Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mamwe Mashoko

Mamwe Mashoko
  1.  Maziviro Atinoita Chinonzi Bhabhironi Guru

  2.  Mesiya Aizoonekwa Riini?

  3.  Nzira Dzekurapwa Nadzo Dzinoshandiswa Ropa Remurwere

  4.  Kuparadzana Pasina Kudimbura Muchato

  5.  Mazororo Nemhemberero

  6.  Zvirwere Zvinotapuriranwa

  7.  Nyaya Dzebhizimisi Nedzematare Edzimhosva

 1. Maziviro Atinoita Chinonzi Bhabhironi Guru

Tinoziva sei kuti “Bhabhironi Guru” rinomiririra masangano ese echitendero chenhema? (Zvakazarurwa 17:5) Ongorora zvinotevera:

  • Rinowanika pasi rese. Bhabhironi Guru rinonzi rakagara pamusoro ‘pemapoka evanhu nemarudzi.’ “Rine umambo pamusoro pemadzimambo enyika.”—Zvakazarurwa 17:15, 18.

  • Hazviiti kuti titi isangano rezvematongerwo enyika kana kuti rezvekutengeserana. “Madzimambo epanyika” uye ‘vanhu vanotengesa zvinhu’ vanosara varipo parinoparadzwa.—Zvakazarurwa 18:9, 15.

  • Rinodzidzisa zvisiri izvo nezvaMwari. Rinonzi ipfambi nekuti rinobatana nehurumende dzevanhu kuti riwane mari uye ribatwe zvakanaka. (Zvakazarurwa 17:1, 2) Rinotsausa vanhu vari munyika dzese. Uye rakaurayisa vanhu vakawanda.—Zvakazarurwa 18:23, 24.

Dzokera pachidzidzo 13 pfungwa 6

 2. Mesiya Aizoonekwa Riini?

Bhaibheri rakanga ragara rataura kuti Mesiya aizouya pashure pemavhiki 69.—Verengai Dhanieri 9:25.

  • Mavhiki acho 69 aitanga riini? Mugore ra455 B.C.E. Gore iroro, Gavhuna Nehemiya akasvika muJerusarema ‘kuti aridzorere, uye arivakezve.’—Dhanieri 9:25; Nehemiya 2:1, 5-8.

  • Mavhiki acho 69 akanga akareba zvakadii? Humwe uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti zuva rinogona kumiririra gore. (Numeri 14:34; Ezekieri 4:6) Saka vhiki rimwe chete rinenge rava kureva makore 7. Muuprofita uhwu, mavhiki 69 anosvika makore 483 (69 kutaimuza na 7).

  • Mavhiki 69 akaguma riini? Tikaverenga makore 483 kubva muna 455 B.C.E. tinosvika mugore ra29 C.E. a Iri ndiro gore rakabhabhatidzwa Jesu, akava Mesiya!—Ruka 3:1, 2, 21, 22.

Dzokera pachidzidzo 15 pfungwa 5

 3. Nzira Dzekurapwa Nadzo Dzinoshandiswa Ropa Remurwere

Pane dzimwe nzira dzekurapwa nadzo dzinoshandiswa ropa remurwere wacho ari kurapwa. Dzimwe dzacho hadzibvumwi nemuKristu zvachose, dzakadai sekuti munhu anotorwa ropa richichengetwa, kuti rizoshandiswa paari kana ava kuvhiyiwa.—Dheuteronomi 15:23.

Asi pane dzimwe nzira dzisina hadzo kuipa. Idzi dzinosanganisira kutorwa ropa kuti riongororwe kana riine chirwere, uye dzimwe nzira dzakadai sehemodialysis, hemodilution, kana kuti kushandisirwa muchina unoita cell-salvage kana kuti heart-lung bypass. b MuKristu mumwe nemumwe anofanira kuzvisarudzira ega kuti ropa rake roitwa sei naro panguva yaanenge achivhiyiwa, kana kuti achiongororwa kana aine chirwere, kana zvimwe zvingave zvichiitwa pamuviri pake panguva iyoyo. Vana chiremba vanogona kushandisa nzira idzi zvakati siyanei. Saka asati abvuma nzira ipi zvayo yekuvhiyiwa, kana yekuongororwa kana aine chirwere kana kurapwa, muKristu anofanira kunyatsonzwisisa kuti ropa rake richaitwa sei naro. Anofanira kuzvibvunza mibvunzo inotevera:

  • Ko kana ropa rangu rikamboitwa kuti rierere richibuda mumuviri mangu romiswa kuti risadzoka kwekanguva? Hana yangu inozondibvumira kuti ndirambe ndichiriona seremumuviri wangu here, zvekuti ndinenge ndisisafaniri “kuridurura pasi”?—Dheuteronomi 12:23, 24.

  • Ko kana rimwe ropa rangu rikatorwa pandinenge ndichirapwa roiswa mimwe mishonga risati radzorerwa mumuviri mangu? Zvinoita kuti hana yangu inetseke here kana kuti ndinobvuma hangu marapirwo iwayo?

Dzokera pachidzidzo 39 pfungwa 3

 4. Kuparadzana Pasina Kudimbura Muchato

Shoko raMwari harikurudziri vanhu kuparadzana uye rinonyatsojekesa kuti kana vanhu vakaparadzana hazvirevi kuti vasununguka kutsvaga mumwe wekuroorana naye. (1 VaKorinde 7:10, 11) Asi pane mamwe mamiriro ezvinhu akaita kuti vamwe vaKristu vafunge nezvekuparadzana nemumwe wavo.

  • Kana murume achiramba kuriritira mhuri: Murume anoramba kuriritira mhuri yake zvekuti mhuri inosara isina kana pekutangira.—1 Timoti 5:8.

  • Kana achirohwa zvakaipisisa: Kurohwa zvekuti munhu anoona kuti utano kana kuti upenyu hwake huri pangozi.—VaGaratiya 5:19-21.

  • Kana achitadziswa zvachose kunamata Jehovha: Murume kana mudzimai anoita kuti mumwe wake asatombokwanisa kushumira Jehovha.—Mabasa 5:29.

Dzokera pachidzidzo 42 pfungwa 3

 5. Mazororo Nemhemberero

VaKristu havapemberere mazororo asingafadzi Jehovha. Asi muKristu mumwe nemumwe anofanira kusarudza zvekuita panyaya dzemazororo achitungamirirwa nehana yake yakadzidziswa neBhaibheri. Zvimwe zvinogona kuitika ndeizvi:

  • Mumwe munhu anokuti uve nezororo rakanaka. Unogona kungoti, “Waita hako.” Kana munhu wacho achida kunzwa zvakawanda unogona kumutsanangurira kuti nei usingapembereri zororo racho.

  • Murume wako kana kuti mudzimai wako, asiri Chapupu chaJehovha, anokukumbira kuti muende kuhama dzenyu pazororo kuti munodyira ikoko. Kana hana yako ichikubvumira kuenda, unogona kugara watsanangurira mumwe wako kuti, kana pachizoitwa tsika dzisingaenderani nekunamata kwako, hausi kuzobatanidzwa madziri.

  • Mukuru wekubasa kwako anoti ari kuda kukupa bhonasi panguva yezororo. Woiramba here? Zvinoenderana nekuti mukuru wacho ari kuiona seyekupemberera zororo here, kana kuti ari kutenda kushanda kwako nesimba?

  • Mumwe munhu anokupa chipo pazororo. Munhu wacho anogona kuti: “Ndinozviziva hangu kuti haupembereri zororo iri, asi ndiri kungokupawo hangu chipo ichi.” Pamwe anongofarirawo kupa vamwe zvipo. Asi unodawo kuzvibvunza kuti haangadaro ari kuda kukuedza kuti aone kuti une kutenda kwakadii here, kana kuti, haasi kungoda kukuita kuti upemberere zororo racho naye here? Kana wafunga zvese izvi, zviri kwauri kuti wotambira here chipo chacho kana kuti kwete. Nguva dzese tinoda kusarudza zvinhu zvinotisiya tiine hana yakanaka uye zvinoita kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha.—Mabasa 23:1.

Dzokera pachidzidzo 44 pfungwa 1

 6. Zvirwere Zvinotapuriranwa

Sezvo tichida vanhu, tinongwarira chaizvo kuti tisatapurira vamwe zvirwere, tingave tichitorwara kana kuti tichifunga kuti tingangodaro takatapurirwa chirwere. Tinoita izvi nekuti Bhaibheri rinoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”—VaRoma 13:8-10.

Tingashandisa sei murayiro uyu muupenyu hwedu? Munhu ane chirwere chinotapukira haafaniri iye kutanga kuratidza vamwe rudo nekuvatsvoda kana kuvambundira. Haafaniri kutsamwa kana vamwe vakasamukoka kudzimba dzavo vachityira kuti mhuri dzavo dzingabata chirwere. Uye kana ava kuda kubhabhatidzwa, anofanira kuudza murongi mudare revakuru nezvechirwere chake kuitira kuti azobhabhatidzwa zvisingazoita kuti azadze vamwe vanenge vachibhabhatidzwawo. Munhu anoziva kuti angangodaro akabata chirwere chinotapukira, anofanira kutanga aongororwa ropa rake asati atanga kudanana nemumwe munhu. Paunoita izvi unenge uchiratidza kuti une hanya nevamwe saka hausi kungofunga zvakakunakira iwe, “asi zvakanakirawo vamwe.”—VaFiripi 2:4.

Dzokera pachidzidzo 56 pfungwa 2

 7. Nyaya Dzebhizimisi Nedzematare Edzimhosva

Tinogona kunzvengana nematambudziko akawanda kana tikaita zvekunyorerana pasi zvibvumirano zvinobatanidza mari kunyange kana tiri kuzviita nemumwe muKristu. (Jeremiya 32:9-12) Kunyange zvakadaro, vaKristu vanogona kumboti pesanei panyaya dzemari nedzimwewo. Nyaya dzakadaro vanofanira kudzigadzirisa nekukurumidza, murunyararo, uye pahuviri hwavo.

Asi ko kana dziri nyaya dzakakura dzakadai sekubiridzira kana kuti kusvibisa zita remumwe? (Verengai Mateu 18:15-17.) Jesu akatipa matanho matatu ekutevedzera:

  1. Edzai kutaurirana pahuviri hwenyu.—Ona vhesi 15.

  2. Kana izvozvo zvikasashanda edza kuenda nemumwe munhu wemuungano akasimba pakunamata kana vaviri.—Ona vhesi 16.

  3. Kana zvikaramba zvekare, ipapo chete ndipo paunofanira kuudza vakuru.—Ona vhesi 17.

Kazhinji hatifaniri kuendesa hama dzedu kumatare nekuti zvinogona kusvibisa zita raJehovha uye ungano. (1 VaKorinde 6:1-8) Asi pane dzimwe nyaya dzinofanira kutoendeswa kumatare dzakadai sekudimbura muchato, kusarudza kuti vana vochengetwa naani kana vanhu varambana, mendenenzi, inishuwarenzi, kunyoresa kubhuroka kwemabhizimisi, kana kuti nyaya dzewiri yemufi. Kana muKristu achishandisa matare kugadzirisa nyaya dzakadaro, pasina kana kukakavadzana, anenge asingapesani nezano reBhaibheri.

Kana paparwa mhosva dzakakura dzakadai sekubatwa chibharo, kushungurudzwa kwemwana pabonde, kurohwa, kubiwa kwezvinhu zvakakura, kana kuti kupondwa kwemunhu, muKristu akamhan’ara nyaya dzakadaro kumapurisa, anenge asiri kupesana nezano reBhaibheri.

Dzokera pachidzidzo 56 pfungwa 3

a Kubva muna 455 B.C.E. kusvika muna 1 B.C.E., makore 454. Kubva muna 1 B.C.E. kusvika muna 1 C.E., igore rimwe chete (hakuna gore ra0). Uye kubva muna 1 C.E. kusvika muna 29 C.E., makore 28. Ese anobva asvika makore 483.

b Kuti uwane tsanangudzo yenzira idzi ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaOctober 15, 2000.