Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chikamu 2 Kudzokorora

Chikamu 2 Kudzokorora

Kurukurai mibvunzo inotevera nemunhu ari kudzidza newe Bhaibheri:

  1. Mwari achaita sei nemachechi enhema?

    (Ona Chidzidzo 13.)

  2. Verengai Eksodho 20:4-6.

    • Jehovha anonzwa sei kana vanhu vakati vari kumunamata vachishandisa zvifananidzo?

      (Ona Chidzidzo 14.)

  3. Jesu ndiani?

    (Ona Chidzidzo 15.)

  4. Unonyanya kufarirei pana Jesu?

    (Ona Chidzidzo 17.)

  5. Verengai Johani 13:34, 35 uye Mabasa 5:42.

    • Ndivanaani vari kuita zvinofanira kuitwa nevaKristu vechokwadi mazuva ano? Chii chakakuratidza kuti ndivo vaKristu vechokwadi?

      (Ona Chidzidzo 18 ne19.)

  6. Ndiani musoro weungano uye anoitungamirira sei?

    (Ona Chidzidzo 20.)

  7. Verengai Mateu 24:14.

    • Uprofita uhwu huri kuzadziswa sei mazuva ano?

    • Ndiani wawakamboparidzirawo mashoko akanaka?

      (Ona Chidzidzo 21 ne22.)

  8. Unofunga kuti zvinokosha here kuti uronge kuzobhabhatidzwa? Nei uchidaro?

    (Ona Chidzidzo 23.)

  9. Ungazvidzivirira sei kuti usakuvadzwa naSatani nemadhimoni?

    (Ona Chidzidzo 24.)

  10. Mwari akatisika aine chinangwa chei?

    (Ona Chidzidzo 25.)

  11. Sei vanhu vachitambura uye vachifa?

    (Ona Chidzidzo 26.)

  12. Verengai Johani 3:16.

    • Jehovha akaitei kuti atinunure pachivi nerufu?

      (Ona Chidzidzo 27.)

  13. Verengai Muparidzi 9:5.

    • Chii chinoitika kwatiri patinofa?

    • Jesu achaitirei zviuru nezviuru zvevanhu vakafa?

      (Ona Chidzidzo 29 ne30.)

  14. Umambo hwaMwari hunopfuura sei hurumende dzevanhu?

    (Ona Chidzidzo 31 ne33.)

  15. Unobvuma here kuti Umambo hwaMwari hwava kutotonga? Nei uchidaro? Hwakatanga kutonga riini?

    (Ona Chidzidzo 32.)