Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufirwa

Kufirwa

Inyaya dzipi dziri muBhaibheri dzinoratidza kuti hapana chakaipa nekuchema kana tafirwa?

Chii chinoratidza kuti Jehovha anoda kunyaradza vanenge vafirwa?

Kuziva zvinoitika kana munhu afa kungatinyaradza sei?

Mup 9:​5, 10; 1VaT 4:13

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ru 20:​37, 38—Jesu akataura kuti rumuko ruchatoitika zvechokwadi zvekuti kuna Jehovha vakafa vanoita sevachiri kutorarama

    • Joh 11:​5, 6, 11-14—Pashure pekunge shamwari yake Razaro yafa, Jesu akafananidza rufu nekurara

    • VaH 2:​14, 15—Muapostora Pauro akatsanangura kuti hatifaniri kutya rufu

Nei Bhaibheri richiti zuva rekufa riri nani kupfuura zuva rekuberekwa?

Bhaibheri rinofananidza rufu nechii uye Mwari anovimbisa kuzoitei?

Nei tiine chokwadi chekuti vakafa vachamutswa?

Isa 26:19; Joh 5:​28, 29; Mab 24:15

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Bhaibheri rinotaura nezvevanhu 8 vakamutswa kuti vararamezve panyika uye rinotaurawo nezvaJesu akamutswa kuti ararame kudenga. Kana wakafirwa, nyaya idzi dzinogona kukunyaradza uye kukupa tariro yekuti kuchava nerumuko mune ramangwana

      • 1Mad 17:​17-24—Muprofita Eriya akamutsa mwanakomana weimwe chirikadzi yaigara mutaundi reZarefati raiva muSidhoni

      • 2Mad 4:​32-37—Muprofita Erisha akamutsa mumwe mukomana mutaundi reShunemi

      • 2Mad 13:​20, 21—Mumwe murume akamutswa mutumbi wake pawakagumha mapfupa aErisha

      • Ru 7:​11-15—Muguta reNaini, Jesu akasangana neboka revanhu vaienda kunoviga mwanakomana weimwe chirikadzi, achibva amutsa mwana wacho

      • Ru 8:​41, 42, 49-56—Jesu akamutsa mwanasikana waJairosi

      • Joh 11:​38-44—Jesu akamutsa shamwari yake yepedyo Razaro

      • Mab 9:​36-42—Muapostora Petro akamutsa imwe hanzvadzi yechiKristu yaizivikanwa nemabasa akanaka yainzi Dhokasi

      • Mab 20:​7-12—Muapostora Pauro akamutsa mumwe mukomana ainzi Yutiko akanga adonha pahwindo achibva afa

    • Jesu Kristu akamutswa semunhu wemweya asingafi uye izvi zvakabva zvaita kuti zvimwe zvese zvakavimbiswa naMwari zvikwanise kuzozadzika

    • Jesu ndiye munhu wekutanga kumutswa kuti anorarama kudenga asingafi uye ndizvo zvinoitika kuvaKristu vakazodzwa 144 000 pavanofa

Zvii zvatingaita kuti tibatsire vanhu vakafirwa?