Kuregerera
Jehovha anoda kuregerera vanhu here?
Onawo 2Pe 3:9
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Pis 78:40, 41; 106:36-46—Jehovha akarwadziswa nevaIsraeri kakawanda asi airamba achingovaregerera
-
Ru 15:11-32—Kuti aratidze kuti Jehovha anoregerera, Jesu akataura mufananidzo wababa vakaregerera mwana wavo akaita zvakaipa akazopfidza
-
Chii chakaitwa naJehovha kuti tikwanise kuregererwa zvivi zvedu?
Joh 1:29; VaE 1:7; 1Jo 2:1, 2
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
VaH 9:22-28—Muapostora Pauro akatsanangura kuti ropa raJesu ndiro rega rinoita kuti tiregererwe zvivi zvedu
-
Zva 7:9, 10, 14, 15—Johani akanyora kuti Mwari anoregerera zvivi zvevanhu ‘veboka guru’ nekuti vanotenda muchibayiro chaJesu
-
Kana tichida kuti Jehovha atiregerere, tinofanira kuita sei vamwe pavanotikanganisira?
Mt 6:14, 15; Mk 11:25; Ru 17:3, 4; Jak 2:13
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Job 42:7-10—Jehovha akatanga ati Jobho anyengeterere shamwari dzake nhatu dzakanga dzamupomera zvenhema asati amukomborera uye amuporesa
-
Mt 18:21-35—Jesu akataura mufananidzo unonyatsoratidza kuti tinofanira kuregerera vamwe kana tichida kuti Mwari atiregererewo
-
Nei zvichikosha kuti munhu areurure uye apfidze zvechokwadi?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Pis 32:1-5; 51:1, 2, 16, 17—Mambo Dhavhidhi akarwadziwa uye akanetseka chaizvo paakaita zvivi zvakakura, asi akapfidza zvechokwadi
-
Jak 5:14-16—Jakobho akatsanangura kuti tinofanira kutaura nevakuru kana taita chivi chakakura
-
Zvii zvatinofanira kuita kana tichida kuti Jehovha atiregerere?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
1Mad 21:27-29; 2Mak 18:18-22, 33, 34; 19:1, 2—Mambo Ahabhi akazvininipisa paakatsiurwa asi haana kupfidza zvechokwadi, saka Jehovha haana kumuregerera uye pakupedzisira akaita kuti afe
-
2Mak 33:1-16—Mambo Manase aiva akaipa chaizvo asi Jehovha akamuregerera paakapfidza. Manase akaratidza kuti akanga apfidza zvechokwadi kuburikidza nekubatsira vanhu kuti vatangezve kunamata Jehovha zvakachena
-
Kana mutadzi akapfidza Jehovha anomuregerera zvakadii?
Pis 103:10-14; Isa 1:18; 38:17; Jer 31:34; Mik 7:19
-
Muenzaniso wemuBhaibheri Unogona Kukubatsira:
-
2Sa 12:13; 24:1; 1Mad 9:4, 5—Dhavhidhi akaita zvivi zvakakura, asi Jehovha akamuregerera nekuti akapfidza uye akatomuti aiva murume akaperera kwaari
-
Jesu akaratidza sei kuti Jehovha akagadzirira kuregerera vanhu?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Mt 26:36, 40, 41—Vadzidzi vaJesu vakarara panguva yaainyanya kuda kutsigirwa navo asi Jesu akazvinzwisisa nekuti vakanga vaneta
-
Mt 26:69-75; Ru 24:33, 34; Mab 2:37-41—Petro akaramba Jesu katatu asi akapfidza uye Jesu akamuregerera. Jesu paakamutswa akazviratidza kuna Petro uye akazomupa basa rinokosha muungano
-
Tinoziva sei kuti kuregerera kwaJehovha kune pakunogumira?
Mt 12:31; VaH 10:26, 27; 1Jo 5:16, 17
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Mt 23:29-33—Jesu akaudza vanyori nevaFarisi kuti kana vakasapfidza vaizopiwa mutongo wekukandwa muGehena, kureva kuparadzwa zvachose
-
Joh 17:12; Mk 14:21—Jesu akadana Judhasi Iskariyoti kuti “mwanakomana wekuparadzwa” uye akawedzera kuti zvaitova nani dai asina kutombozvarwa
-
Chii chichatibatsira kuti tiregererewo vamwe?