Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukurudzirana

Kukurudzirana

Nei zvichikosha kuti vashumiri vaMwari vakurudzirane?

Isa 35:​3, 4; VaK 3:16; 1VaT 5:11; VaH 3:13

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

Nei Jehovha achida kuti vakuru vakurudzire vamwe?

Isa 32:​1, 2; 1Pe 5:​1-3

Onawo Mt 11:​28-30

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Dhe 3:28; 31:​7, 8—Jehovha akaudza Mozisi kuti akurudzire uye asimbise Joshua nekuti ndiye aizomutsiva uye ndizvo zvaakaita

    • Mab 11:​22-26; 14:22—Pauro naBhanabhasi vakakurudzira vaKristu vaiva muAndiyoki pavaitambudzwa

Nei tichifanira kutaurawo zvakanaka zviri kuitwa nemunhu patinenge tichimukurudzira?

Zvi 31:​28, 29; 1VaK 11:2

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Vat 11:​37-40—Vasikana vemuIsraeri vaienda kunorumbidza mwanasikana waJefta gore rega rega nemhaka yekuzvipira kwaakaita kushanda patebhenekeri

    • Zva 2:​1-4—Kunyange zvazvo Jesu akatsiura vaKristu vaiva muEfeso, akavaudzawo zvakanaka zvavaiita

Tingakurudzira sei hama nehanzvadzi dzedu?

Zvi 15:23; VaE 4:29; VaF 1:​13, 14; VaK 4:6; 1VaT 5:14

Onawo 2VaK 7:​13, 15, 16

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 23:​16-18—Jonatani akaziva kuti Dhavhidhi aida kukurudzirwa saka akamutsvaga kuti amusimbise

    • Joh 16:33—Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti vamutevedzere uye akavayeuchidzawo kuti vaigona kukunda nyika sezvaakaita

    • Mab 28:​14-16—Pauro akanzwa asimbiswa paakaona hama dzakanga dzauya kuzomuchingura kuti dzimukurudzire paaiva munzira kuenda kunotongwa kuRoma

Nei tisingafaniri kugara tichingonyunyuta kana kutaura mashoko anoodza vamwe mwoyo?

VaF 2:​14-16; Jud 16-19

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Nu 11:​10-15—Mozisi akaora mwoyo vaIsraeri pavakanyunyuta uye pavasina kuteerera

    • Nu 13:​31, 32; 14:​2-6—Zvakataurwa nevasori 10 vakanga vasina kutenda zvakaodza mwoyo yevaIsraeri uye zvakaita kuti vapandukire Jehovha

Kuungana nevatinonamata navo kungatibatsira sei kuti tive neushingi?

Zvi 27:17; VaR 1:​11, 12; VaH 10:​24, 25; 12:12

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mak 20:​1-19—VaJudha pavakarwiswa neuto guru, Mambo Jehoshafati akaunganidza vanhu kuti vanyengetere

    • Mab 12:​1-5, 12-17—Pashure pekunge muapostora Jakobho aurayiwa uye Petro asungwa, ungano yaiva muJerusarema yakaungana kuti inyengetere

Kufunga nezvetariro yedu kunotibatsira sei kuti tirambe tichitsungirira patinosangana nematambudziko?

Mab 5:​40, 41; VaR 8:​35-39; 1VaK 4:​11-13; 2VaK 4:​16-18; 1Pe 1:​6, 7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 39:​19-23; 40:​1-8—Josefa akaramba akavimbika uye achibatsira vamwe kunyange zvazvo akanga asungirwa mhosva yaasina kupara

    • 2Mad 6:​15-17—Muprofita Erisha aisatya paakauya kuzorwiswa neuto uye akanyengetera kuti mushandi wake avewo neushingi

Bhaibheri rinogona kutikurudzira

Jehovha anovimbisa kuti achatibatsira sei?

Kufunga nezvemwoyo murefu uye ngoni dzaJehovha kungatikurudzira sei?

Jehovha anogona kuitirei vaya vanonzwa vasina simba?

Pis 46:1; Isa 12:2; 40:​29-31; VaF 4:13

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 1:​10, 11, 17, 18—Hana akanyengetera paaishungurudzika uye Jehovha akapindura munyengetero wake akamubatsira kuti atangezve kufara

    • 1Mad 19:​1-19—Muprofita Eriya paakanga akaora mwoyo, Jehovha akamupa zvekudya uye mvura yekunwa. Akamupa tariro yakamukurudzira nekumunyaradza

Zvinovimbiswa neBhaibheri zvingatipa sei ushingi?

2Mak 15:7; Pis 27:​13, 14; VaH 6:​17-19; 12:2

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Job 14:​1, 2, 7-9, 13-15—Jobho akanyaradzwa netariro yerumuko zvinhu pazvakanga zvakamuomera

    • Dha 12:13—Dhanieri paakanga akwegura akakurudzirwa nengirozi payakamuudza nezvemubayiro waaizowana mune ramangwana

Kunyengetera kuna Jehovha uye kufungisisa nezvake kungatikurudzira sei?

Pis 18:6; 56:​4, 11; VaH 13:6

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 30:​1-9—Dhavhidhi paakasangana nedambudziko, akanyengetera kuna Jehovha achibva awanazve simba

    • Ru 22:​39-43—Jesu akanyengetera nemwoyo wese achikumbira kuti Jehovha amubatsire, Jehovha achibva atuma ngirozi kuti izomukurudzira

Kunzwa zvakanaka zviri kuitika kune vamwe uye kuzviudzawo vamwe kungatikurudzira sei?

Zvi 15:30; 25:25; Isa 52:7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mab 15:​2-4—Pauro naBhanabhasi vakasimbisa chaizvo hama nehanzvadzi dzemuungano dzavaishanyira

    • 3Jo 1-4—Muapostora Johani paakanga akwegura, akanzwa akurudzirwa chaizvo paakanzwa kuti vanhu vaakadzidzisa vakanga vachiri vakatendeka