Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sumo

Sumo

Bhuku rino richakubatsira kuwana mavhesi uye nyaya dzinogona kukubatsira pamatambudziko aunosangana nawo. Richakubatsirawo kuti uwane mavhesi anogona kukubatsira pakukurudzira vamwe uye paunenge uchibatsira vamwe kuti vaite zvisarudzo zvinokudza Jehovha. Tsvaga nyaya yauri kuda. Nyaya imwe neimwe ine mibvunzo netsanangudzo pfupi dzenyaya dziri muBhaibheri. (Ona bhokisi rakanzi “ Mashandisiro Aungaita Bhuku Rino.”) Uchawana mavhesi anokupa mazano, anokutungamirira uye anokunyaradza. Uye uchawanawo mazano anobva muBhaibheri aunogona kushandisa kubatsira vamwe uye kuvakurudzirawo.

Mavhesi akanyorwa panyaya imwe neimwe haasiri iwo ega ari muBhaibheri anotaura nezvenyaya yacho. Asi bhuku rino nderekuti uwane mavhesi anonyanya kubatsira, uye kana uchida unogona kuwedzera kutsvakurudza. (Zvi 2:​1-6) Kuti uwedzere kuongorora, unogona kushandisa tumabhii tunenge turi pavhesi yaunenge uchiverenga utwo tunokuratidza mamwe mavhesi anoenderana nenyaya yauri kuverenga (marginal references). Unogonawo kushandisa Bhaibheri reChirungu Rekudzidza kuti uone mastudy notes. Kuti uwedzere kunzwisisa rugwaro rwacho uye mashandisiro aungaruita, unogona kushandisa Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza kana kuti Watch Tower Publications Index. Kuti uve nechokwadi chekuti uri kufambirana nemanzwisisiro atava kuita chokwadi, tarisa zvinyorwa zvitsva zvinenge zvakanyorwa.

Dai bhuku rino rikakubatsira kuti uwane uchenjeri, ruzivo uye unzwisise zviri muBhaibheri. Pauchashandisa bhuku rino, uchawedzera kuva nechokwadi chekuti “shoko raMwari ibenyu uye rine simba.”—VaH 4:12.