Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunwa

Kunwa

Bhaibheri rinoti kunwa doro kwakaipa here?

Pis 104:​14, 15; Mup 9:7; 10:19; 1Ti 5:23

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Joh 2:​1-11—Jesu akaita chishamiso chake chekutanga pamuchato, paakachinja mvura kuita waini inonaka. Izvi zvakaita kuti varidzi vemuchato wacho vasanyara kana waini yaizonzi yapera

Kunwisa kana kudhakwa kwakaipirei?

Vashumiri vaMwari vanoona sei nyaya yekudhakwa?

1VaK 5:11; 6:​9, 10; VaE 5:18; 1Ti 3:​2, 3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 9:​20-25—Kudhakwa kwakaita Noa kwakaita kuti muzukuru wake aite chivi chakakura

    • 1Sa 25:​2, 3, 36—Nabhari aiva murume pasina ane utsinye uye aidhakwa zvekusvika pekupedzisira

    • Dha 5:​1-6, 22, 23, 30, 31—Mambo Bheshazari akanwisa waini akasvika pakutuka Jehovha Mwari uye akabva aurayiwa usiku ihwohwo

Nei tichifanira kungwarira panyaya yekunwa kunyange tisingazosviki pakudhakwa?

Zvii zvatingaita kuti tibatsire muKristu ane dambudziko rekunwisa?