Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurwadziwa

Kurwadziwa

Kurwadziswa kana kurasiswa nevamwe

Pis 55:​12-14; Ru 22:​21, 48

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 8:​1-6—Muprofita Samueri akarwadziwa vaIsraeri pavakati vaida mambo

    • 1Sa 20:​30-34—Jonatani akarwadziwa uye akanyara baba vake Mambo Sauro pavakamutsamwira vachibva vamunyadzisa

  • Magwaro anonyaradza:

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inonyaradza:

    • Pis 55:​12-14, 16-18, 22—Mambo Dhavhidhi paakapandukirwa neshamwari yake yepedyo Ahitoferi, akakanda mutoro wake kuna Jehovha uye akanzwa anyaradzwa

    • 2Ti 4:​16-18—Muapostora Pauro akasiyiwa nevamwe vake paakasungwa asi Jehovha akamusimbisa zvikaita kuti ave netariro

Kurwadziwa nezvatinenge takanganisa

Job 14:4; VaR 3:23; 5:12

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Pis 51:​1-5—Mambo Dhavhidhi akarwadziwa chaizvo paakatadzira Jehovha

    • VaR 7:​19-24—Muapostora Pauro ainzwa aora mwoyo nekuti aifanira kugara achirwisa zvido zvakaipa

  • Magwaro anonyaradza:

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inonyaradza:

    • 1Mad 9:​2-5—Kunyange zvazvo Mambo Dhavhidhi akaita zvivi zvakakura, Jehovha akaramba achimuona semunhu ane mwoyo wakaperera kwaari

    • 1Ti 1:​12-16—Kunyange zvazvo aimboita zvivi zvakakura, muapostora Pauro aiva nechokwadi chekuti aizonzwirwa ngoni