Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 46

Nei Uchifanira Kuzvitsaurira Wobhabhatidzwa?

Nei Uchifanira Kuzvitsaurira Wobhabhatidzwa?

Paunozvitsaurira kuna Jehovha unonyengetera kwaari uchimuvimbisa kuti uchanamata iye chete uye kuti uchatungamidza kuita kuda kwake muupenyu. (Pisarema 40:8) Kana wadaro unenge wava kukwanisa kuzobhabhatidzwa. Paunobhabhatidzwa, unenge wava kuratidza vamwe kuti wakazvitsaurira kuna Mwari. Kusarudza kuzvitsaurira kuna Jehovha ndicho chinhu chinokosha kupfuura zvese zvaungaita muupenyu. Chii chingakupa shungu dzekuda kuchinja upenyu hwako zvakadaro?

1. Chii chinoita kuti munhu asarudze kuzvitsaurira?

Rudo ndirwo rwunopa munhu shungu dzekuzozvitsaurira kuna Jehovha. (1 Johani 4:10, 19) Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese.” (Mako 12:30) Tinoratidza kuti tinoda Mwari nezvatinotaura uye nezvatinoita. Kana mukomana nemusikana vachidanana zvechokwadi vanoroorana, saka kana tichidawo Jehovha tinozvitsaurira kwaari tobhabhatidzwa.

2. Jehovha anovimbisa Zvapupu zvake zvakabhabhatidzwa makomborero api?

Kana wabhabhatidzwa, unenge wava mumhuri yaJehovha inofara. Unenge wava kunyatsozvionera wega kuti anokuda, uye uchatoswedera pedyo naye kupfuura zvauri iye zvino. (Verengai Maraki 3:16-18.) Jehovha anenge ava Baba vako chaivo, uye kuwedzera ipapo, uchange wava nemhuri yehama nehanzvadzi dziri munyika yese dzinoda Baba vako uye dzinokudawo iwe. (Verengai Mako 10:29, 30.) Asi pane matanho aunofanira kutora kuti uzobhabhatidzwa. Unofanira kudzidza nezvaJehovha, kumuda, uye kutenda muMwanakomana wake. Kana wadaro, unofanira kuzotsaurira upenyu hwako kuna Jehovha. Kana watora matanho aya, wobhabhatidzwa, unenge wapinda munzira inoenda kuupenyu husingaperi hwakazara nemufaro. Shoko raMwari rinoti: “Rubhabhatidzo . . . ruri kukuponesai.”1 Petro 3:21.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora kuti zvakakosherei kuti utsaurire upenyu hwako kuna Jehovha uye ubhabhatidzwe.

3. Tese tinofanira kusarudza kuti tonamata ani

Munguva dzevaIsraeri, vamwe vanhu vaifunga kuti vanogona kunamata Jehovha uku vachinamata mumwe mwari wenhema ainzi Bhaari. Asi Jehovha akatuma muprofita wake Eriya kuti avaudze kuti vakanga vakarasika. Verengai 1 Madzimambo 18:21, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • VaIsraeri vaifanira kusarudza pakati pezvinhu zvipi zviviri?

Isuwo takafanana nevaIsraeri pakuti tinofanira kusarudza kuti tichanamata ani. Verengai Ruka 16:13, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Nei zvisingaite kuti tinamate Jehovha uku tichinamatawo mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu?

  • Tinoratidza sei kuti tasarudza kunamata Jehovha?

4. Fungisisa rudo rwawakaratidzwa naJehovha

Jehovha akatipa zvipo zvakawanda zvinokosha. Isu tingamupawo chii? Ngationei VHIDHIYO.

Jehovha akakuitira chii kuratidza kuti anokuda? Verengai Pisarema 104:14, 15 uye 1 Johani 4:9, 10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Zvipo zvipi zvaunonyanya kutenda kuti Jehovha akatipa?

  • Zvipo izvi zvinoita kuti unzwe sei nezvaJehovha?

Kana tikapiwa chipo chatinonyatsoda tinoratidza munhu wacho kuti tiri kutenda zvaatiitira. Verengai Dheuteronomi 16:17, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kana ukafunga zvese zvawakaitirwa naJehovha, unonzwa mwoyo wako uchida kumupawo chii?

5. Kuzvitsaurira kunounza makomborero

Vanhu vakawanda vanofunga kuti mukurumbira, basa rinobhadhara, kana kuti mari yakawanda ndizvo zvinoita kuti munhu afare. Ichokwadi here ichocho? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

  • Mutambi wenhabvu ari muvhidhiyo akasiyirei kutamba bhora iye airifarira zvakadaro?

  • Akasarudza kuzvitsaurira kuna Jehovha kwete kunhabvu. Unofunga kuti zvaakaita zvine musoro here? Nei uchidaro?

Muapostora Pauro aidzidzira basa rakanga rakakurumbira paakanga asati ava muKristu. Akanga akadzidziswa mutemo wechiJudha nemumwe mudzidzisi aiva nembiri. Asi akazvisiya zvese izvozvo kuti ave muKristu. Pauro akazozvidemba here? Verengai VaFiripi 3:8, mobva makurukura mibvunzo inotevera:

  • Nei Pauro akati zvese zvaaiita asati ava muKristu aizviona “semarara”?

  • Chii chaakawana panzvimbo pezvinhu izvozvo?

  • Ko iwe ungaenzanisa sei chero zvaungasarudza kuita neupenyu hwako, nekunamata Jehovha?

Zvakawanikwa naPauro paakava muKristu zvinopfuura nekure zvaakasiya

VAMWE VANOTI: “Kuzvipira kuna Mwari kweupenyu hwako hwese kusafunga.”

  • Unofunga kuti kutambisa nguva here kutsaurira upenyu hwako kuna Jehovha?

PFUPISO

Rudo ndirwo rwunoita kuti tizvitsaurire kuna Jehovha uye tibhabhatidzwe.

Kudzokorora

  • Nei Jehovha akakodzera kuti timude nemwoyo wese uye timunamate?

  • Jehovha anokomborera sei Zvapupu zvake zvakabhabhatidzwa?

  • Ungada kuzvitsaurira kuna Jehovha here?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ona kuti chii chakaita kuti imwe shasha yemitambo nemuimbi vasarudze kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha.

Vechidiki Vanobvunza Kuti—Ndichaitei Muupenyu—Zvavakamboita (6:54)

Ongorora zvimwe zvikonzero nei uchifanira kuzvitsaurira.

“Nei Uchifanira Kuzvitsaurira Kuna Jehovha?” (Nharireyomurindi, January 15, 2010)

Muvhidhiyo ino yemimhanzi, ona mufaro une vaya vanozvitsaurira kuna Jehovha.

Ndinozvipa Kwamuri (4:30)

Munyaya inoti “Kwemakore Ndaizvibvunza Kuti, ‘Tinomboraramirei?’” cherechedza kuti chii chakaita kuti mumwe mukadzi achinje zvaaikoshesa muupenyu.

“Bhaibheri Rinochinja Upenyu” (Nharireyomurindi, November 1, 2012)