Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwoyo

Mwoyo

Tinoziva sei kuti Bhaibheri parinotaura nezvemwoyo kakawanda kacho rinenge richireva mafungiro, zvinangwa, unhu uye manzwiro anoita munhu?

Pis 49:3; Zvi 16:9; Ru 5:22; Mab 2:26

Onawo Dhe 15:7; Pis 19:8

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Ru 9:​46-48—Jesu akatsiura vadzidzi vake nekuti mwoyo yavo yairatidza kuti vaida zvinzvimbo

Nei tichifanira kuchengetedza mwoyo yedu?

1Mak 28:9; Zvi 4:23; Jer 17:9

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 6:​5-7—Uipi hwaiva mumwoyo yevanhu hwakaita kuti vade zvekurwisana uye pakupedzisira Mwari akaunza Mafashamo

    • 1Mad 11:​1-10—Mambo Soromoni haana kuchengetedza mwoyo wake, akaroora vakadzi vekune dzimwe nyika avo vakazoita kuti mwoyo wake utsauke pana Jehovha

    • Mk 7:​18-23—Jesu akati zvido zvese zvakaipa zvinoparadzanisa munhu naMwari zvinotangira mumwoyo

Tingadzivirira sei mwoyo yedu?

Pis 19:14; Zvi 3:​3-6; Ru 21:34; VaF 4:8

Onawo Ezr 7:​8-10; Pis 119:11

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • VaE 6:​14-18; 1VaT 5:8—Muapostora Pauro akataura kuti kururama, kutenda uye rudo zvinochengetedza mwoyo wedu wekufananidzira sezvinoitwa nechinovharidzira chipfuva icho chinochengetedza mwoyo

Tingaziva sei kana paine zvava kuitika kumwoyo wedu wekufananidzira?

Zvi 21:​2-4; VaH 3:12

Onawo Zvi 6:​12-14

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mak 25:​1, 2, 17-27—Mambo Amaziya akaita kanguva achiita zvakarurama pamberi paMwari, asi mwoyo wake wakanga usina kunyatsozvipira; pasina nguva akatanga kuzvikudza akaramba kuteerera Jehovha uye akazopedzisira afa

    • Mt 7:​17-20—Jesu akaratidza kuti kana mwoyo wedu wakaipa zvatinoita zvinenge zvakaipawo kungofanana nemuti wakaipa unobereka michero yakaipa

Zvakanakirei kuti tirambe tichichengetedza mwoyo wedu, uye tingazviita sei?

Zvi 10:8; 15:28; Ru 6:45

Onawo Pis 119:​97, 104; VaR 12:​9-16; 1Ti 1:5

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mad 20:​1-6—Mambo Hezekiya paakarwara zvekufa akanyengetera achikumbira kuti Jehovha amunzwire ngoni nekuti akanga akatendeka uye akanga ashumira Jehovha nemwoyo wakaperera

    • Mt 21:​28-32—Jesu akataura mufananidzo unoratidza kuti zvinotaurwa nemunhu handizvo zvinoratidza zviri mumwoyo make asi zvaanoita

Nei zvichitinyaradza kuziva kuti Jehovha anoongorora mwoyo yedu?

1Mak 28:9; Jer 17:10

Onawo 1Sa 2:3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 16:​1-13—Muprofita Samueri akadzidza kuti Jehovha haatarisi zvatakaita nechekunze asi anoona zviri mumwoyo medu

    • 2Mak 6:​28-31—Munyengetero wakapiwa naMambo Soromoni paitsaurirwa temberi yaJehovha unoratidza kuti Mwari anoziva zvinenge zvichitinetsa mumwoyo medu uye anoziva kuti otibatsira sei