Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 47

Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?

Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?

Pari zvino wadzidza zvakawanda nezvaJehovha kubva pakudzidza kwauri kuita Bhaibheri. Pamwe wakatochinja zvimwe zvinhu pamararamiro ako kuti aenderane nezvawakadzidza. Asi panogona kunge paine chimwe chinhu chiri kukutadzisa kuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa. Muchidzidzo chino tichakurukura zvinhu zvinowanzotadzisa vanhu kubhabhatidzwa uye kuti iwe ungazvikurira sei.

1. Unofanira kuziva zvakawanda sei kuti uzobhabhatidzwa?

Kuti ubhabhatidzwe, unofanira kuva “neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Izvi hazvirevi kuti unofanira kuziva kese kari muBhaibheri usati wabhabhatidzwa. VaKristu vanongoramba vachidzidza kunyange vava nemakore vabhabhatidzwa. (VaKorose 1:9, 10) Asi kuti ubhabhatidzwe unofanira kunge wava kunzwisisa dzidziso dzinokosha dzemuBhaibheri. Vakuru vemuungano vachakubatsira kuti uzive kuti, neruzivo rwawava narwo, wava kukodzera here kubhabhatidzwa.

2. Ndeapi mamwe matanho aunofanira kutora usati wabhabhatidzwa?

Usati wabhabhatidzwa, unofanira ‘kupfidza zvivi zvako uye kutendeuka.’ (Verengai Mabasa 3:19.) Izvi zvinoreva kuti unenge uchinzwa urombo nezvivi zvese zvawakaita, uchikumbira kuti Jehovha akuregerere. Unobva wasiyanawo zvachose nemararamiro ese akaipa, uine chinangwa chekurarama upenyu hunofadza Mwari. Unotangawo kuita zvese zvinoitwa neungano zvakadai sekupinda misangano uye kuzivisa mashoko akanaka semuparidzi asati abhabhatidzwa.

3. Nei usingafaniri kutya kubhabhatidzwa?

Vamwe vanotya kuti vanozotadza kuita zvavanenge vavimbisa Jehovha. Ichokwadi kuti unogona kumbokanganisa, sezvaingoitwawo nevamwe vanhu vainamata Mwari vanotaurwa muBhaibheri. Jehovha anoziva kuti vanhu vanomunamata vanombokanganisawo. (Verengai Pisarema 103:13, 14.) Anofara paunoita zvese zvaunogona kuti umufadze! Achakubatsira. Jehovha anototivimbisa kuti hapana chinogona “kutiparadzanisa nerudo” rwake.—Verengai VaRoma 8:38, 39.

WEDZERA KUONGORORA

Ona kuti kuwedzera kudzidza nezvaJehovha uye kubvuma rubatsiro rwake kunogona sei kukubatsira kukurira zvinhu zvinowanzotadzisa vanhu kubhabhatidzwa.

4. Wedzera kunyatsoziva Jehovha

Unofanira kuziva Jehovha zvakadini usati wabhabhatidzwa? Unofanira kumuziva zvekusvika pakumuda uye kuva nechido chekumufadza. Ngationei VHIDHIYO tione kuti vamwe vakadzidza Bhaibheri kwakasiyana-siyana pasi rese vakazviita sei, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Muvhidhiyo iyi, chii chakabatsira vanhu vakasiyana-siyana kuti vagadzirire kubhabhatidzwa?

Verengai VaRoma 12:2, mobva makurukura mibvunzo inotevera:

  • Pane zvimwe zvinodzidziswa neBhaibheri kana kuti zvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha zvausina chokwadi nazvo here?

  • Kana zviripo, woita sei nezvazvo?

5. Kurira zviri kukutadzisa kubhabhatidzwa

Munhu wese paanosarudza kuzvitsaurira obhabhatidzwa anosangana nematambudziko. Ngationei VHIDHIYO, tione mumwe akasangana nematambudziko tobva takurukura mibvunzo inotevera.

  • Muvhidhiyo iyi, Narangerel aifanira kukurira matambudziko api kuti akwanise kushumira Jehovha?

  • Kuda Jehovha kwakamubatsira sei kukurira matambudziko aya?

Verengai Zvirevo 29:25 uye 2 Timoti 1:7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Chii chingatipa ushingi hwekukurira zvipingamupinyi?

6. Vimba nerubatsiro rwaunopiwa naJehovha

Jehovha achakubatsira kuti umufadze. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.

  • Muvhidhiyo iyi, chii chaitadzisa mudzidzi uyu weBhaibheri kubhabhatidzwa?

  • Akadzidzei nezvaJehovha chakasimbisa kuvimba kwaaiita naye?

Verengai Isaya 41:10, 13, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Chii chingakupa chivimbo chekuti unogona kuzadzisa zvaunenge wavimbisa paunozvitsaurira?

7. Wedzera kutenda kwaunoita rudo rwaJehovha

Ukafungisisa madirwo aunoitwa naJehovha, zvichaita kuti ude kumutenda, zvoitawo kuti ude kumunamata nekusingaperi. Verengai Pisarema 40:5, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Chikomborero chipi chinobva kuna Jehovha chaunonyanya kutenda?

Muprofita Jeremiya aida Jehovha neshoko rake uye aiona chiri chikomborero chaicho kuzivikanwa nezita raJehovha. Akati: “Mashoko enyu . . . akaita kuti mwoyo wangu upembere uye ufare chaizvo, nekuti ndiri kushevedzwa nezita renyu, haiwa Jehovha Mwari.” (Jeremiya 15:16) Pindura mibvunzo iyi:

  • Nei chiri chikomborero chaicho kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha?

  • Unoda here kubhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha?

  • Pane chiri kukutadzisa kuzviita here?

  • Unofunga kuti unofanira kuitei kuti usvike pakubhabhatidzwa?

VAMWE VANOTI: “Kana ndikabhabhatidzwa ndinozozvigona here?”

  • Ndozvauri kufungawo here?

PFUPISO

Jehovha anogona kukubatsira kukurira chese chinenge chichikutadzisa kubhabhatidzwa.

Kudzokorora

  • Unofanira kuziva Bhaibheri zvakadini kuti uzobhabhatidzwa?

  • Ungafanira kuchinja chii pamararamiro ako kuti ukwanise kubhabhatidzwa?

  • Nei usingafaniri kutya kubhabhatidzwa?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ongorora kuti chii chinofanira kuita kuti usarudze kubhabhatidzwa.

“Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?” (Nharireyomurindi, March 2020)

Dzidza kuti ungakurira sei zvimwe zvipingamupinyi zvinogona kukutadzisa kubhabhatidzwa.

“Chii Chinonditadzisa Kubhabhatidzwa?” (Nharireyomurindi, March 2019)

Ona kuti mumwe murume akakurira sei zvipingamupinyi kuti akwanise kubhabhatidzwa.

‘Nei Uri Kunonoka Kubhabhatidzwa?’ (1:10)

Mumwe murume anonzi Ataa akatanga achizeza kubhabhatidzwa. Ona kuti chii chakazomupa ushingi hwekutora danho iri rinokosha.

Ndinokodzera Here Kuwana Makomborero Ese Aya? (7:21)