Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 48

Sarudza Shamwari Nekuchenjera

Sarudza Shamwari Nekuchenjera

Shamwari dzepedyo dzinoita kuti tifare kana zvinhu zvichitifambira zvakanaka, uye dzinotisimbisa kana takaomerwa. Asi Bhaibheri rinotiyambira kuti haasi munhu wese anogona kuva shamwari yakanaka. Saka tingasarudza sei shamwari dzakanaka? Ngationgororei mibvunzo inotevera.

1. Shamwari dzaunosarudza dzinogona kukubatsira kana kukukanganisa sei?

Tinowanzopedzisira tafanana nevanhu vatinoswera navo. Tinogona kufanana navo pakuita zvakanaka, kana kuti zvakaipa, tingava tichionana navo ivo pachavo kana kuti tichivaonera pamafoni. Sekutaura kunoita Bhaibheri, “munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvirevo 13:20) Shamwari dzinonamata Jehovha uye dzinomuda dzinogona kukubatsira kuramba uri pedyo naye uye kusarudza zvakanaka. Asi kana tiine shamwari dzepedyo dziri kunze kweungano tinogona kuendeswa kure naJehovha. Ndosaka Bhaibheri richitikurudzira kungwarira pakusarudza shamwari! Kana shamwari dzedu dzichida Mwari, dzinotibatsira uye isu tinodzibatsirawo. Tinokwanisa ‘kuramba tichikurudzirana uye tichivakana.’—1 VaTesaronika 5:11.

2. Jehovha anonzwa sei nemasarudziro aunoita shamwari?

Jehovha haangoshamwaridzani nemunhu wese wese. “Ishamwari yepedyo yevakarurama.” (Zvirevo 3:32) Jehovha anganzwa sei kana tichisarudza kutamba nevanhu vasingamudi? Zvingamurwadza zvikuru! (Verengai Jakobho 4:4.) Asi kana tikaramba kutamba nevanhu vakaipa toswedera pedyo naye uye nevanhu vanomuda, anofadzwa nesu uye anotisarudza seshamwari dzake.—Pisarema 15:1-4.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora kuti nei masarudziro atinoita shamwari achikosha, uye ona kuti ungaita sei kuti uwane shamwari dzinozokubatsira muupenyu.

3. Ngwarira shamwari dzakaipa

Vanhu vasingadi Mwari nemitemo yake ishamwari dzakaipa. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Zvingaitika sei kuti tishamwaridzane nevanhu vakaipa tisingatombozvifungi?

Verengai 1 VaKorinde 15:33, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Waungati ishamwari yakaipa munhu akaita sei? Nei uchidaro?

Verengai Pisarema 119:63, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Chii chinokuratidza kuti munhu uyu anogona kuva shamwari yakanaka?

Muchero wakaora unokanganisa yakanaka. Shamwari imwe chete yakaipa inogona kukukanganisa sei?

4. Vanhu vakasiyana nesu vanogona kuva shamwari dzakanaka

Bhaibheri rinotaura nezvevarume vaviri vechiIsraeri, vainzi Dhavhidhi naJonatani. Vaiva neushamwari hwakazonaka asi vakanga vari vemazera akasiyana uye vaibva kumhuri dzakasiyana zvachose. Verengai 1 Samueri 18:1, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Nei tisingafaniri kungotsvaga shamwari dzezera redu kana kuti dzine mawaniro akafanana needu chete?

Verengai VaRoma 1:11, 12, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Shamwari dzinoda Jehovha dzinokurudzirana sei?

Muvhidhiyo iyi, ona kuti imwe hama yechidiki yakawana sei shamwari yakanaka. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.

  • Muvhidhiyo iyi, nei vabereki vaAkil vaimutyira panyaya yeshamwari dzake dzekuchikoro?

  • Pakutanga, chii chaaiona pashamwari dzake chaaifarira?

  • Akazokurira sei kusurukirwa kwaaiita?

5. Mawaniro aungaita shamwari dzakanaka

Dzidza zvaungaita kuti uwane shamwari dzechokwadi, uye kuti iwewo uve shamwari yakanaka. Ngationei VHIDHIYO.

Verengai Zvirevo 18:24 uye 27:17, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Shamwari dzechokwadi dzinobatsirana sei?

  • Une shamwari dzakadaro here? Kana usina, ungadziwana sei?

Verengai VaFiripi 2:4, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kuti uwane shamwari dzakanaka, iwe wacho unofanira kuva shamwari yakanaka. Ungazviita sei?

Kuti uwane shamwari dzakanaka, iwe wacho unofanira kuva shamwari yakanaka

VAMWE VANOTI: “Haungatsvage zvakawanda iwe watombowana shamwari yacho.”

  • Ko iwe unotiwo chii?

PFUPISO

Kana tichisarudza shamwari nekuchenjera, tinofadza Jehovha uye zvinotibatsirawo isu.

Kudzokorora

  • Nei Jehovha aine basa nemasarudziro atinoita shamwari?

  • Tinofanira kusiyana neshamwari dzakaita sei?

  • Ungaite sei kuti uve neushamwari hwakasimba nevanhu kwavo?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ona kuti shamwari dzechokwadi dzinogona sei kutibatsira patinowirwa nemiedzo.

“Ivai Neushamwari Hwakasimba Mugumo Usati Wasvika” (Nharireyomurindi, November 2019)

Chii chaunofanira kuziva nezveshamwari dzepaIndaneti?

Chenjerera Pakushandisa Social-Network (4:12)

Verenga nyaya inoti, “Ndaiti Dai Ndiina Baba,” uone kuti mumwe murume akazoona sei kuti aifanira kuchinja shamwari dzake.

“Bhaibheri Rinochinja Upenyu” (Nharireyomurindi, April 1, 2012)