Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 59

Unogona Kutsungirira Kana Vanhu Vachikutambudza

Unogona Kutsungirira Kana Vanhu Vachikutambudza

MuKristu wese anotombopikiswa kana kutambudzwa. Izvozvo zvinofanira kutishamisa here?

1. Nei tichitarisira kuti tichatambudzwa?

Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12) Jesu akatambudzwa nekuti akanga asiri wenyika yaSatani. Isuwo hatisi venyika, saka hazvitishamisi kana tichitambudzwa nehurumende dzenyika ino nemasangano ezvitendero.—Johani 15:18, 19.

2. Tingaita sei kuti tigare takagadzirira kutambudzwa?

Tinofanira kusimbisa chivimbo chedu muna Jehovha iye zvino. Wana nguva yekunyengetera kwaari uye kuverenga Shoko rake zuva rega rega. Gara uchipinda misangano yeungano. Izvi zvichakubatsira kuramba wakasimba uye wakashinga paunotambudzwa, kunyange nevemumhuri. Muapostora Pauro, uyo aiwanzotambudzwa, akanyora kuti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi.”VaHebheru 13:6.

Chimwe chinogona kutipa ushingi kugara tichiparidza. Kuparidza kunotidzidzisa kuvimba naJehovha uye kusatya vanhu. (Zvirevo 29:25) Kana ukava neushingi hwekuparidza iye zvino, uchakwanisa kuparidza kunyange kana hurumende ikarambidza basa redu.—1 VaTesaronika 2:2.

3. Kutsungirira kana tichitambudzwa kunotibatsira sei?

Hapana munhu anonakidzwa nekutambudzwa, asi patinotsungirira, kutenda kwedu kunosimba. Kutsungirira kunotiswededzawo pedyo naJehovha nekuti tinonyatsonzwa kuti ndiye ari kutibatsira patinofunga kuti hatichazvikwanisi. (Verengai Jakobho 1:2-4.) Jehovha anorwadziwa kana achitiona tichitambura, asi anofara kana tichitsungirira. Bhaibheri rinoti: “Kana mukatsungirira matambudziko nekuti munenge maita zvakanaka, izvozvo zvinofadza Mwari.” (1 Petro 2:20) Jehovha achapa vese vanotsungirira mubayiro weupenyu husingaperi munyika inenge isina vanopikisa kunamata kwechokwadi.—Mateu 24:13.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora kuti tingaita sei kuti tikwanise kushumira Jehovha pasinei nekupikiswa uye kuti zvinotibatsira sei.

4. Unogona kutsungirira kupikiswa nevemumhuri

Jesu akagara ataura kuti vemumhuri medu vanogona kusatitsigira pakunamata kwedu Jehovha. Verengai Mateu 10:34-36, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Chii chinogona kuitika kana mumwe munhu mumhuri akasarudza kushumira Jehovha?

Kuti uone kuti izvozvo zvinoitika, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Ungaita sei kana mumwe munhu akakuudza kuti usiye kunamata Jehovha, angava weukama kana shamwari?

Verengai Pisarema 27:10 uye Mako 10:29, 30. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Vimbiso iyi ingakubatsira sei kana uchipikiswa nevemumhuri kana shamwari?

5. Ramba uchinamata Jehovha pasinei nekutambudzwa

Zvinotoda ushingi kuti tishumire Jehovha kana vamwe vachiedza kutitadzisa kudaro. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Chii chakusimbisa muvhidhiyo iyi?

Verengai Mabasa 5:27-29 uye VaHebheru 10:24, 25. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Nei zvichikosha kuti tirambe tichinamata Jehovha kunyange kana basa redu rekuparidza kana misangano zvikarambidzwa?

6. Jehovha achakubatsira kutsungirira

Zvapupu zvaJehovha zvemazera akasiyana-siyana uye zvinobva kwakasiyana-siyana zvakaramba zvichishumira Jehovha kunyange pazvaitambudzwa. Kuti uone kuti chii chakavabatsira, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

  • Muvhidhiyo iyi, chii chakabatsira Zvapupu kutsungirira?

Verengai VaRoma 8:35, 37-39 uye VaFiripi 4:13. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Rugwaro urwu runokupa sei chivimbo chekuti unogona kutsungirira chero muedzo?

Verengai Mateu 5:10-12, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Chii chingaita kuti ufare paunenge uchitambudzwa?

Zviuru nezviuru zvevanamati vaJehovha zvakakwanisa kutsungirira zvichipikiswa. Iwe unozvigonawo!

VAMWE VANOTI: “Ini kana ndikatambudzwa handingambozvikwanisi.”

  • Magwaro api angavapa chivimbo chavanofanira kuva nacho?

PFUPISO

Jehovha anokoshesa zvatinoedza kuita kuti timushumire pasinei nekutambudzwa. Anogona kutibatsira kutsungirira!

Kudzokorora

  • Nei vaKristu vachifanira kutarisira kuti vachatambudzwa?

  • Ungaita sei iye zvino kuti ugare wakagadzirira panozouya kutambudzwa?

  • Chii chingakubatsira kuti uve nechivimbo chekuti unogona kushumira Jehovha pasinei nemiedzo?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ona imwe hama yechidiki ichitsanangura kuti Jehovha akaibatsira sei payakaiswa mujeri nenyaya yekusatsigira zvematongerwo enyika.

Kutsungirira Pasinei Nekutambudzwa (2:34)

Ona kuti chii chakabatsira mumwe murume nemudzimai kushumira Jehovha kwamakore akawanda pasinei nekupikiswa.

Kushumira Jehovha Munguva Dzekuchinja Kwezvinhu (7:11)

Dzidza kuti ungaramba sei wakashinga paunenge uchitambudzwa.

“Gadzirira Iye Zvino Kuzotambudzwa” (Nharireyomurindi, July 2019)

Zvinofanira kutishamisa here kana tichitambudzwa nevemumhuri, uye tingatsungirira sei matambudziko atinosangana nawo patinotambudzwa mumhuri?

“Chokwadi Hachiunzi ‘Rugare, Asi Bakatwa’” (Nharireyomurindi, October 2017)