Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rusununguko

Rusununguko

Ndiani asina waanozvidavirira kwaari?

Isa 40:​13, 15; VaR 9:​20, 21

Onawo VaR 11:​33-36

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Dha 4:​29-35—Mambo aiva nesimba Nebhukadhinezari akazosvika pakunzwisisa kuti Jehovha ndiye Mukurusa kupfuura vanhu vese uye hapana anomuudza zvekuita

    • Isa 45:​6-12—Sezvo Jehovha ari iye Musiki haasungirwi kutiudza kuti nemhaka yei achiita zvaanoita

Kunyange zvazvo Jehovha achikwanisa kuita zvaanoda, ndezvipi zvaasingazoiti?

Nei tisina rusununguko rwekuita zvese zvatinoda?

Nei muKristu angasarudza kurega kuita zvimwe zvinhu kunyange zvinhu zvacho zvisina kuipa?

Nei tichiti vashumiri vaJehovha vane rusununguko?

Nei vashumiri vaJehovha vachifara?

Pis 40:8

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 18:3; VaH 11:​8-10—Abrahamu haana kumbokanganwa zvaakavimbiswa naJehovha uye izvozvo zvakamubatsira kuti arambe achishumira Mwari

    • VaH 11:​24-26—Mozisi akasarudza kushumira Jehovha uye Jehovha akaita kuti ave neupenyu hunofadza, rusununguko uye tariro yeramangwana

Jehovha anotisunungura kubva pachii?

Tingashandisa sei rusununguko rwedu zvakanaka?

Ndepapi muKristu paangaregedza kuita zvimwe zvinhu nemhaka yerudo?

Mashoko atinoparidza anosunungura sei vanhu?

Mwari anovimbisa kutisunungura pazvinhu zvipi mune ramangwana

Vanhu pavanosununguka kuita zvavanoda sei zvichizonzi vanova varanda?

Tinoziva sei kuti vanhu vese vakaenzana kuna Mwari?