Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 53

Zvivaraidze Nezvinhu Zvinofadza Jehovha

Zvivaraidze Nezvinhu Zvinofadza Jehovha

Jehovha ‘ndiMwari anofara.’ (1 Timoti 1:11) Anoda kuti tifare uye tinakidzwe neupenyu. Anofara paanoona tichimbovawo nenguva yatinenge takazorora pabasa tichifara zvedu. Muchidzidzo chino, tichaona kuti tingashandisa sei nguva yedu yekumbozorora nenzira inoita kuti tifare uye tigutsikane uku tichifadzawo Jehovha.

1. Tinofanira kuyeukei patinosarudza zvinotivaraidza?

Unowanzofarira kuitei paunenge wakazorora? Vamwe vanoda kungova pamba zvavo vari vega, vachiverenga mabhuku, kuteerera mimhanzi, kuona mafirimu, kana kutsvaga zvinhu paIndaneti. Vamwewo vanoda kuita zvinhu zvakadai sekuenda kune dzimwe nzvimbo neshamwari, kana kutamba mimwe mitambo. Pasinei nekuti tinofarira zvipi, tinofanira kusarudza kuvaraidzwa nezvinhu “zvinogamuchirika kunaShe.” (VaEfeso 5:10) Izvi zvinokosha kuti tizvinzwisise nekuti zvinhu zvakawanda zviri kuvaraidza vanhu mazuva ano ndezviya zvinovengwa naJehovha, zvakadai senyaya dzekurwisana, upombwe, nezvechidhimoni. (Verengai Pisarema 11:5.) Tingaite sei kuti tisarudze zvakanaka panyaya yekuzvivaraidza?

Kana tikasarudza shamwari dzinoda Jehovha, zvichaita kuti tive vanhu vakanaka uye tisarudze zvinotivaraidza nekuchenjera. Sezvatakatodzidza mune chimwe chidzidzo, “munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.” Asiwo tikagara tichishamwaridzana nevanhu vasingadi mitemo yaMwari ‘zvichatiipira.’—Zvirevo 13:20.

2. Nei zvichikosha kuti tingwarire nguva yatinopedzera pakuzvivaraidza?

Kunyange kana zvinotivaraidza zvakanaka, tinoda kungwarira kuti tisapedze nguva yakawandisa tiri pazviri. Tikadaro tinopedzisira tisisina nguva yekuita zvinhu zvinonyatsokosha. Bhaibheri rinotikurudzira kushandisa nguva yedu “nekuchenjera.”—Verengai VaEfeso 5:15, 16.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza kuti ungasarudza sei zvinokuvaraidza nekuchenjera.

3. Usavaraidzwa nezvinhu zvakaipa

Nei tichifanira kungwarira pakusarudza zvinotivaraidza? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

  • Zvaiitwa mumitambo yekare zvakafanana papi nezvinhu zvinovaraidza vanhu mazuva ano?

  • Muvhidhiyo iyi, Danny akadzidzei nezvenyaya yekuzvivaraidza?

Verengai VaRoma 12:9, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Zviri kutaurwa nevhesi iyi zvingakubatsira sei pakusarudza zvinokuvaraidza?

Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinovengwa naJehovha? Verengai Zvirevo 6:16, 17 uye VaGaratiya 5:19-21. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Ndezvipi zvataurwa mumavhesi aya zvakazara muzvinhu zvinovaraidza vanhu mazuva ano?

 Masarudziro aungaita zvinhu zvinokuvaraidza nekuchenjera

Zvibvunze kuti:

  • Chii? Zvinosanganisira chimwe chinhu chisingafadzi Jehovha here?

  • Riini? Ndiri kuzviita panguva yandinofanira kuita zvimwe zvinhu zvinokosha here?

  • Naani? Zvinoita kuti ndigare ndichishamwaridzana nevanhu vasingadi Jehovha here?

Zvinenge zvakanaka kuti tisatambire kune ngozi. Saka tikangofungira kuti chimwe chinhu chiri kutivaraidza chinogona kupinza ushamwari hwedu naMwari pangozi, ngatisudurukei pachiri

4. Shandisa nguva yako nekuchenjera

Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

  • Kunyange zvazvo hama iri muvhidhiyo iyi yakanga isingaone zvinhu zvakaipa, mashandisiro aaiita nguva yaainge asiri pabasa aimukanganisa sei?

Verengai VaFiripi 1:10, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Rugwaro urwu runotibatsira sei pakusarudza kuti totora nguva yakadii tichizvivaraidza?

5. Sarudza zvekuzvivaraidza nazvo zvisingakukuvadzi

Kunyange zvazvo zvimwe zvinhu zvinovaraidza vanhu zvisingafadzi Jehovha, kune zvakawanda zvinonakidza zvisingamugumburi. Verengai Muparidzi 8:15 uye VaFiripi 4:8, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Unowanzofarira kuvaraidzwa nezvinhu zvipi zvakanaka?

Kune zvinhu zvakanaka zvekuzvivaraidza nazvo

VAMWE VANOTI: “Hapana chakaipa nekuvaraidzwa nenyaya dzekurwa, dzeupombwe, kana kuti dzechidhimoni, chero ini pachangu ndisiri kuzviita.”

  • Iwe unotiwo chii?

PFUPISO

Jehovha anoda kuti tisarudze kuzvivaraidza nezvinhu zvakanaka uye tinakidzwe nazvo.

Kudzokorora

  • VaKristu havafaniri kuvaraidzwa nezvinhu zvakaita sezvipi?

  • Nei tichifanira kungwarira nguva yatinopedzera pakuzvivaraidza?

  • Nei uchida kusarudza zvekuzvivaraidza nazvo zvinofadza Jehovha?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ona kuti ungasarudza sei nekuchenjera panyaya yekuzvivaraidza nekumbotandara.

“Zvaunovaraidzwa Nazvo Zvinobatsira Here?” (Nharireyomurindi, October 15, 2011)

Munyaya inoti “Ndakarega Kunyange Kusarura Kwandaiita Vamwe Vanhu,” ona chakaita kuti mumwe murume achinje zvinhu zvaaizvivaraidza nazvo.

“Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu” (Nharireyomurindi, February 1, 2010)

Ona kuti vamwe amai vakangwarira sei pakusarudza zvekuzvivaraidza nazvo zvisina chidhimoni.

Usazvivaraidza Nenyaya Dzine Chidhimoni (2:02)