Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunyaradza

Kunyaradza

Magwaro anogona kutinyaradza pazvinhu zvinokonzera kuora mwoyo

Kuzvidya Mwoyo

Ona “Kuzvidya Mwoyo

Kutsamwa; kurwadziwa

Vamwe vanorwadziwa nemhaka yematambudziko avanosangana nawo kana kubatwa zvisina kunaka

Mup 9:​11, 12

Onawo Pis 142:4; Mup 4:1; 7:7

Vamwe vanorwadziwa nemhaka yezvinhu zvakaipa zvinoitwa nevamwe

Mup 4:​1, 2

Kunyanya kuzvipa mhosva

Ezr 9:6; Pis 38:​3, 4, 8; 40:12

Kurwadziswa kana kurasiswa nevamwe

Ona “Kurwadziwa

Kurwadziwa nezvatinenge takanganisa

Ona “Kurwadziwa

Kunzwa sekuti hatina zvatinobatsira

Ona “Kusava Nechokwadi

Kunzwa sekuti hatigoni kugadzirisa dambudziko kana kuita basa ratinenge tapiwa

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Eks 3:11; 4:10—Mozisi ainzwa sekuti haakwanisi kuenda kunotaura naFarao uye kutungamirira vanhu vaMwari kubuda muIjipiti

    • Jer 1:​4-6—Jeremiya ainzwa sekuti akanga achiri mudiki uye asina unyanzvi hwekunozivisa mutongo waJehovha kuvanhu vaisada kuteerera

  • Magwaro anonyaradza:

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inonyaradza:

    • Eks 3:12; 4:​11, 12—Jehovha akaramba achiudza Mozisi kuti aizomubatsira kuita basa raakanga amupa

    • Jer 1:​7-10—Jehovha akaudza Jeremiya kuti asatya nekuti aizomubatsira kuita basa rakaoma raakanga amupa

Godo; shanje; ruchiva

Ona “Godo

Kusakwanisa kuita zvakawanda nemhaka yekurwara kana kukwegura

Pis 71:​9, 18; Mup 12:​1-7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mad 20:​1-3—Mambo Hezekiya akachema chaizvo paakarwara zvekuda kufa

    • VaF 2:​25-30—Epafrodhito akanetseka ungano payakanzwa kuti airwara uye akanetsekawo kuti zvimwe vaizofunga kuti akanga atadza kuita basa rake

  • Magwaro anonyaradza:

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inonyaradza:

    • 2Sa 17:​27-29; 19:​31-38—Mambo akakumbira Bhazirai kuti aende naye kuJerusarema asi Bhazirai akaramba basa raakanga apiwa nekuti akanga akwegura uye aisazokwanisa kuriita

    • Pis 41:​1-3, 12—Mambo Dhavhidhi aiva nechokwadi chekuti Jehovha aizomubatsira paakarwara

    • Mk 12:​41-44—Jesu akarumbidza imwe chirikadzi yaishayiwa nemhaka yekuti yakapa zvese zvayaiva nazvo

Kuramba uchirwadziwa nemhaka yekusabatwa zvakanaka nevamwe

Kutya kwakanyanya

Ona “Kutya

Kutambudzwa

Ona “Kutambudzwa