Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsungirira

Kutsungirira

Vashumiri vaJehovha vanofanira kutsungirira here?

Tinoziva sei kuti vamwe vanhu vanogona kuramba kutiteerera kana kutotipikisa patinenge tichida kuvaparidzira?

Mt 10:22; Joh 15:​18, 19; 2VaK 6:​4, 5

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

Nei zvisingatishamisi kana vemumhuri vakatipikisa?

Mt 10:​22, 36-38; Ru 21:​16-19

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 4:​3-11; 1Jo 3:​11, 12—Kaini aiva akaipa uye akauraya munin’ina wake Abheri nekuti aiva munhu akarurama

    • Ge 37:​5-8, 18-28—Josefa akarwiswa uye akatengeswa nevakoma vake nekuti akavaudza hope dzaakarota dzakanga dzabva kuna Jehovha

Nei tisingafaniri kutya kufa patinotambudzwa?

Mt 10:28; 2Ti 4:​6, 7

Onawo Zva 2:10

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Dha 3:​1-6, 13-18—Shadreki, Misheki naAbhedhinego vakaramba kunamata chifananidzo kunyange zvazvo mambo akati vaizokandwa mumoto kana vakasachinamata

    • Mab 5:​27-29, 33, 40-42—Vaapostora vakaramba vachiparidza kunyange zvazvo vakanga vaudzwa kuti vaizourayiwa kana vakasarega

Chii chichatibatsira kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha patinotsiurwa?

Zvi 3:​11, 12; VaH 12:​5-7

Nei zvingatiomera kuti tirambe takatendeka vamwe pavanorega kushumira Jehovha?

Jer 1:​16-19; Ha 1:​2-4

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Pis 73:​2-24—Munyori wepisarema paakaona kuti vanhu vakaipa vaiva neupenyu hwakanaka, akatanga kuona sekuti kushumira Jehovha hakuna zvakunobatsira

    • Joh 6:​60-62, 66-68—Kutenda kwaiva naPetro kwakaita kuti arambe achitevera Jesu pasinei nekuti vamwe vakanga vasingachamuteveri

Chii chichatibatsira kuti titsungirire?

Kuramba tiri pedyo naJehovha

Kudzidza uye kufungisisa Shoko raMwari

Kugara tichinyengetera kuna Jehovha

VaR 12:12; VaK 4:2; 1Pe 4:7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Dha 6:​4-11—Muprofita Dhanieri akaramba achinyengetera kuna Jehovha kunyange zvazvo zvaigona kumuurayisa

    • Mt 26:​36-46; VaH 5:7—Pausiku hwake hwekupedzisira ari panyika, Jesu akanyengetera nemwoyo wese uye akakurudzirawo vamwe kuita kudaro

Kuungana nevamwe tichinamata

Kuisa pfungwa dzedu pane zvatakavimbiswa naJehovha

Kuwedzera kuda Jehovha uyewo hama nehanzvadzi dzedu

Kusimbisa kutenda kwedu

Kuziva kuti Jehovha anonzwa sei patinomuteerera kunotibatsira kuti titsungirire

Zvinobatsirei kana tikatsungirira takatendeka?

Zvinoita kuti Jehovha Mwari akudzwe

Zvi 27:11; Joh 15:​7, 8; 1Pe 1:​6, 7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Job 1:​6-12; 2:​3-5—Satani akati Jehovha anodzivirira vanhu kuitira kuti varambe vachimushumira. Jobho aitofanira kutsungirira kuitira kuti aratidze kuti zvakataurwa naSatani ndezvekunyepa

    • VaR 5:19; 1Pe 1:​20, 21—Kutsungirira kwakaita Jesu akatendeka kusvika pamugumo kwakapindura mubvunzo waivapo wekuti: Munhu asina chivi anokwanisa here kuramba akavimbika kuna Jehovha paanosangana nemiedzo yakaoma?

Zvinokurudzirawo vamwe kuti vatsungirire

Zvinotibatsira kuti tibudirire muushumiri

Zvinoita kuti tifarirwe naJehovha uye tiwane makomborero akavimbiswa