Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhuri

Mhuri

Jehovha ndiye akaita kuti pave nemhuri

Vabereki

Ona “Vabereki

Vanababa

Ona “Vanababa

Vanaamai

Ona “Vanaamai

Varume, Vakadzi

Ona “Wanano

Vana

Jehovha anoda kuti vana vaitei mumhuri?

Nei vana vachifanira kuteerera vabereki vavo?

VaE 6:​1-3; VaK 3:20

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Pis 78:​1-8—VaIsraeri vaiudza vana vavo zvakaitwa nemadzitateguru avo kuti vavabatsire kuti vasapandukire Jehovha uye varambe vachivimba naye

    • Ru 2:​51, 52—Jesu akanga asina chivi asi aiteerera vabereki vake vaiva nechivi

Nei vamwe vana vasingateereri vabereki vavo?

Mwari anoona sei vana vasingateereri vabereki?

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Dhe 21:​18-21—Mutemo waMozisi waiti mwana ane musikanzwa, anopandukira, asingateereri vabereki vake ari chidhakwa aifanira kuurayiwa

    • 2Mad 2:​23, 24—Vamwe vakomana 42 vakabvamburwa-bvamburwa nemabheya maviri pavakanyomba mumiririri waMwari, Erisha

Vabereki vanofanira kuona sei basa ravakapiwa rekurera vana?

Pis 127:3; 128:3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Re 26:9—VaIsraeri vaiona vana sechikomborero chaibva kuna Jehovha

    • Job 42:​12, 13—Jehovha akakomborera kuperera kwaJobho nekumupa vamwe vana 10

Jehovha anoda kuti vana vabatane sei mumhuri?

Pis 34:14; Zvi 15:23; 19:11

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Ge 27:41; 33:​1-11—Jakobho akaita zvese zvaaigona kuti aratidze kuti airemekedza mukoma wake Isau uye aida kuti vave nerugare. Uye Isau akagamuchira zvipo zvaakapiwa nemunin’ina wake

Vana vanofanira kuitireiwo vabereki vavo uye vanambuya nasekuru vavo?

Zvi 23:22; 1Ti 5:4

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 11:​31, 32—Abrahamu paaitama kubva kuUri, akaenda nababa vake Tera uye akavachengeta kusvika pavakazofa

    • Mt 15:​3-6—Jesu akashandisa Mutemo waMozisi kuti aratidze kuti vana vanofanira kuchengeta vabereki vavo

Hama Dzemurume, Hama Dzemukadzi

Mbuya Nasekuru

Ona “Mbuya Nasekuru