Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 51

Ungaita Sei Kuti Matauriro Ako Afadze Jehovha?

Ungaita Sei Kuti Matauriro Ako Afadze Jehovha?

Jehovha paakatisika, akatipa chipo chakazonaka, chipo chekukwanisa kutaura. Ane basa nemashandisiro atinoita chipo ichocho here? Haangambotadzi! (Verengai Jakobho 1:26.) Saka tingashandisa sei chipo ichi chekutaura nenzira inofadza Jehovha?

1. Tinofanira kushandisa sei chipo chekutaura?

Bhaibheri rinotiudza kuti, “rambai muchikurudzirana uye muchivakana.” (1 VaTesaronika 5:11) Pane vamwe vaunogona kufunga nezvavo vanoda kukurudzirwa here? Ungaita sei kuti uvanyaradze? Ita kuti vazive kuti unovada. Pamwe unogona kuvaudza chimwe chinhu chakanaka chavanoita chaunoyemura. Pane rugwaro rwaungafunga nezvarwo rungakurudzira mumwe munhu waunoziva here? Pane akawanda aunogona kushandisa. Yeukawo kuti matauriro aunoita mashoko acho anokoshawo. Saka edza kutaura zvakanaka, neunyoro.—Zvirevo 15:1.

2. Tinofanira kusiyana nematauriro akaita sei?

Bhaibheri rinoti: “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu.” (Verengai VaEfeso 4:29.) Izvi zvinoreva kuti hatitauri mashoko ekuti vanhu vanoshaya pekutarisa, kana kutaura magaramwoyo, kana zvimwe zvekurwadzisa vamwe. Tinofanirawo kusiyana nemakuhwa kana kutaura zvinosvibisa mazita evamwe.—Verengai Zvirevo 16:28.

3. Chii chingatibatsira kutaura zvinovaka?

Kazhinji zvinhu zvatinotaura zvinoratidza zviri mumwoyo medu uye zviri kutiremera mupfungwa. (Ruka 6:45) Saka tinofanira kudzidza kuisa pfungwa dzedu pazvinhu zvakanaka, zvakachena, zvinodiwa, uye zvinorumbidzwa. (VaFiripi 4:8) Kuti pfungwa dzedu dzigare dziri pazvinhu zvakadaro tinofanira kungwarira pakusarudza zvinotivaraidza uye shamwari. (Zvirevo 13:20) Tinofanirawo kutanga tafunga tisati tataura. Funga kuti mashoko ako achaita kuti vamwe vanzwe sei. Bhaibheri rinoti: “Mashoko anotaurwa asina kufungwa anobaya sebakatwa, asi rurimi rweakachenjera runoporesa.”Zvirevo 12:18.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza kuti ungataure sei zvinofadza Jehovha uye zvinokurudzira vamwe.

4. Bata muromo wako

Tese tinombotaura zvinhu zvatinozodemba. (Jakobho 3:2) Verengai VaGaratiya 5:22, 23, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Pazvibereko zvataurwa apa ndechipi chaungada kunyengeterera kuti chikubatsire kudzora muromo wako? Zvibereko izvi zvingakubatsira sei?

Verengai 1 VaKorinde 15:33, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Unofunga kuti shamwari dzaunosarudza kana kuti zvinokuvaraidza zvinobatana papi nematauriro aunoita?

Verengai Muparidzi 3:1, 7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Ndepapi pazvakanaka kuti tirambe takanyarara kana kuti timbomira kutaura imwe nyaya kusvikira tawana nguva yakakodzera?

5. Taura zvakanaka nezvevamwe

Tingaita sei kuti tisataura zvinogumbura kana kutaura zvakaipa nezvevamwe? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.

  • Muvhidhiyo iyi, nei hama iyi yakaona kuti yaifanira kuchinja matauriro ayaiita nezvevamwe?

  • Akaita sei kuti achinje?

Verengai Muparidzi 7:16, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Chii chatinofanira kuyeuka kana tikaona tava kuda kutaura zvakaipa nezvemumwe munhu?

Verengai Muparidzi 7:21, 22, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Mavhesi aya angakubatsira sei kuti usakurumidza kugumbuka kana mumwe munhu akataura zvakaipa nezvako?

6. Taura nevamwe zvakanaka mumhuri

Patinenge tichitaura nevamwe mumhuri, Jehovha anoda kuti titaure zvakanaka, zvinoratidza rudo. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Chii chichakubatsira kuti utaure zvakanaka nevamwe mumhuri?

Verengai VaEfeso 4:31, 32, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Matauriro akaita sei anovaka mhuri?

Jehovha akaita kuti Mwanakomana wake, Jesu, azive kuti anodiwa. Verengai Mateu 17:5, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Ungatevedzera sei Jehovha pamatauriro aunoita nevamwe mumhuri?

Tsvaga mikana yekurumbidza vamwe

VAMWE VANOTI: “Ini ndinotaura chokwadi sezvachiri. Zvekuti vanhu vanozvitora sei hazvinei neni izvo.”

  • Unobvumirana nazvo here? Nei uchidaro?

PFUPISO

Zvatinotaura zvine simba. Tinofanira kutanga tanyatsofunga zvatinotaura, matauriro atinozviita, uye kuti tinozvitaura papi.

Kudzokorora

  • Ndedzipi dzimwe nzira dzatingashandisa nadzo chipo chekutaura kuti tibatsire vamwe?

  • Matauriro erudzii ausingafaniri kuita?

  • Tingaite sei kuti tigare tichitaura zvakanaka uye zvinovaka?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Tingaita sei kuti titaure zvakanaka?

Iva Nerurimi Rwevakachenjera (8:04)

Dzidza zvaungaita kuti usashandise mashoko akaora.

“Zvine Basa Here Kutaura Mashoko Akaora?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ona kuti ungaite sei kuti usapedzisira wava kuita makuhwa.

Zvii Zvandingaita Kuti Ndirege Kuita Makuhwa? (2:36)

Verenga nezvekuti Jehovha akabatsira sei mumwe murume aiva nedambudziko rekushandisa mashoko anonyadzisa nezvituko.

“Ndakatanga Kunyatsofunga Kuti Upenyu Hwangu Hwainge Hwakananga Kupi” (Nharireyomurindi, August 1, 2013)