Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 58

Ramba Uchitsigira Jehovha

Ramba Uchitsigira Jehovha

Chido chevaKristu ndechekuti vasatombosiya chimwe chinhu chichikanganisa kunamata kwavo Jehovha. Hapana mubvunzo kuti ndicho chido chauinachowo. Jehovha anofara kana ukaramba uchimutsigira. (Verengai 1 Makoronike 28:9.) Pane mamwe mamiriro ezvinhu anogona kukuisa pamuedzo wekusiya Jehovha. Ungaita sei kana ukasangana nemamiriro ezvinhu akadaro?

1. Vamwe vanogona kukuedza sei kuti usiye Jehovha?

Vamwe vanhu vanogona kutiedza vachida kuti tisiye kushumira Jehovha. Vangava vanhu vapi ivavo? Kune vamwe vakasiya chokwadi vanotaura mashoko ekunyepa nezvesangano raMwari vachida kuti vaparadze kutenda kwedu. Vanhu ivavo vakapandukira sangano raJehovha. Kwozoitawo vamwe vatungamiriri vemachechi vanoparadzira mashoko enhema nezvedu vachida kuti vaya vanenge vasina kungwarira vasiye chokwadi. Kana tikaedza kuitisana nharo navo, kuverenga mabhuku avo, kana kutaura navo panzvimbo dzavo dzepaIndaneti, kana kuona mavhidhiyo avo, tinogona kuzvikanganisa. Jesu akataura nezvevaya vanoedza kubvisa vanhu pakushumira Jehovha achiti: “Varegei vakadaro. Ivo mapofu anotungamirira vamwe. Saka kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, ese ari maviri achawira mugomba.”Mateu 15:14.

Ko kana munhu watinoziva akasarudza kuti haachadi kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha? Kana ari munhu wepedyo zvinorwadza zvechokwadi. Tinenge tava kutofanira kusarudza kuti totsigira ani, pakati pake naJehovha. Tinofanira kuda Mwari kupfuura chero ani zvake. (Mateu 10:37) Saka tinoteerera murayiro waJehovha wekurega kushamwaridzana nevanhu vakadaro.—Verengai 1 VaKorinde 5:11.

2. Zvatinosarudza zvinogona kuratidza sei kuti tinotsigira Jehovha?

Kuda kwatinoita Jehovha kuchaita kuti tisiyane zvachose nekunamata kwenhema. Hatishandi basa kana kuti kupinda mune rimwe sangano rinotsigira kunamata kwenhema. Jehovha anotiyambira achiti: “Budai [muBhabhironi Guru] vanhu vangu.”Zvakazarurwa 18:2, 4.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza kuti ungaita sei kuti usasiya chero ani zvake achikutadzisa kuramba uchitsigira Jehovha. Onawo kuti ungatsigira sei Jehovha nekubuda muBhabhironi Guru.

3. Ngwarira vadzidzisi venhema

Tinofanira kuita sei kana tikanzwa mumwe munhu achishora sangano raJehovha? Verengai Zvirevo 14:15, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Nei tichifanira kungwarira kuti tisangobvuma zvese zvatinonzwa?

Verengai 2 Johani 10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Tinofanira kuita sei nevanhu vakapandukira sangano?

  • Kunyange kana tikasataura navo ivo pachavo, tinogona sei kusangana nezvavanodzidzisa?

  • Unofunga kuti Jehovha anonzwa sei kana tichiteerera munhu ari kutaura zvakaipa nezvake nesangano rake?

4. Ramba uri kudivi raJehovha kana paine hama inenge yaita chivi

Kana tikaziva kuti mumwe munhu wemuungano aita chivi tinofanira kuita sei? Inzwa zvaitaurwa neMutemo waMwari waakapa vaIsraeri. Verengai Revhitiko 5:1.

Sezviri kutaurwa muvhesi iyi, kana tikaziva kuti mumwe munhu akaita chivi, tinofanira kuudza vakuru zvatinenge tichiziva. Asi tisati tadaro zvinenge zvakanaka kuti tiudze munhu wacho akatadza kuti aende ega kuvakuru kunoreurura chivi chake. Kana akarega kunovaudza, isu ticharatidza kuti tinotsigira Jehovha nekunoudza vakuru. Kuita izvozvo kunoratidza sei kuti tinoda . . .

  • Jehovha Mwari?

  • mutadzi wacho?

  • vamwe vari muungano?

Kana mumwe watinonamata naye ari mudambudziko, mubatsire!

5. Tambira kure neBhabhironi Guru

Verengai Ruka 4:8 uye Zvakazarurwa 18:4, 5, mobva makurukura mibvunzo iyi:

  • Zita rangu richiri mumabhuku enhengo dzeimwe chechi here?

  • Ndine rimwe sangano rakabatana nekunamata kwenhema randichiri mariri here?

  • Basa rangu rinotsigira kunamata kwenhema here?

  • Pachiine zvimwe zvandinoita muupenyu zvandinofanira kugadzirisa kuti ndiparadzane nekunamata kwenhema here?

  • Kana paine pandati hongu pamibvunzo iyi, ndingaita sei kuti ndichinje?

Zvese zvauchasarudza zvinofanira kukusiya uine hana isingakupi mhosva uye zvinofanira kuratidza kuti unotsigira Jehovha.

Ungaita sei kana ukanzi ubatsirewo vanotambura nekupa mupiro kuhomwe yesangano rechitendero?

VAMWE VANOTI: “Ndinoda kunzwa kuti vanhu vakapandukira sangano vanotii nezveZvapupu zvaJehovha kuti ndikwanise kuvaudza kuti vari kunyepa.”

  • Kungwara here ikoko? Nei uchidaro?

PFUPISO

Kuti tirambe tichitsigira Jehovha, tinofanira kusiyana nevanhu vakaratidza kuti havasi kudivi rake vakamusiya. Tinofanirawo kuparadzana zvachose nekunamata kwenhema.

Kudzokorora

  • Nei tisingafaniri kuona, kuverenga, kana kuteerera zvinotaurwa nevanhu vakapandukira sangano?

  • Tinofanira kubata sei vaya vanenge vasingachadi kuva Zvapupu zvaJehovha?

  • Tingaratidza sei kuti tiri kuteerera yambiro yekuti titize muzvitendero zvenhema?

Edza izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Dzidza zvaungaita kana vamwe vanhu vachiparadzira nhema pamusoro peZvapupu zvaJehovha.

“Une Chokwadi Nenyaya Yacho Here?” (Nharireyomurindi, August 2018)

Ungaziva sei masangano kana kuti mamwe mabasa anotsigira Bhabhironi Guru?

“Ramba Uchishingaira ‘Mazuva Ekupedzisira’ Zvaava Kupera” (Nharireyomurindi, October 2019, ndima 16-18)

Vamwe vanhu vanotipikisa vakaita sei kuti vakanganise kutenda kwedu?

Ngwarira Unyengeri (9:32)

Verenga nyaya inoti “Ndaitsvaka Mwari Kubvira Ndichiri Muduku,” unzwe nezvemumwe mupristi wechiShinto akasiyana nekunamata kwenhema.

“Bhaibheri Rinochinja Upenyu” (Nharireyomurindi, July 1, 2011)