Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 54

“Muranda Akatendeka, Akangwara” Anoita Basa Rei?

“Muranda Akatendeka, Akangwara” Anoita Basa Rei?

Jesu ndiye Musoro weungano yechiKristu. (VaEfeso 5:23) Iye zvino ari kutungamirira vateveri vake vari pasi pano ari kudenga achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Verengai Mateu 24:45.) “Muranda” wacho akagadzwa naJesu pachake, saka ane masimba aainawo, asi anoramba ari muranda waKristu, achishumira hama dzaKristu. Muranda iyeye ndiani? Anotibatsira sei?

1. “Ndiani muranda akatendeka, akangwara”?

Kubvira kare, Jehovha agara aine munhu kana kuti boka revanhu raanoshandisa kutungamirira vanhu vake. (Maraki 2:7; VaHebheru 1:1) Pashure perufu rwaJesu, vaapostora nevakuru vaiva muJerusarema ndivo vakanga vava kutungamirira. (Mabasa 15:2) Izvozvo ndizvo zviri kuitwawo mazuva ano. Kune vakuru vashomanana vanoshanda seDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha vachipa vanhu zvekudya zvinovasimbisa pakunamata uye vachitungamirira pabasa rekuparidza. Dare iroro ndiro “muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa” naJesu. (Mateu 24:45a) Vese vari muDare Rinotungamirira vaKristu vakazodzwa nemweya, uye vanotarisira kuzobatana naKristu muUmambo hwake hwekudenga kana upenyu hwavo hwepasi pano hwaguma.

2. Muranda akatendeka anopa vanhu zvekudya zvakaita sei?

Jesu akati muranda akatendeka aizopa vamwe vaKristu “zvekudya zvavo panguva yakakodzera.” (Mateu 24:45b) Sezvo zvinhu zvatinodya zvichitipa simba neutano, dzidziso dzinobva muShoko raMwari kana kuti zvekudya zvemweya, zvinotipa simba rekuramba takavimbika kuna Jehovha, tichiita basa ratakapiwa naJesu. (1 Timoti 4:6) Tinowana zvekudya izvozvo pamisangano, magungano, zvese nemumabhuku anotsanangura Bhaibheri uye mavhidhiyo anotibatsira kunzwisisa kuda kwaMwari nekusimbisa ushamwari hwedu naye.

WEDZERA KUONGORORA

Ona kubatsirwa kwatinoitwa nekuva ‘nemuranda akatendeka, akangwara’ kana kuti Dare Rinotungamirira.

Dare Rinotungamirira rinopa Zvapupu zvaJehovha pasi rese zvekudya zvinosimbisa pakunamata, rinotitungamirira uye rinotibatsira nenzira dzakasiyana-siyana

3. Vanhu vaJehovha vanofanira kunge vakarongeka

Dare Rinotungamirira rinoshandiswa naJesu pakuronga basa reZvapupu zvaJehovha. Ndizvo zvazvakanga zvakaitawo pakatanga chiKristu. Ngationei VHIDHIYO.

Verengai 1 VaKorinde 14:33, 40, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Magwaro aya anoratidza sei kuti Jehovha anoda kuti Zvapupu zvake zvinge zvakarongeka?

4. Muranda akatendeka anoronga basa redu rekuparidza

Kuparidza ndiro basa rinokosha kupfuura ese aiitwa nevaKristu vekutanga. Verengai Mabasa 8:14, 25, mobva makurukura mibvunzo inotevera:

  • Makore akatanga chiKristu, ndiani aitungamirira basa rekuparidza?

  • Petro naJohani vakaita sei pavakaudzwa zvekuita nevamwe vaapostora?

Kuparidza ndiro basa rinokosha kupfuura ese anorongwa neDare Rinotungamirira. Ngationei VHIDHIYO.

Jesu akasimbisa kuti basa rekuparidza rakakosha zvikuru. Verengai Mako 13:10, mobva makurukura mibvunzo inotevera:

  • Chii chinoita kuti Dare Rinotungamirira rikoshese basa rekuparidza?

  • Nei tichida kuti “muranda akatendeka, akangwara,” aronge basa iri?

5. Muranda akatendeka anotungamirira

Dare Rinotungamirira ndiro rinosarudza zvinofanira kuitwa neungano yechiKristu pasi rese. Rinosarudza sei zvinenge zvichifanira kuitwa? Ngationei kuti dare raitungamirira pakatanga chiKristu raizviita sei. Verengai Mabasa 15:1, 2, mobva makurukura mibvunzo inotevera:

  • Inyaya ipi yakanga yava kupesanisa vaKristu vekutanga?

  • Pauro, Bhanabhasi, nevamwe vakaenda kupi nenyaya yacho kuti igadziriswe?

Verengai Mabasa 15:12-18, 23-29, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Dare raitungamirira vaKristu vekutanga raiita sei kuti rizive kuti Mwari anotii risati rasarudza zvekuita?—Ona mavhesi 1215, uye 28.

Verengai Mabasa 15:30, 31 uye 16:4, 5, mobva makurukura mibvunzo iyi:

  • VaKristu vekutanga vakaita sei pavakaudzwa zvekuita nedare raitungamirira?

  • Jehovha akakomborera sei kuteerera kwavakaita?

Verengai 2 Timoti 3:16 uye Jakobho 1:5, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Ko mazuva ano, kana Dare Rinotungamirira richida kuziva zvekuita rinotsvaga kupi mazano?

VAMWE VANOTI: “Kana uchiteerera Dare Rinotungamirira uri kungotevera vanhu.”

  • Chii chinokuratidza kuti Jesu ndiye ari kutungamirira Dare Rinotungamirira?

PFUPISO

Dare Rinotungamirira ndiro “muranda akatendeka, akangwara” akagadzwa naKristu. Rinotungamirira vaKristu vari pasi rese richivapa zvekudya zvinovasimbisa pakunamata.

Kudzokorora

  • Ndiani akagadza “muranda akatendeka, akangwara”?

  • Dare Rinotungamirira rinotibatsira sei?

  • Unotenda here kuti Dare Rinotungamirira ndiro “muranda akatendeka, akangwara”?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ona kuti Dare Rinotungamirira rakarongwa sei kuti riite basa raro.

“Chii Chinonzi Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha?” (Nyaya iri paIndaneti)

Dzidza kuti Dare Rinotungamirira rinoita sei kuti rive nechokwadi chekuti tinowana mashoko echokwadi parinogadzira zvekudya zvinotisimbisa pakunamata.

Kubudisa Mabhuku Anotaura Zvakarurama (17:18)

Vari muDare Rinotungamirira vanonzwa sei nezvebasa ravakapiwa naJesu?

Ropafadzo Inokosha (7:04)

Misangano yedu nemagungano zvinoratidza sei kuti Jehovha ari kutungamirira Dare Rinotungamirira?

Jehovha Ari Kudzidzisa Vanhu Vake (9:39)