzi kunwa, anorambidza kunwisa. Nei achirambidza? Verengai Hosiya 4:11, 18, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Chii chinogona kuitika kana munhu anwisa?

Tingaita sei kuti tisanwisa? Tinofanira kuva nemwero, kana kuti kuziva pekugumira. Verengai Zvirevo 11:2, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Nei zvakanaka kuti ugare wafunga kuti uri kuda kugumira papi kana wasarudza kunwa?

6. Kurira dambudziko reudhakwa

Ona kuti mumwe murume aiva chidhakwa akakurira sei dambudziko rake. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

  • Muvhidhiyo, doro raikanganisa sei Dmitry?

  • Akakwanisa kubva angosiya kunwa pakarepo here?

  • Akazokwanisa sei kusiya zvachose?

Verengai 1 VaKorinde 6:10, 11, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Chii chinoratidza kuti udhakwa chivi chakakura?

  • Chii chinoratidza kuti munhu anogona kuchinja kana anga ari chidhakwa?

Verengai Mateu 5:30, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kudimbura ruoko kuri kufananidzira kubvuma kurasikirwa nechimwe chinhu chaunoda uchiitira kufadza Jehovha. Ungaite sei kana zviri kukuomera kukunda dambudziko rekudhakwa? a

Verengai 1 VaKorinde 15:33, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kungwarira shamwari dzaunotamba nadzo kunogona kukubatsira sei kukurira dambudziko rekudhakwa?

MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Kunwa kwakaipa here?”

  • Ungamupindura sei?

PFUPISO

Jehovha ndiye akatipa zvinwiwa zvakadai sewaini kuti tinakidzwe neupenyu, asi anoshora kunwisa uye kudhakwa.

Kudzokorora

  • Bhaibheri rinoti chii nezvekunwa?

  • Kunwisa kwakaipirei?

  • Tingaratidza sei kuti tinoremekedza zvinosarudzwa nevamwe panyaya yekunwa?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Vechidiki vangasarudza sei nekungwarira panyaya yekunwa?

Funga Zvingazoitika Kana Ukanwa Doro (2:31)

Ona matanho aungatora kana uine dambudziko rekunwisa.

“Kunwa Doro Zvine Mwero” (Nharireyomurindi, January 1, 2010)

MuKristu anofanira kurovanisa magirazi nevamwe here?

“Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” (Nharireyomurindi, February 15, 2007)

Munyaya inoti, “Ndaiva Dhiramu Risingazari,” ona kuti mumwe murume aiva musiyadzasukwa akarega sei doro.

“Bhaibheri Rinochinja Upenyu” (Nharireyomurindi, May 1, 2012)

a Vaya vakapindwa muropa nedoro zvakanyanyisa vangatoda kutsvaga rubatsiro rwavanamazvikokota panyaya dzakadaro. Vanachiremba vakawanda vanoti kana munhu ava padanho rakadaro anotofanira kusiya zvachose.