Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 57

Ko Kana Ukazoita Chivi Chakakura?

Ko Kana Ukazoita Chivi Chakakura?

Kunyange zvazvo uchida Jehovha zvakadzama uye uchiedza zvese zvaunogona kuti usamurwadzisa, pane pauchatombokanganisa. Asi zvimwe zvitadzo zvakakura kupfuura zvimwe. (1 VaKorinde 6:9, 10) Kana ukaita chivi chakakura, yeuka kuti Jehovha achiri kukuda uye akagadzirira kukukanganwira uye kukubatsira.

1. Tinofanira kuita sei kuti tikanganwirwe naJehovha?

Vanhu vanoda Jehovha vanosuruvara zvikuru pavanoziva kuti vaita chivi chakakura. Asi vanonyaradzwa nezvakataurwa naJehovha kuvanhu vake achiti: “Kunyange zvazvo zvivi zvenyu zvakatsvuka kuti piriviri, zvichacheneswa sechando.” (Isaya 1:18) Kana tikanyatsoratidza kuti tiri kurwadziwa nezvataita, Jehovha achatikanganwira zvakakwana. Tinoratidza sei kuti tiri kurwadziwa nezvatinenge taita? Tinoratidza kuzvidemba, tobva tasiyana nekuita zvakaipa uye tokumbira Jehovha kuti atiregerere. Tinoita zvese zvatinogona kuti tisafunge kana kuita zvinhu zvinozoita kuti tipedzisire taita chivi, uye tinoedza kurarama tichitevedzera mitemo yaJehovha yakanaka.—Verengai Isaya 55:6, 7.

2. Jehovha anoshandisa sei vakuru kutibatsira patinenge taita chivi?

Jehovha anotiudza kuti kana munhu akaita chivi chakakura “ngaashevedze vakuru veungano.” (Verengai Jakobho 5:14, 15.) Varume ava vakagadzwa vanoda Jehovha nemakwai ake. Vanokwanisa kutibatsira kugadzirisa ushamwari hwedu naJehovha kana hwakanganisika.—VaGaratiya 6:1.

Vakuru vanotibatsira sei kana taita chivi chakakura? Vakuru vaviri kana vatatu vachatibatsira nemazano ari muBhaibheri. Vachatikurudzirawo, votiudza zvatingaita kuti tisazotadzazve. Vanogona kutiudza kuti timbomira kuita mamwe mabasa echiKristu kusvikira ushamwari hwedu naJehovha hwanyatsodzokera pahwaive. Kuti vachengetedze ungano pavanhu vanoita zvakaipa vachiziva havo, vakuru vanodzinga muungano munhu anoita chivi chakakura oratidza kuti hapana chaari kuona chakaipa.

WEDZERA KUONGORORA

Wedzera kunzwisisa uye kukoshesa kwaunoita nzira dzinoshandiswa naJehovha kutibatsira kana taita chivi chakakura.

3. Kureurura kunotibatsira kugadzirisa ushamwari hwedu naJehovha

Pese patinoita chivi tinenge tichitadzira Jehovha, saka zvakakodzera kuti tireurure kwaari. Verengai Pisarema 32:1-5, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Zvakanakirei kuti tireurure zvivi zvedu kuna Jehovha panzvimbo pekuedza kuzvivanza?

Kana tareurura zvivi zvedu kuna Jehovha, tinofanira kuzoudza vakuru kuti tibatsirwe, torerukirwa. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Muvhidhiyo iyi, vakuru vakabatsira sei Canon kuti adzoke kuna Jehovha?

Tinofanira kuudza vakuru chokwadi chese; varipo kutibatsira. Verengai Jakobho 5:16, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Zvakanakirei kuti tiudze vakuru chokwadi chese pavanenge vachida kutibatsira?

Reurura chivi chako, taurira vakuru chokwadi, uye bvuma kubatsirwa naJehovha nerudo

4. Kudzingwa kwemunhu muungano kunobatsira sei?

Kana munhu aita chivi chakakura, obva aramba kutevedzera mitemo yaJehovha, haagoni kusiyiwa ari muungano. Anodzingwa, tobva tarega kushamwaridzana naye, kunyange kutaura naye. Verengai 1 VaKorinde 5:6, 11 uye 2 Johani 9-11, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Kushamwaridzana nemutadzi asiri kuda kuchinja nzira dzake kunokanganisa sei ungano sekuvirisa kunoita mbiriso mukanyiwa wekubikisa chingwa?

Vakawanda vakambodzingwa vakazodzoka kuungano nekuti chirango chacho chavakapihwa chakaita kuti vaone kuti zvavakaita zvakaipa, vakabva vapengenuka. (Pisarema 141:5) Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

VHIDHIYO: Tsigira Zvinotaurwa naJehovha Wakavimbika (9:28)

  • Muvhidhiyo iyi, kudzingwa kwakaitwa Sonja kwakamubatsira sei?

Urongwa hwekudzinga mutadzi . . .

  • hunokudza sei zita raJehovha?

  • hunoratidza sei kuti Jehovha anonzwisisa uye ane rudo?

5. Jehovha anotiregerera kana tikasiya zvivi zvedu

Jesu akashandisa mufananidzo unotibatsira kunzwisisa kuti Jehovha anonzwa sei kana tikaratidza kuti tiri kurwadziwa nezvatakaita. Verengai Ruka 15:1-7, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Izvi zvinokudzidzisei nezvaJehovha?

Verengai Ezekieri 33:11, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Kupfidza chivi kunoreva kuita sei?

Jehovha ane hanya nemakwai ake sezvinoita mufudzi

VAMWE VANOTI: “Ndiri kutya kuudza vakuru nezvechivi changu nekuti vanozondidzinga.”

  • Ungati chii kumunhu anofunga saizvozvo?

PFUPISO

Kana taita chivi chakakura asi tichinzwa urombo nezvataita uye tiine chido chekusiya zvakaipa, Jehovha achatiregerera.

Kudzokorora

  • Zvakanakirei kuti tireurure zvivi zvedu kuna Jehovha?

  • Tinofanira kuita sei kuti zvivi zvedu zviregererwe?

  • Nei tichifanira kukumbira vakuru kuti vatibatsire kana taita chivi chakakura?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ona mumwe murume akasvika pakuona kuti Jehovha ane tsitsi sekutsanangurwa kunoitwa pana Isaya 1:18.

Ziva Kuti Jehovha Ane Ngoni (5:02)

Urongwa hwekudzingwa kwemutadzi hunobatsira sei munhu wacho adzingwa uye ungano?

“Nei Kudzinga Mutadzi Kuri Kuratidza Rudo?” (Nharireyomurindi, April 15, 2015)

Dzidza kuti ungatsanangurira sei munhu asiri Chapupu nezveurongwa hwekudzingwa kwemutadzi.

“Zvapupu zvaJehovha Zvinovenga Here Vanhu Vanenge Vasingachanamati Navo?” (Nyaya iri paIndaneti)

Munyaya yakanzi, “Ndaida Kudzoka Kuna Jehovha,” verenga kuti nei mumwe murume akambosiya chokwadi akazoona sekuti Jehovha aimukwevera kwaari kuti adzoke.

“Bhaibheri Rinochinja Upenyu” (Nharireyomurindi, April 1, 2012)