Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 52

Nei Mapfekero Edu Nekuratidzika Kwedu Zvichikosha?

Nei Mapfekero Edu Nekuratidzika Kwedu Zvichikosha?

Tese tine mapfekero atinofarira. Kana tikatevedzera mazano mashomanana ari muBhaibheri, tinogona kuratidzika sezvatinoda uye zvatinofarira uku tichifadza Jehovha. Ngatikurukurei mamwe mazano acho.

1. Ipfungwa dzipi dziri muBhaibheri dzinogona kutibatsira kusarudza panyaya yemapfekero nekuratidzika kwedu?

Tinofanira kusarudza “zvipfeko zvine mutsigo, zvinoratidza kuva nemwero uye pfungwa dzakanaka,” uye kugara takachena zvinoratidza kuti tiri vanhu “vanozvipira kuna Mwari.” (1 Timoti 2:9, 10) Ngationei zvinhu zvina zvinotaurwa neBhaibheri: (1) Zvipfeko zvedu zvinofanira kuva “zvine mutsigo.” Sezvawakacherechedza pamisangano yechiKristu, vanhu vaJehovha vanofarira kupfeka zvakasiyana-siyana, asi mapfekero edu nemagadzirirwo atinoita bvudzi anoratidza kuti tinoremekedza Mwari watinonamata. (2) Kupfeka “zvinoratidza kuva nemwero” kunoreva kuti hatidi kupfeka zvinosiya vanhu vachifunga nezvebonde kana kuti zvekuti maziso ese anenge achingova patiri. (3) Tinoratidza kuti tine “pfungwa dzakanaka” kana tisingatevedzere mapfekero ese anenge angopinda mufashoni. (4) Zvinofanira kuoneka kune vaya vanotiona kuti tiri vanhu “vakazvipira kuna Mwari,” vanonamata Mwari wechokwadi.—1 VaKorinde 10:31.

2. Nei tichifanira kufunga nezvevamwe vedu vatinonamata navo patinosarudza zvekupfeka?

Kunyange zvazvo takasununguka kusarudza zvatinoda kupfeka, tinofanira kufunga kuti kana vamwe vachitiona vachanzwawo sei. Tinoedza zvese zvatinogona kuti tisakanganisa kutenda kwevamwe, asi kuti ‘tifadze muvakidzani wedu muzvinhu zvakanaka, timuvake.’—Verengai VaRoma 15:1, 2.

3. Mapfekero edu anogona sei kuita kuti vamwe vade kunamata Jehovha?

Tinoedza kupfeka zvine mutsigo nguva dzese, asi kunyanya paya patinenge tiri kumisangano nepatinenge tichiparidza. Hatidi kushoresa shoko rinokosha ratiri kuendesera vanhu. Tinotoda kuti mapfekero edu aite kuti chokwadi chifarirwe nevamwe, zvoita “kuti dzidziso yeMuponesi wedu . . . ioneke kunaka kwayo.”Tito 2:10.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza kuti tingaita sei kuti mapfekero edu uye kuratidzika kwedu zviratidze kuti tiri vaKristu.

Mapfekero edu anogona kuratidza kana tichiremekedza vanhu vane masimba. Kunyange zvazvo Jehovha achiona zviri mumwoyo medu, mapfekero edu anofanirawo kuratidza kuti tinomuremekedza

4. Kupfeka zvakanaka kunoratidza kuti tinoremekedza Jehovha

Ndechipi chikonzero chikuru chinoita kuti tingwarire mapfekero edu? Verengai Pisarema 47:2, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Kuziva kuti tiri kumiririra Jehovha kunofanira kuita kuti tipfeke sei?

  • Unofunga kuti zvine basa here kuti tingwarire mapfekero edu patinoenda kumisangano kana kuti kunoparidza? Nei uchidaro?

5. Masarudziro aungaite zvekupfeka uye kuti woratidzika sei

Ngationei VHIDHIYO.

Hembe dzedu dzingava dzichidhura kana kuti dzisingadhure, dzinofanira kunge dzakachena uye dzichienderana nezvatinenge tichiita panguva yacho. Verengai 1 VaKorinde 10:24 uye 1 Timoti 2:9, 10, mobva makurukura kuti nei tisingafaniri kupfeka . . .

  • zveuyanga kana kuti zvachero.

  • zvakati mbambamba, zvinosiya muviri uchionekera, kana zvinokwezva vanhu kuti vafunge zvisizvo.

Kunyange zvazvo vaKristu vasiri pasi peMutemo waMozisi, mutemo uyu unotibatsira kuziva mafungiro aJehovha. Verengai Dheuteronomi 22:5, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Nei tisingafaniri kupfeka zvinoita kuti varume vaite sevakadzi uye vakadzi vaite sevarume?

Verengai 1 VaKorinde 10:32, 33 uye 1 Johani 2:15, 16, mobva makurukura mibvunzo iyi:

  • Nei tichifanira kungwarira kuti mapfekero edu asakanganise vamwe vari munharaunda yatinogara kana kuti muungano?

  • Vanhu vanowanzopfeka sei kwaunogara?

  • Unofunga kuti zvimwe zvitayera zvacho hazviiti kuvaKristu here? Nei uchidaro?

Tinogona kupfeka zvakasiyana-siyana asi tichifadza Jehovha

VAMWE VANOTI: “Munhu haarambidzwi kupfeka zvaanoda.”

  • Iwe unotiwo kudii? Nei uchidaro?

PFUPISO

Kana tichisarudza kupfeka zvakanaka tinenge tichiratidza kuti tinoremekedza Jehovha uye tinoremekedzawo vamwe.

Kudzokorora

  • Nei Jehovha aine basa nekuti tinoratidzika sei uye tinopfeka sei?

  • Ndedzipi dzimwe pfungwa dziri muBhaibheri dzingatibatsira panyaya yezvatinosarudza kupfeka?

  • Mapfekero edu anogona kuita kuti vanhu vaone sei kunamata kwedu?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ona kuti zvipfeko zvako zvinogona kuudza vanhu kutii nezvako.

““Ndinoratidzika Sei?” (Nyaya iri paIndaneti)

Dzidza kuti zvakanakirei kutanga wafunga usati wanyorwa-nyorwa muviri wako.

“Matattoo—Bhaibheri Rinoti Chii Nezvawo?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ongorora zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kutibatsira pakusarudza mapfekero.

“Mapfekero Ako Anoita Kuti Mwari Akudzwe Here?” (Nharireyomurindi, September 2016)

Mumwe mukadzi akasvika sei pakunzwisisa kuti vamwe vanofarirawo kupfeka zvakasiyana nezvaakajaira iye?

“Ndaigumburwa Nyorenyore Nemapfekero Evamwe” (Awake!, December 22, 2003)