Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhemberero

Mhemberero

Mhemberero dzinoitwa nevaKristu

Ndeipi mhemberero inofanira kuitwa nevaKristu?

Vanhu vaMwari vanonakidzwa nekuungana vachinamata

Dhe 31:12; VaH 10:​24, 25

Mhemberero dzisingaitwi nevaKristu

Zvakaipirei kubatanidzwa mumhemberero dzine chekuita nechitendero chenhema?

1VaK 10:21; 2VaK 6:​14-18; VaE 5:​10, 11

Onawo “Kubatana Nemamwe Machechi Pakunamata

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Eks 32:​1-10—Jehovha akarwadziwa vaIsraeri pavakanamata chidhori vachiti vaimunamata

    • Nu 25:​1-9—Jehovha akaranga vanhu vake pavakabatanidzwa mumhemberero dzechitendero chenhema uye pavakaita unzenza

VaKristu vanofanira kupemberera Krisimasi here?

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ru 2:​1-5—Jesu akaberekwa panguva yainzi nevaRoma vanhu vaende kunonyoreswa. VaJudha vaipandukira saka zvaisaita kuti vaRoma vavamanikidze kuti vafambe munguva yechando yainaya mvura

    • Ru 2:​8, 12—Jesu paakaberekwa vafudzi vaigara kunze kwemisha yavo. Izvi hazviwanzoitiki muna December nekuti mumwedzi iwoyo kunenge kuchitonhora nekunaya

VaKristu vanofanira kupemberera mazuva ekuberekwa here?

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 40:​20-22—Farao ainamata vanamwari venhema uye akapemberera zuva rake rekuberekwa. Pazuva iroro akabva aita kuti mushandi wake aurayiwe

    • Mt 14:​6-11—Mambo Herodhi aivenga vateveri vaKristu uye akapemberera zuva rake rekuberekwa. Pazuva iroro akabva aita kuti Johani Mubhabhatidzi aurayiwe

Mhemberero dzaiva muMutemo waMozisi

VaKristu vanofanira kutevedzera Mutemo waMozisi, uyo unosanganisira kupemberera mhemberero dzakasiyana-siyana here?

VaKristu vanofanira kuita Sabata raiitwa vhiki rega rega here?

Mhemberero dzenyika

VaKristu vanofanira kubatanidzwa mumhemberero dzenyika here?

VaKristu vanofanira kubatanidzwa pakupemberera mazuva akadai serekuyeuka magamba, zuva iro nyika yakawana kuzvitonga kana kuti mamwe akarerekera ikoko here?

VaKristu vanofanira kubatanidzwa mumhemberero dzinopa vanhu rukudzo runofanira kungopiwa Jehovha Mwari chete here?

Eks 20:5; VaR 1:25

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mab 12:​21-23—Mwari akaranga Mambo Herodhi Agripa I nekuti akabvuma kupiwa rukudzo rwaifanira kungopiwa Mwari chete

    • Mab 14:​11-15—Pauro naBhanabhasi vakaramba kunamatwa

    • Zva 22:​8, 9—Ngirozi yaJehovha yakaramba kunamatwa