Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuyamura

Kuyamura

Chii chinoratidza kuti Jehovha ndiye ane rupo kupfuura vamwe vanhu vese?

Mwari haafadzwi nekupa kwakaita sei?

Mt 6:​1, 2; 2VaK 9:7; 1Pe 4:9

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 4:​3-7; 1Jo 3:​11, 12—Nemhaka yei Mwari asina kufadzwa nechibayiro chaKaini?

    • Mab 5:​1-11—Ananiyasi naSafira vakaurayiwa nekuti vakanyepa nezvechipo chavakanga vapa uye vavariro yavo yakanga isina kunaka

Mwari anofadzwa nekupa kwakaita sei?

Mt 6:​3, 4; VaR 12:8; 2VaK 9:7; VaH 13:16

Onawo Mab 20:35

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Ru 21:​1-4—Jesu akarumbidza imwe chirikadzi yaishayiwa nemhaka yekupa kwayakaita chipo chayo kunyange zvazvo mari yacho yakanga iri shoma

Nyaya yekupa zvipo yakanga yakamira sei muungano pakatanga chiKristu?

Mab 11:​29, 30; VaR 15:​25-27; 1VaK 16:​1-3; 2VaK 9:​5, 7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mab 4:​34, 35—Ungano yechiKristu yakabatsira vanhu vaishayiwa uye vaapostora vakava nechokwadi chekuti vanhu ivavo vawana zvavaida

    • 2VaK 8:​1, 4, 6, 14—Ungano yakaronga kuti pave nezvinhu zvekuyamura vaishayiwa

VaKristu vanofanira kuitirei vemumhuri mavo uye vavanonamata navo?

Bhaibheri rinodzidzisa kuti tinofanira kuitirei vanhu vanotambura?

Chii chinoratidza kuti kubatsira vanhu kuziva Mwari ndochinhu chinonyanya kukosha?

Mt 5:​3, 6; Joh 6:​26, 27; 1VaK 9:23

Onawo Zvi 2:​1-5; 3:13; Mup 7:12; Mt 11:​4, 5; 24:14

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Ru 10:​39-42—Jesu akabatsira Marita kuona kuti zvinhu zvine chekuita nekunamata ndizvo zvinofanira kuva pekutanga