Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 60

Ramba Uchivandudza Manamatiro Ako

Ramba Uchivandudza Manamatiro Ako

Kosi ino yeBhaibheri yakudzidzisa zvakawanda nezvaJehovha. Zvawakadzidza zvakaita kuti umude zvekuti unogona kunge wakatozvitsaurira kwaari ukabhabhatidzwa. Kana usati, pamwe uri kutofunga kuzviita munguva pfupi iri kutevera. Asi hazvirevi kuti kana wabhabhatidzwa watozvipedza. Unogona kuramba uchiswedera pedyo naJehovha nekusingaperi. Ungazviita sei izvozvo?

1. Nei uchifanira kuramba uchisimbisa ushamwari hwako naJehovha?

Tinofanira kushanda nesimba kuti tirambe tichisimbisa ushamwari hwedu naJehovha. Nei tichifanira kudaro? “Kuti tisambotsauka zvishoma nezvishoma” tichibva kwaari. (VaHebheru 2:1) Chii chingatibatsira kuti tirambe tichishumira Jehovha takatendeka? Tinofanira kugara takabatikana mubasa rekuparidza uye kutsvaga dzimwe nzira dzatingawedzera nadzo zvatagara tichiita pakushumira Mwari. (Verengai VaFiripi 3:16.) Hapana chinhu chakanaka kupfuura kurarama upenyu hwekushumira Jehovha!—Pisarema 84:10.

2. Ndezvipi zvimwe zvaunogona kuramba uchiita?

Kunyange zvazvo kosi yako yeBhaibheri yava kupera, upenyu hwako semuKristu huri kuenderera mberi. Bhaibheri rinoti tinofanira “kupfeka unhu hutsva.” (VaEfeso 4:23, 24) Paucharamba uchidzidza Shoko raMwari nekupinda misangano, uchadzidza zvinhu zvitsva nezvaJehovha. Tsvaga nzira dzaungawedzera nadzo kumutevedzera muupenyu hwako. Ramba uchigadziridza paunoona pachifanira kugadziridzwa kuti ufadze Jehovha.

3. Jehovha achakubatsira sei kuti urambe uchivandudza manamatiro ako?

Bhaibheri rinoti: “Mwari . . . achapedzisa kukudzidzisai. Achakutsigisai, achakusimbisai, uye achaita kuti mumire makasimba.” (1 Petro 5:10) Tese tinosangana nemiedzo. Asi Jehovha anotipa zvinodiwa kuti tikwanise kuikurira. (Pisarema 139:23, 24) Anovimbisa kukupa chido nesimba zvekuti urambe uchimushumira.—Verengai VaFiripi 2:13.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza kuti ungarambe sei uchivandudza manamatiro ako uye kuti Jehovha achakukomborera sei.

4. Ramba uchitaura neshamwari yako yepamwoyo, Jehovha

Munyengetero uye kudzidza Bhaibheri zvakakubatsira kuva shamwari yaJehovha. Asi zvingakubatsira sei kuwedzera kuswedera pedyo naye?

Verengai Pisarema 62:8, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Kuti usimbise ushamwari hwako naJehovha, ungavandudza sei manyengeterero ako?

Verengai Pisarema 1:2 uye mashoko emuzasi, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Kuti usimbise ushamwari hwako naJehovha, ungavandudza sei maverengero aunoita Bhaibheri?

Ungaite sei kuti unyatsobatsirwa nekudzidza kwaunoita Bhaibheri uri wega? Kuti uone mamwe mazano, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.

  • Pamazano ataurwa muvhidhiyo, ndeapi aunofunga kuti ungashandisa?

  • Unoda kudzidza nezvenyaya dzipi?

5. Iva nezvinangwa panyaya dzekunamata

Kuva nezvinangwa pakushumira kwako Jehovha kuchakubatsira kuti urambe uchivandudza manamatiro ako. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Muvhidhiyo iyi, Cameron akabatsirwa sei nekuva nezvinangwa panyaya dzekunamata?

Hazvirevi kuti tese tinokwanisa kutamira kune imwe nyika kuti tinoparidza. Asi tinogona kuva nezvinangwa zvatinokwanisawo. Verengai Zvirevo 21:5, wobva waronga kuti zvinangwa zvipi zvaunoda kuzadzisa . . .

  • muungano.

  • muushumiri.

Ipfungwa dzipi dziri murugwaro urwu dzichakubatsira kuzadzisa zvinangwa zvako?

Zvimwe zvaunogona kuedza

  • Vandudza minyengetero yako.

  • Verenga Bhaibheri rese.

  • Vavarira kuziva munhu wese ari muungano.

  • Tanga kudzidzawo nemumwe munhu Bhaibheri.

  • Tora upiyona hwebetsero kana kuti hwenguva dzese.

  • Kana uri munhurume, vavarira kuvawo mushumiri weungano.

6. Rarama nekusingaperi uchifara!

Verengai Pisarema 22:26, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Ungaita sei kuti unakidzwe neupenyu iye zvino uye nekusingaperi?

PFUPISO

Ramba uchisimbisa ushamwari hwako naJehovha uye iva nezvinangwa panyaya dzekunamata. Ukadaro uchanakidzwa neupenyu nekusingaperi!

Kudzokorora

  • Nei uine chivimbo chekuti Jehovha anogona kukubatsira kuramba uchimushumira wakatendeka?

  • Ungasimbisa sei ushamwari hwako naJehovha?

  • Kuva nezvinangwa panyaya dzekunamata kunogona kukubatsira sei kuramba uchivandudza manamatiro ako?

Edza izvi mugore riri kutevera

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Jehovha anokoshesa zvipi? Kumuitira chimwe chinhu chimwe chete chinoshamisa tichiratidza kuzvipira kwaari, kana kuti, kurarama upenyu hwese tichimunamata takatendeka?

Iva Akatendeka saAbrahamu (9:20)

Kunyange mushumiri waJehovha akatendeka anogona kushayiwa mufaro. Ona kuti ungaita sei kuti uwanezve mufaro.

Kuwanazve Mufaro Kubva Pakudzidza Nekufungisisa (5:25)

Ungaita sei kuti uve nezvinangwa panyaya dzekunamata uye ungazvizadzisa sei?

“Shandisa Zvinangwa Zvokunamata Kukudza Musiki Wako” (Nharireyomurindi, July 15, 2004)

Nei zvichikosha kuti muKristu asvike pakukura panyaya dzekunamata uye ungaite sei kuti iwewo ukure?

“Shandai Nesimba Kuti Muve Vakuru—‘Zuva Guru raJehovha Rava Pedyo’” (Nharireyomurindi, May 15, 2009)